RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 p. 171
  • Rudo Harwuna Muganhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Harwuna Muganhu
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 p. 171

GEORGIA

Rudo Harwuna Muganhu

PACHIRI nenguva refu Sanel asati atomboberekwa, vanachiremba vakaudza vabereki vake kuti kana aizoberekwa ari mupenyu aizova nedambudziko reutano rakakura. Musi waakaberekwa chaiwo, Sanel aitofanira kuitwa oparesheni. Vabereki vake, avo vaigara kuAbkhazia—nharaunda yakazvisunungura kubva pasi peGeorgia—vaisakwanisa kuwana chiremba aizoita oparesheni asingazomuwedzeri ropa.

Vabereki vake vakataura neKomiti Yekukurukura Nezvipatara yeko.a Vakanzwa kurerukirwa chaizvo hama dzemukomiti iyi padzakakurumidza kuwana chiremba akabvuma kuvhiya Sanel asingazomuwedzeri ropa muTbilisi, guta guru reGeorgia. Asi sezvo amai vaSanel vainge vachangobva kusununguka, vainge vasati vanyatsosimba zvekukwanisa kuenda kuTbilisi. Saka pakarongwa kuti vanaambuya vaviri vaSanel, avo vaiva Zvapupu, vaende naSanel kuchipatara chekuTbilisi.

Oparesheni yacho yainge isiri nyore, asi yakabudirira. Nguva pfupi oparesheni yaitwa, vanaambuya vaSanel vakanyora kuti: “Takagara muchipatara kwemazuva anodarika 20. Panguva iyoyo, hama nehanzvadzi dzakawanda dzemuGeorgia dzaitishanyira uye dzaitibatsira. Vakawanda vaitinzwira tsitsi. Takamboverenga nezverudo rwune hama dzedu pasi rese, asi iye zvino ndisu takanga tava kuratidzwawo rudo rwakadaro.”

a KuGeorgia, vakuru vari muKomiti Yekukurukura Nezvipatara vanoziva vanachiremba vanodarika 250 vanovhiya, avo vanobvuma kuvhiya vasingazowedzeri murwere ropa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe