RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 20
  • Ko Kana Mwana Wangu Ari Kubhowekana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kana Mwana Wangu Ari Kubhowekana?
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaonekwa nevamwe vabereki nezvevana vanenge vachibhowekana
  • Zvaunogona kuita kana vana vachibhowekana
  • Ndodii Kana Ndakabhowekana?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Kuchange Kuchifinha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kubatsirwa Kunoitwa Vana Kana Vakaita Zvinhu Zvinoita Kuti Vashandise Pfungwa
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 20
Amai vakatarisa mwana wavo akatarisa panze achibhowekana.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Ko Kana Mwana Wangu Ari Kubhowekana?

Mwana wako ari kungoswera ari pamba asina zvekuita. Anokuudza kuti, “Ndiri kubhowekana!” Usati wamuudza kuti anoona TV kana kuti anotamba vhidhiyo gemhu yaanofarira, funga nezvemazano ari pazasi apa.

Zvakaonekwa nevamwe vabereki nezvevana vanenge vachibhowekana

  • Zvinhu zvaanozvivaraidza nazvo uye nguva yaanopedza achiita zvinhu izvozvo zvinogona kuita kuti mwana awedzere kubhowekana. Vamwe baba vanonzi Robert vanoti: “Vamwe vana, vanoona sekuti upenyu hwavo hunobhowa kana vachihuenzanisa nekuona TV kana kutamba mavhidhiyo gemhu. Vanofunga kuti zvinhu zvatinoita mazuva ese hazvinakidze.”

    Mudzimai wavo Barbara, anobvumirana navo. Akati: “Upenyu hunoda kufunga uye kushanda nesimba uye zvinotora nguva kuti uzoona mibayiro yezvaunenge washandira. Izvozvo ndizvo zvinobhowa vana vanoita nguva yakawanda vachiona TV kana kutamba mavhidhiyo gemhu.”

  • Kuita nguva yakawanda uri pasocial media kunogona kuita kuti uzvienzanise nevamwe. Kuona mapikicha nemavhidhiyo evamwe kunogona kuita kuti munhu aone sekuti upenyu hwake hahunakidze. Mumwe musikana anonzi Beth akati: “Zviri nyore kufunga kuti, ‘Munhu wese ari kunakidzwa neupenyu, ini ndingori pamba.’”

    Uyewo, kana munhu akaita maawa akawanda ari pasocial media anogona kusara asurukirwa uye ava kubhowekana. Mumwe mukomana anonzi Chris akati: “Unogona kumbowana zvekuita paunenge uri pasocial media asi paunobvapo hapana kana chaunenge wawana chinobatsira.”

  • Kubhowekana kunogona kubatsira. Vamwe amai vanonzi Katherine vakati kubhowekana kunoita kuti vana vafunge zvimwe zvinhu zvavanogona kuita. Semuenzaniso, vanoti: “Mwana anogona kutora bhokisi chairo, ogara mukati maro, ozviona sekuti ari mumota, mubhoti, kana chimwewo chinhu. Anogona kutora gumbeze oriwaridza pamusoro pezvinhu, otoona sekunge ari mutende.”

    Ndosaka mumwe anoongorora mararamiro anoita vanhu anonzi Sherry Turkle akati kubhowekana “kunopa munhu mukana wekuti ashandise pfungwa dzake.”a Saka dzimwe nguva kubhowekana hakuna kumboipa. Bhuku rinonzi Disconnected rinoti: “Kusimudza masimbi anorema kunosimbisa tsandanyama dzemuviri wemunhu. Saka paunonzwa kubhowekana, wobva watanga kufunga kuti zvii zvimwe zvaungaita, uchaona kuti kubhowekana kwawanga wakaita kwatokupa mukana wekuita zvimwe zvinhu zvine musoro.”

Pfungwa inokosha ndeiyi: Usaone kubhowekana kunenge kuchiita vana vako sedambudziko asi kuone semukana wekuti vashandise pfungwa dzavo kufunga zvimwe zvekuita.

Zvaunogona kuita kana vana vachibhowekana

  • Kana zvichiita, itai kuti vana venyu vambotamba panze. Barbara, ambotaurwa, anoti: “Zvinoshamisa kuona kuti kumboona zuva uye kufema mhepo yakachena kunobatsira kuti munhu atange kufara. Vana vedu pavakangotanga kutamba panze, vakanga vava kukwanisa kufunga zvinhu zvakasiyana-siyana zvekuita!”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, . . . nguva yekuseka . . . nenguva yekusvetuka-svetuka.”—Muparidzi 3:1, 4, mashoko emuzasi.

    Zvekufunga nezvazvo: Zvii zvandinogona kuita kuti vana vangu vawane nguva yakawanda yekumbotamba panze? Kana zvisingaite kuti vatambe panze, ndezvipi zvavanogona kuita vari mumba zvinoda kuti vashandise pfungwa?

  • Batsira vana vako kuti vafungewo vamwe. Vamwe amai vanonzi Lillian vanoti: “Cheka uswa huri pamba pemunhu akura, mutsvairire chivanze, mubikire kana kupfuura nepamba pake uchimuona. Kuita zvinhu zvinobatsira vamwe kunoita kuti ufare.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira, uye munhu wese anozorodza vamwe achazorodzwawo.”—Zvirevo 11:25.

    Zvekufunga nezvazvo: Ungabatsira sei vana vako kuti vawane mufaro unobva pakubatsira vamwe?

  • Iva muenzaniso wakanaka. Matauriro aunoita zvaunenge waswera uchiita anogona kubatsira kana kukanganisa vana vako. Vamwe amai vanonzi Sarah vanoti: “Kana tikataura tichiratidza kuti upenyu hwedu huhunakidze, tinenge tichidzidzisa vana vedu kuti vabhowekane. Asi kana tikataura tichiratidza kuti tinonakidzwa nezvatinoswera tichiita, vana vedu vachatitevedzerawo.”

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.”—Zvirevo 15:15.

    Zvekufunga nezvazvo: Vana vangu vanondinzwa ndichitsanangura sei zvandinenge ndaswera ndichiita? Vanoona ndichiita sei pandinenge ndakabhowekana?

Zano: Batsira vana vako kuti vanyore pasi zvinhu zvavanogona kuita. Vamwe amai vanozi Allison vakati: “Tine kabhokisi kekuti munhu wese ari mumhuri anogona kunyora zvaanofunga okanda imomo.”

a Kubva mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation.

“Mukana wakazonaka chaizvo”

Michael naTammy.

“Vana pavanenge vachiti vari kubhowekana, haisi nguva yekuti muvakurudzire kuona TV kana kushandisa mafoni avo, muchiitira kuti musakanganiswe zvamanga muchiita. Kutaura kuti, ‘Ndiri kubhowekana’ kunoratidza kuti mwana wako ari kuda kumbovawo nababa naamai vake. Uyu mukana wakazonaka chaizvo!”—Michael, nemudzimai wake Tammy.

Kudzokorora: Ungaita sei kuti vana vako vasabhowekane?

  • Kana zvichiita, itai kuti vana venyu vambotamba panze. Kutamba panze uye kufema mhepo yakachena kunogona kubatsira mwana wenyu kuti ashandise pfungwa dzake kufunga zvekuita.

  • Batsira vana vako kuti vafungewo vamwe. Kuita zvinhu zvinobatsira vamwe kunoita kuti munhu afare uye kunobatsira kuti munhu asabhowekane.

  • Iva muenzaniso wakanaka. Kana uchiratidza kuti unonakidzwa nezvaunoswera uchiita, kazhinji kacho, vana vako ndizvo zvavachaitawo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe