RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 84-88
  • Zvakaita Georgia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaita Georgia
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 84-88
Misha iri kuUpper Svaneti, nharaunda yeGeorgia

Upper Svaneti

GEORGIA

Zvakaita Georgia

Murume akatakura bhasikiti remazambiringa; masumbu emazambiringa

Vanonakidzwa chaizvo panguva yekukohwa mazambiringa

Nyika Georgia inozivikanwa nemakomo ainawo akakura ayo akaita zienda nakuenda anoita chando pamusoro pawo, uye mamwe acho akareba zvekudarika mamita 4 500. Ine zvikamu zvikuru zviviri, chekumabvazuva nechekumadokero. Chimwe nechimwe chezvikamu izvi chine nharaunda dzakati kuti dzine mamiriro ekunze, tsika, mimhanzi, matambiro, uye zvekudya zvakasiyana nezvedzimwe nharaunda.

Vanhu Pavagari vemuGeorgia vanosvika 3 700 000, vakawanda vacho vanhu vemarudzi emo.

Chitendero Vakawanda vacho vanotaura kuti ndevechechi yeOrthodox Christian. Vanhu vanenge 10 muzana vaMuslim.

Mutauro Mutauro wechiGeorgian hauna kana pawakambofanana nemitauro inoshandiswa nenyika dzakavakidzana neGeorgia. Nhoroondo inoratidza kuti mabhii anoshandiswa mumutauro wechiGeorgian ayo akasiyana neemimwe mitauro akagadzirwa makore anodarika 2 000 apfuura.

Zvinovararamisa Vakawanda vanoita zvekurima kuti vawane cheuviri. Kubvira munguva ichangobva kudarika, upfumi hweGeorgia huri kusimudzirwa zvakanyanya nevanhu vari kuishanyira.

Mamiriro Ekunze Chikamu chekumabvazuva kwenyika yacho chine mamiriro ekunze ari pakati nepakati. Kumhenderekedzo yeBlack Sea, iyo iri kumadokero kweGeorgia, kunopisa, kuchimbova neunyoro asi hakutonhori zvakanyanya, uye michero yakaita semaranjisi inobereka chaizvo.

Vanhu vari kukohwa mazambiringa

Kukohwa mazambiringa munharaunda yeKakheti

Zvekudya Chingwa hachishayikwi pachikafu chakawanda chinodyiwa kuGeorgia. Chingwa cheko chakafanana nechimodho chinobikirwa muhovhoni yedhaka. Vanofarira kudya nyama ine muto wakakora wakagadzirwa nezvinhu zvinonhuwirira zvinoshandiswa pakukaringa. KuGeorgia, vakatanga kugadzira waini kubvira kare. Kugara nekugara, vanoisa waini mumidziyo yakakura yedhaka kuti ivire vobva vaichengetera imomo. Mhuri dzakawanda dzinorima mazambiringa uye dzinozvigadzirira waini. KuGeorgia kunowanika marudzi anenge 500 emazambiringa eko.

Mukadzi ari kugadzira chingwa

Magadziriro avanoita chingwa chavo chakaita sechimodho

NYIKA

69 700 km2

VANOGARAMO

3 720 400

VAPARIDZI MUNA 2016

18 619

RESHIYO, MUPARIDZI MUMWE PA

200

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO MUNA 2016

32 216

Mepu yeGeorgia
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe