RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 189
  • Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kutambura
  • Kufirwa nemunhu waunoda
  • Kunyanya kuzvipa mhosva
  • Kusuruvara
  • Urwere
  • Kuzvidya mwoyo
  • Hondo
  • Kunetseka nezveramangwana
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo
    Dzimwe Nyaya
  • Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 189
Mukadzi ari kuverenga Bhaibheri achinyemwerera.

Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Ehe. (VaRoma 15:4) Ona mienzaniso yemavhesi emuBhaibheri akanyaradza vakawanda vari kusangana nematambudziko uye vari kushushikana.

Zviri munyaya ino

  • Kutambura

  • Kufirwa nemunhu waunoda

  • Kunyanya kuzvipa mhosva

  • Kusuruvara

  • Urwere

  • Kuzvidya mwoyo

  • Hondo

  • Kunetseka nezveramangwana

Kutambura

Pisarema 23:4: “Kunyange ndichifamba mumupata werima gobvu, hapana chandinotya, nekuti imi muneni.”

Zvazvinoreva: Kana ukanyengetera kuna Mwari uye ukabvuma kutungamirirwa neshoko rake Bhaibheri, uchava neushingi paunosangana nematambudziko.

VaFiripi 4:13: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”

Zvazvinoreva: Mwari anogona kukupa simba rekuti ukunde chero dambudziko ripi zvaro.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei kutsungirira matambudziko awava nenguva yakareba unawo, ona nyaya inoti “Dambudziko: Zvinhu Zvausingagoni Kuchinja.”

Kufirwa nemunhu waunoda

Muparidzi 9:10: ‘KuGuva hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.’

Zvazvinoreva: Vakafa havasi kutambura uye havakwanisi kutikuvadza. Havana kana chavanoziva.

Mabasa 24:15: “Kuchava nekumuka.”

Zvazvinoreva: Mwari anogona kuita kuti hama neshamwari dzedu dzakafa dzirarame zvakare.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei kutsungirira kana wakafirwa nemunhu waunoda, ona nyaya inoti “Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa.”

Kunyanya kuzvipa mhosva

Pisarema 86:5: “Nekuti makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha;a rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.”

Zvazvinoreva: Mwari anoregerera vaya vanonyatsopfidza zvepachokwadi pazvikanganiso zvavakaita uye vakatsunga kusazvidzokorora zvakare.

Pisarema 103:12: “Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.”

Zvazvinoreva: Mwari paanotiregerera, anobva aisa zvivi zvedu kure kwatisingambokwanisi kufungidzira. Haarambi achingotiyeuchidza nezvazvo kuti atipomere mhosva kana kutiranga.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei kuti usanyanya kuzvipa mhosva, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?”

Kusuruvara

Pisarema 31:7: “Makaona kutambudzika kwangu; munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.”

Zvazvinoreva: Mwari anonyatsoziva matambudziko ese auri kusangana nawo. Anonyatsonzwisisa manzwiro ako kunyange kana vamwe vanhu vakasakunzwisisa.

Pisarema 34:18: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”

Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kukutsigira paunenge wakasuruvara. Anogona kukupa simba rekutsungirira marwadzo ako.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei paunenge uchinzwa wakasuruvara, ona vhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Usaramba Wakangosuruvara.

Urwere

Pisarema 41:3: “Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake.”

Zvazvinoreva: Mwari anogona kukubatsira paunenge uchirwara zvakanyanya. Achaita kuti ugadzikane mupfungwa, uve nesimba, utsungirire uye uve neuchenjeri hwekuita zvisarudzo zvakanaka.

Isaya 33:24: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”

Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kuti kuchava nenguva yekuti vanhu vese vanenge vava neutano hwakanaka.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei paunenge uchirwara, ona nyaya inoti “Zvaungaita Kana Wava Kunyanya Kurwara.”

Kuzvidya mwoyo

Pisarema 94:19: “Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.”

Zvazvinoreva: Kana tikanyengetera kuna Mwari patinenge tichizvidya mwoyo, anogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama.

1 Petro 5:7: ‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’

Zvazvinoreva: Mwari ane hanya nekutambura kwedu. Anotikumbira kuti tinyengetere kwaari tichimuudza zvese zvinotinetsa.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei paunenge uchizvidya mwoyo, ona nyaya inoti “Kukunda Dambudziko Rekushushikana.”

Hondo

Pisarema 46:9: “Ari kugumisa hondo munyika yese.”

Zvazvinoreva: Pasina nguva, Umambo hwaMwari huchagumisa hondo dzese.

Pisarema 37:11, 29: “Vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda. . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”

Zvazvinoreva: Vanhu vakanaka vachava nerugare panyika nekusingaperi.

Kuti uzive zvakawanda nezvekuti tinoziva sei kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo, ona nyaya inoti “Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?”

Kunetseka nezveramangwana

Jeremiya 29:11: “‘Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”

Zvazvinoreva: Mwari anoudza vanhu vake kuti vanogona kutarisira kuzova neramangwana rakanaka.

Zvakazarurwa 21:4: “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”

Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kuti achagumisa zvinhu zvakaipa zvese zvauri kuona zvichiitika mazuva ano.

Kuti uzive zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana, ona nyaya inoti “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe