RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 169-170
  • VaKurd Vanogamuchira Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKurd Vanogamuchira Chokwadi
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 169-170
Imwe hanzvadzi iri kudzidza nemumwe mukadzi nechiKurdish

GEORGIA

VaKurd Vanogamuchira Chokwadi

“NDINOGARA ndichitenda Jehovha mumunyengetero kuti ndakakwanisa kunzwa nezvake mururimi rwaamai vangu,” anodaro Gulizar.

Gulizar akaita makore 8 achiwadzana neZvapupu zvaJehovha, asi akazobhabhatidzwa pashure pekupinda misangano mururimi rwaamai vake, rwechiKurdish. Iye mumwe wevanhu vechiKurd avo vakagamuchira chokwadi muGeorgia mumakore achangobva kudarika. Asi vaKurd vakabva kupi?

VaKurd vakagara muMiddle East kwemazana emakore. Vamwe vaongorori vanofunga kuti vanhu ava vazukuru vevaMedhiya vanotaurwa muBhaibheri. (2 Madz. 18:11; Mab. 2:9) Mutauro wavo mumwe wemitauro yakatangira kuIran.

Mazuva ano, mamiriyoni evanhu vechiKurd anogara munyika dzakasiyana-siyana, kusanganisira Armenia, Iran, Iraq, Syria, neTurkey. MuGeorgia mune vanhu vechiKurd vanodarika 20 000. Vanhu vakawanda verudzi urwu vanoremekedza chaizvo nyaya dzekunamata.

Iye zvino muGeorgia mava nevaparidzi 500 vanotaura chiKurdish, neungano nhatu dzemutauro wechiKurdish. Muna 2014, vakafara chaizvo pakaitwa gungano remunharaunda rekutanga mumutauro wechiKurdish muTbilisi, iro rakapindwa nevanhu vaibva kuArmenia, Germany, Turkey, neUkraine.

Vana vanotaura chiKurdish vari kunakidzwa nemavhidhiyo aKuda naSarudzai
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe