RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 171
  • Dhiyabhorosi Ane Chitarisiko Chakaita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhiyabhorosi Ane Chitarisiko Chakaita Sei?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Bhaibheri rinotsanangura Dhiyabhorosi sei?
  • Rwisanai Nasatani, uye Iye Achakutizai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Rwisanai naDhiyabhorosi” Sezvakaita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 171

Dhiyabhorosi Ane Chitarisiko Chakaita Sei?

Mhinduro yeBhaibheri

Dhiyabhorosi ane muviri wemweya, izvi zvinoreva kuti haaoneki.—VaEfeso 6:11, 12.

Mufananidzo unowanzodhirowewa unoratidza Dhiyabhorosi akabata forogo. Anodhirowewa akaita semhuka inenge mbudzi ine nyanga nemuswe.

Mumifananidzo yakawanda Satani anodhirowewa akaita semhuka yakaita kunge mbudzi, ine nyanga, muswe, uye anenge akabata forogo. Vamwe vanofunga kuti mifananidzo yakadaro yakatanga kudhirowewa nevanhu vakararama makore ekuma500 C.E. kusvika 1 500 C.E., uye kuti zvavaidhirowa zvinofanira kunge zvaibva pangano nenyaya dzavainzwa panguva iyoyo.

  • Bhaibheri rinotsanangura Dhiyabhorosi sei?

  • Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvaDhiyabhorosi

Bhaibheri rinotsanangura Dhiyabhorosi sei?

Bhaibheri rinoshandisa mienzaniso yakasiyana-siyana kutsanangura Dhiyabhorosi. Mienzaniso iyi inotibatsira kuti tinzwisise, zvakaita unhu hwake, kwete chitarisiko chake. Imwe yacho ndeiyi:

  • Ngirozi yechiedza. Anonyepedzera kupa chimwe chinhu chakanaka kuti vanhu vatevere dzidziso dzake panzvimbo pedzaMwari.—2 VaKorinde 11:14.

  • Shumba inodzvova. Anorwisa zvakasimba vanamati vaMwari.—1 Petro 5:8.

  • Dhiragoni huru. Anotyisa, ane simba uye anoparadza.—Zvakazarurwa 12:9.

Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvaDhiyabhorosi

  • 2 VaKorinde 11:14: “Satani pachake anoramba achinyepedzera kuva ngirozi yechiedza.”

    Zvazvinoreva: Satani anonyepedzera kunge akanaka achinyengedza vanhu kuti vatevere dzidziso dzake panzvimbo pekutevera Mwari.

  • VaEfeso 6:11: “Pfekai zvipfeko zvakakwana zvemurwi zvinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.”

    Zvazvinoreva: Dhiyabhorosi anoruka mazano akaipa kuti aite kuti vanhu vasateerera Mwari.

  • Jakobho 4:7: “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye achakutizai.”

    Zvazvinoreva: Munhu anogona kukunda Satani kana akateerera Mwari.

  • 1 Petro 5:8: “Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.”

    Zvazvinoreva: Dhiyabhorosi anovenga vaya vanoteerera Mwari uye anoda kuparadza ushamwari hwavo naye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe