RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 173
  • Mwari Akatanga Riini Kusika Denga Nenyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akatanga Riini Kusika Denga Nenyika?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mazuva 6 ekusika aiva mazuva ane maawa 24 here?
  • Zvinotaurwa muna Genesisi zvinoenderana nezvinotaurwa nesainzi here?
  • Zuva, mwedzi, nenyeredzi zvakasikwa riini?
  • Maererano nezvinotaurwa muBhaibheri, nyika yava nemakore mangani yasikwa?
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
    Mukai!—2021
  • Sayenzi Inopikisa Nhoroondo Iri Muna Genesisi Here?
    Mukai!—2006
  • Genesisi 1:1—“Pakutanga Mwari Akasika Denga Nenyika”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Zuva Nenyika Dzaro—Kwazvakabva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 173
Mapuraneti uye nyeredzi dziri mudenga.

Mwari Akatanga Riini Kusika Denga Nenyika?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haritauri kuti Mwari akatanga riini kusika denga nenyika uye kuti zvakatora nguva yakareba sei. Rinongoti: “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.” (Genesisi 1:1) Bhaibheri haritauri kuti “pakutanga” pacho ndepapi. Asi maererano nezvinotaurwa muna Genesisi, denga nenyika zvakasikwa “mazuva” 6 ekusika asati atanga.

  • Mazuva 6 ekusika aiva mazuva ane maawa 24 here?

  • Zvii zvakaitika mumazuva 6 ekusika?

  • Zvinotaurwa muna Genesisi zvinoenderana nezvinotaurwa nesainzi here?

  • Zuva, mwedzi, nenyeredzi zvakasikwa riini?

  • Maererano nezvinotaurwa muBhaibheri, nyika yava nemakore mangani yasikwa?

Mazuva 6 ekusika aiva mazuva ane maawa 24 here?

Aiwa. MuBhaibheri shoko rekuti “zuva” rinogona kureva nguva yakareba zvakasiyana-siyana zvichienderana nezvinenge zvichitaurwa. Semuenzaniso, imwe ndima inotaura nezvenguva yese yakasikwa zvinhu sezuva rimwe chete.—Genesisi 2:4.

Zvii zvakaitika mumazuva 6 ekusika?

Mwari akaita kuti nyika ‘yakanga isina kugadzirwa, uye yakanga isina chinhu’ ikwanise kugarwa nevanhu. (Genesisi 1:2) Akazosika zvinhu zvipenyu zviri panyika. Bhaibheri rinotaura nezvezvinhu 6 zvakaitika mumazuva ekusika:

  • Chiedza nerima.

    Zuva 1: Mwari akaita kuti chiedza chivheneke panyika, zvikaita kuti pave nemasikati neusiku.—Genesisi 1:3-5.

  • Denga uye gungwa.

    Zuva 2: Mwari akaita kuti pave nenzvimbo huru inoparadzanisa mvura iri panyika nemvura iri kudenga.—Genesisi 1:6-8.

  • Nyika yakaoma, uswa nemiti.

    Zuva 3: Mwari akaita kuti pave nepasi pakaoma. Akasikawo zvinhu zvinomera.—Genesisi 1:9-13.

  • Zuva, mwedzi, nenyeredzi zviri kuoneka panyika.

    Zuva 4: Mwari akaita kuti zuva, mwedzi, nenyeredzi zvioneke panyika.—Genesisi 1:14-19.

  • Zvisikwa zvemumvura uye zvinobhururuka.

    Zuva 5: Mwari akasika zvisikwa zvemumvura nezvisikwa zvinobhururuka.—Genesisi 1:20-23.

  • Mhuka dzepanyika nevanhu.

    Zuva 6: Mwari akasika mhuka dzepanyika nevanhu.—Genesisi 1:24-31.

Pakapera mazuva 6, Mwari akazorora pabasa rake kana kuti akamira kusika.—Genesisi 2:1, 2.

Zvinotaurwa muna Genesisi zvinoenderana nezvinotaurwa nesainzi here?

Nhoroondo yeBhaibheri yekusikwa kwedenga nenyika haisi tsanangudzo yakadzama yesainzi. Asi itsanangudzo iri nyore zvekuti kunyange vanhu vekare vaigona kunzwisisa kuti Mwari akatanga kusika chii. Nyaya yekusikwa kwakaitwa zvinhu haipesani nezvinotaurwa nesainzi. Mumwe sayendisti anonzi Robert Jastrow akanyora kuti: “Matsanangurirwo anoitwa nyaya yacho akasiyana, asi zvinotaurwa nesainzi uye zvinotaurwa neBhaibheri nezvematangiro akaita upenyu zvine pazvakafanana; zvese zvinoratidza kuti pane pakatangira zvinhu kuvapo zvichizoguma nekuvapo kwemunhu.”

Zuva, mwedzi, nenyeredzi zvakasikwa riini?

Zuva, mwedzi, nenyeredzi zvakavapo sechikamu ‘chedenga’ rakasikwa “pakutanga.” (Genesisi 1:1) Asi chiedza chazvo chaitadziswa kusvika panyika nemhepo yakanga yakaipoteredza. (Genesisi 1:2) Kunyange zvazvo chiedza chishoma chaivheneka panyika pazuva rekutanga, chaisaoneka kuti chaibva kupi. Pazuva rechi4, kunenge kuti mhepo yakanga yakapoteredza nyika yakanga isisina kunyanya kuwanda. Bhaibheri rinotaura kuti zuva, mwedzi, uye nyeredzi zvakatanga ‘kuvhenekera nyika,’ richitsanangura maonerwo azvaizoitwa nemunhu ari panyika.—Genesisi 1:17.

Maererano nezvinotaurwa muBhaibheri, nyika yava nemakore mangani yasikwa?

Bhaibheri haritauri kuti nyika yava nemakore mangani. Genesisi 1:1 inongotaura kuti denga nenyika zvine pazvakatangira. Izvi hazvipikisani nezvinotaurwa nesainzi kana kuti zvinofungidzirwa nemasayendisti panyaya yekuti nyika yava nemakore mangani yasikwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe