RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 187
  • Mupfumi naRazaro Vaiva Vanaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mupfumi naRazaro Vaiva Vanaani?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Jesu akati kudii nezvemupfumi naRazaro?
  • Nyaya iyi yakatoitika here?
  • Nyaya iyi inotsigira here dzidziso yekuti vakaipa vachanotsva kugehena?
  • Nyaya yemupfumi naRazaro inorevei?
  • Mufananidzo Wemupfumi naRazaro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chii Chichaitika Kana Tikafa?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Chakaita Kuti Jesu Asamhanya-mhanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 187
Jesu achitaura mufananidzo wemupfumi naRazaro. Nechekumashure kune mupfumi uye Razaro, mupemhi akazara maronda.

Mupfumi naRazaro Vaiva Vanaani?

Mhinduro yeBhaibheri

Mupfumi naRazaro vanotaurwa mune imwe yenyaya dzakataurwa naJesu. (Ruka 16:19-31) Munyaya yacho, varume ava vaimiririra mapoka maviri evanhu: (1) vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaizvikudza vemunguva yaJesu uye (2) vanhu vaizvininipisa uye vaiteerera zvaidzidziswa naJesu.

Zviri munyaya ino

  • Jesu akati kudii nezvemupfumi naRazaro?

  • Nyaya iyi yakatoitika here?

  • Nyaya iyi inotsigira here dzidziso yekuti vakaipa vachanotsva kugehena?

  • Nyaya yemupfumi naRazaro inorevei?

Jesu akati kudii nezvemupfumi naRazaro?

Muchitsauko 16 chaRuka, Jesu anotaura nezvevarume vaviri vane mamiriro ezvinhu akachinja zvinoshamisa muupenyu hwavo.

Muchidimbu, nyaya yacho inoti: Mupfumi airarama upenyu hweumbozha. Mupemhi ainzi Razaro aiiswa pagedhi remupfumi wacho achitarisira kuti aizopiwa chikafu chaidonha patafura yake. Nekufamba kwenguva, Razaro akafa, uye ngirozi dzakanomuisa padivi paAbrahamu. Mupfumi wacho akazofawo uye akanovigwa. Munyaya yacho, vese vari vaviri vanorondedzerwa sekuti vachiri vapenyu pashure pekunge vafa. Mupfumi akanga achipiswa nemoto uye akakumbira Abrahamu kuti atume Razaro kuti anyike munwe wake, amutonhodze rurimi. Abrahamu akaramba uye akati mamiriro ezvinhu evarume vacho vaviri akanga achinja uye kuti pakati pavo pakanga pava nemukaha mukuru zvekuti zvakanga zvisingaiti kuyambuka uchienda kune rumwe rutivi.

Nyaya iyi yakatoitika here?

Aiwa. Uyu mufananidzo wakataurwa naJesu kuti adzidzise chidzidzo chinokosha. Nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri dzinobvumirana nazvo kuti uyu waingova mufananidzo. Semuenzaniso, pamavhesi aya, musoro wenyaya wemuBhaibheri rinonzi Luther Bible ra1912 unotoratidza kuti waingova mufananidzo. Uyewo muBhaibheri rine Apokirifa rinoshandiswa nechechi yeRoma, musoro wenyaya pamavhesi acho unoti “mufananidzo womupfumi naRazaro.”

Jesu aidzidzisa here kuti vanhu vanopfuurira kurarama pashure pekunge vafa? Aireva here kuti vamwe vanhu vachanotsva kugehena kana vafa uye kuti Abrahamu naRazaro vakanga vari kudenga? Pane zvikonzero zvakawanda zvinoratidza kuti handizvo zvaaidzidzisa.

Semuenzaniso:

  • Kana mupfumi uyu akanga ari kutsva zvechokwadi, mvura yaiva pamunwe waRazaro yaisazotsva ikapera here?

  • Kunyange kudai mvura yacho yaisazopera, zvaizoita here kuti donhwe rimwe chete remvura ripedze nyota yemupfumi wacho ari kupiswa nemoto?

  • Abrahamu aizova sei kudenga, iye Jesu akanyatsotaura zvakajeka kuti panguva yaakanga ari panyika hapana akanga akwira kudenga?—Johani 3:13.

Nyaya iyi inotsigira here dzidziso yekuti vakaipa vachanotsva kugehena?

Aiwa. Kunyange zvazvo iyi isiri nyaya yakatoitika, vamwe vanhu vanoti inoratidza kuti vanhu vakanaka vachaenda kudenga uye vakaipa vachapiswa kugehena.a

Zvine musoro here kufunga kudaro? Aiwa.

Dzidziso yekuti vanhu vachanotsva haienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri nezvezvinoitika kana munhu afa. Semuenzaniso, haridzidzisi kuti vanhu vakanaka pavanofa vanonorarama upenyu hwakanaka kudenga kana kuti vanhu vakaipa vanopiswa mumoto. Asi rinodzidzisa kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana kana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.

Nyaya yemupfumi naRazaro inorevei?

Nyaya yacho inoratidza kuti zvinhu zvaizochinja zvinoshamisa kumapoka maviri evanhu.

Mupfumi zviri pachena kuti aimiririra vatungamiriri vechitendero chechiJudha, “avo vaida mari.” (Ruka 16:14) Vainzwa zvaitaurwa naJesu, asi vaisabvumirana nezvaaidzidzisa. Vatungamiriri vechitendero ava vaiona vamwe vanhu sevasingakoshi.—Johani 7:49.

Razaro aimiririra vaya vaibvuma zvaidzidziswa naJesu uye vaitarisirwa pasi nevatungamiriri vechitendero chechiJudha.

Zvinhu zvakachinja zvinoshamisa kumapoka acho maviri.

  • Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vaifunga kuti vaifarirwa naMwari. Asi vakaita sekunge vafa, Mwari paakavaramba uye paakaramba kunamata kwavo nemhaka yekuti havana kubvuma zvaidzidziswa naJesu. Uye mashoko aiparidzwa naJesu nevateveri vake, aiita sekunge moto wakanga uri kuvapisa.—Mateu 23:29, 30; Mabasa 5:29-33.

  • Vanhu vaya vakanga vasiyiwa nevatungamiriri vavo vechitendero vakanga vava kufarirwa naMwari. Vakawanda vakabvuma mashoko aibva muMagwaro aidzidziswa naJesu uye vakabatsirwa nawo. Vakanga vava nemukana wekuramba vachifarirwa naMwari nekusingaperi.—Johani 17:3.

a Mamwe maBhaibheri anoshandisa shoko rekuti “gehena” achiti ndiko kwakaenda mupfumi paakafa. Asi, shoko rechiGiriki rekuti Hadhesi rinoshandiswa pana Ruka 16:23 rinongoreva guva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe