RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 190
  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nyaya “yemuSamariya akanaka” inotaura nezvei?
  • Nei Jesu akataura nyaya iyi?
  • Ndechipi chidzidzo chiri munyaya iyi?
  • VaSamariya vaiva vanaani?
  • Nyaya “yemuSamariya akanaka” yakatonyatsoitika here?
  • MuSamaria Anobvumikisa Kuva Muvakidzani Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chidzidzo Chokuva Nomutsa
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani Akanaka
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mufananidzo wemuSamariya Akanaka
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 190
Munhu ari kubata ruoko rwemunhu akadonhera pasi achimusimudza.

Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?

Mhinduro yeBhaibheri

Mashoko ekuti “muSamariya akanaka” anowanzoshandiswa kutsanangura mumwe munhu anoita zvinhu zvinobatsira vamwe vanenge vachitambura. Mashoko aya akabva panyaya yakataurwa naJesu achida kuratidza kuti muvakidzani akanaka anobatsira vamwe pasinei nekwavanobva kana rudzi rwavo.

Zviri munyaya ino

  • Nyaya “yemuSamariya akanaka” inotaura nezvei?

  • Nei Jesu akataura nyaya iyi?

  • Ndechipi chidzidzo chiri munyaya iyi?

  • VaSamariya vaiva vanaani?

  • Nyaya “yemuSamariya akanaka” yakatonyatsoitika here?

Nyaya “yemuSamariya akanaka” inotaura nezvei?

Nyaya yacho yakataurwa naJesu yakamira seizvi: Mumwe murume wechiJudha aibva kuJerusarema achienda kuJeriko. Ari munzira, akasangana nematsotsi akamubira, akamurova, akasiya amuita kafiramberi.

Mumwe mupristi wechiJudha nemumwe mutungamiriri wechitendero chechiJudha vakapfuura nepaiva nemurume uyu, asi havana kumubatsira kunyange zvazvo vaiva verudzi rumwe chete naye.

Pava paya, pakazopfuura mumwe murume muSamariya. (Ruka 10:33; 17:16-18) MuSamariya uyu akamunzwira tsitsi, achibva asunga maronda ake. Akabva amutora akaenda naye kuimba yevanenge vari parwendo. Akaita usiku hwese ainaye. Zuva rakatevera, akasiya apa muchengeti weimba yevanenge vari parwendo mari, achibva amuudza kuti asare achichengeta murume uyu. Akamuudzawo kuti kana akashandisa mari inopfuura yaakanga amupa, aizouya achimubhadhara.—Ruka 10:30-35.

MuSamariya akanaka akataurwa naJesu achiisa mafuta pamaronda emurume akarohwa akasiyiwa ari parutivi pemugwagwa.

Nei Jesu akataura nyaya iyi?

Jesu akataura nyaya iyi kune mumwe murume aifunga kuti vanhu verudzi rwake nechitendero chake chete ndivo vavakidzani wake. Jesu aida kudzidzisa murume uyu chidzidzo chinokosha chekuti anzwisise kuti “muvakidzani” haasi muJudha chete, asiwo vamwe vanhu vasiri vaJudha. (Ruka 10:36, 37) Nyaya iyi yakanyorwa muBhaibheri kuti ibatsire munhu wese anoda kufadza Mwari.—2 Timoti 3:16, 17.

Ndechipi chidzidzo chiri munyaya iyi?

Nyaya iyi inodzidzisa kuti muvakidzani akanaka anonzwira vamwe tsitsi uye anozviratidza nezvaanoita. Anobatsira vanhu vanenge vachitambura pasinei nekwavanobva kana rudzi rwavo. Muvakidzani wechokwadi anoitira vamwe zvaanoda kuti vamuitirewo.—Mateu 7:12.

VaSamariya vaiva vanaani?

VaSamariya vaigara kuchamhembe kweJudhiya. Vaisanganisira vana vevaJudha vakanga vakaroorana nevamwe vanhu vasiri vaJudha.

Pakazosvika nguva yaJesu, vaSamariya vakanga vatova nechitendero chavo chakazvimiririra. Vaibvuma mabhuku mashanu ekutanga eMagwaro echiHebheru asi mamwe ese vaisaabvuma.

Mumazuva aJesu, vaJudha vakawanda vaitairisira pasi vaSamariya uye vaisatomboda kudyidzana navo. (Johani 4:9) Vamwe vaJudha vaishandisa shoko rekuti “muSamariya” seshoko rekutuka.—Johani 8:48.

Nyaya “yemuSamariya akanaka” yakatonyatsoitika here?

Magwaro haatauri kuti nyaya yemuSamariya iyi yakanyatsoitika. Asi paaidzidzisa, Jesu aiwanzotaura nezvezvinhu kana kuti nzvimbo dzaizivikanwa nevanhu kuitira kuti vanyatsokwanisa kunzwisisa zvaaitaura.

Zvakawanda zviri munyaya iyi, zvinhu zvinotozivikanwa. Semuenzaniso:

  • Kubva muJerusarema kuenda kuJeriko, pane makiromita 20 uye munhu paanenge achifamba munzira iyi, anenge achidzika materu. Nyaya iyi inonyatsotaura zvechokwadi kuti munhu paaifamba achienda kuJeriko “anenge achidzika achibva kuJerusarema.”—Ruka 10:30.

  • Vapristi nevatungamiriri vechitendero chechiJudha vaigara muJeriko, vaigara vachifamba nenzira iyi vachienda kuJerusarema.

  • Matsotsi aiwanzohwandira vanhu munzira iyi kuti avabire, kunyanya vaya vainge vachifamba vari vega.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe