RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb16 p. 151-p. 157 ndim. 2
  • Vanodada Nekuzivisa Zita raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanodada Nekuzivisa Zita raJehovha
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Misoro Midiki
  • Kuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda Kuri Kubatsira
  • Kushandisa Mutauro Unosvika Pamwoyo
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
yb16 p. 151-p. 157 ndim. 2
Zvapupu zvaJehovha zvakamira pedyo nechingoro zvichiparidzira vanhu muIndonesia

INDONESIA

Vanodada Nekuzivisa Zita raJehovha

Basa redu parainge rakabhanwa kwemakore akawanda, hama dzekuIndonesia dzakashandisa zano raJesu rekuti “ivai vakachenjera senyoka asi musina mhosva senjiva.” (Mat. 10:16) Asi basa redu parakazobvumirwa, vakawanda vaifanira kudzidza kuti vangaparidzira sei “noushingi.”—Mab. 4:31.

Semuenzaniso, dzimwe hama dzaizeza kuparidza paimba neimba, dzaingodzokera kunoona vanofarira nekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri chete. Vamwe ndivo vaitya kuparidzira maMuslim. Vakawanda pavaionana nevanhu, vaizvisuma vachiti tiri vaKristu pane kuti vati tiri Zvapupu zvaJehovha, uyewo vaishandisa shanduro dzeBhaibheri dzemachechi anozviti ndeechiKristu, vasingashandisi Shanduro yeNyika Itsva yechiIndonesian.a Vamwewo vaizeza kupa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri.

Zvimwe zvezvinhu izvi vaizviita nokuti ndizvo zvavakanga vajaira kuita panguva yairambidzwa Zvapupu. Zvimwewo vaizviita nokuti patsika dzavo vanoti zviri nani kuita zvinodiwa nevamwe pane kunetsana navo, uyewo kuti zviri nani kuita zvinhu usingabudi pachena. Hama dzaizobatsirwa sei kuti dzigadzirise mafungiro adzo?

Jehovha akaita kuti hama dzakakura pakunamata dzivape zano nenzira yemutsa. (VaEf. 4:11, 12) Semuenzaniso, muna 2010, Hama Stephen Lett veDare Rinotungamirira vakakurudzira hama kuti dzishandise Shanduro yeNyika Itsva muushumiri kuitira kuti vanhu vazive zita raMwari. “Hurukuro yaHama Lett yakabata-bata vaparidzi vakawanda,” anodaro mumishinari anonzi Misja Beerens. “Vaparidzi vacho vakaona kuti zvaikosha kuita kuti vanhu vavazive seZvapupu zvaJehovha uye kuti vasanyara kutsigira Shoko raMwari.”

Sezvo maMuslim emuIndonesia achiwanzoona Zvapupu zvaJehovha sezvakangofanana nemamwe machechi echiKristu chekunyepera, Ushumiri hwoUmambo hweIndonesia hwakataura mashoko anobatsira pahwakati: “Kakawanda zvinobatsira chaizvo kutaura kuti muri Zvapupu zvaJehovha pamunongotanga kukurukura nemunhu. . . . Tinodada nekumiririra Jehovha, uye tinoda kuti zita rake nezvinangwa zvake zvizivikanwe mundima yedu!” Shinsuke Kawamoto, uyo anoshumira pahofisi yebazi yemuIndonesia, anoti: “Nzira iyi yekutaura nemunhu uchibuda pachena asi uchizviita nekungwarira inobudirira chaizvo. MaMuslim mazhinji anoda kuziva zvakawanda nezveZvapupu zvaJehovha. Anoda kuziva kuti chii chinotisiyanisa nevamwe vanhu. Izvi zvinoita kuti tiwane mukana wekuvaparidzira.”

Vaparidzi vakakurudzirwawo kuti vawedzere magazini eNharireyomurindi neMukai! avanopa vanhu. “Kuti vanhu vatizive, vanofanira kuverenga magazini edu,” anodaro Lothar Mihank, uyo ari murongi muDare Rebazi. “Magazini anoita kuti mwoyo yevanhu ipfave uye anoita kuti vade kugamuchira chokwadi. Kana tikaaparadzira kwese kwese, vanhu vakawandawo vanowana mukana wekudzidza nezvaJehovha.”

Kuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda Kuri Kubatsira

Muna 2013, bazi rekuIndonesia rakatanga kushandisa nzira mbiri itsva dzekuparidza nadzo dzakarongwa neDare Rinotungamirira dzinoti: chirongwa chokuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta uyewo kuparidzira munzvimbo dzinowanika vakawanda kunorongwa neungano. Nzira idzi itsva dzekuparidza nadzo dziri kuita kuti vamwe vanhu vakawanda vemuIndonesia vanzwe mashoko akanaka.

Tafura yekutanga pamatafura akawanda ari kushandiswa pachirongwa chekuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta, yakaiswa panzvimbo ine zvitoro zvakawanda zvinotengesa midziyo yemagetsi muWest Jakarta. Ungano dzeko dzakabva dzatangawo kuparidza dzichishandisa zvingoro nematafura mundima dzadzo. Gore risati rapera, zvingoro nematafura zvinopfuura 400 zvakanga zvava kushandiswa mumaguta akasiyana-siyana muIndonesia. Izvi zvakaguma nei?

Mumwe mukuru wokuJakarta anonzi Yusak Uniplaita anoti: “Tisati tatanga urongwa hwekuparidza munopfuura nevakawanda, ungano yedu yaikumbira magazini 1 200 pamwedzi. Papera mwedzi 6, takanga tava kukumbira magazini 6 000. Iye zvino tava kukumbira magazini 8 000 pamwedzi. Tiri kupawo vanhu mabhuku nemabhurocha akawanda.” MuMedan, kuNorth Sumatra, rimwe boka duku remapiyona rakatanga kushandisa zvingoro munzvimbo nhatu. Mumwedzi wokutanga, vakapa vanhu mabhuku 115 nemagazini anenge 1 800. Papera mwedzi miviri, mapiyona anenge 60 aiva munzvimbo 7, akapa vanhu mabhuku anopfuura 1 200 nemagazini 12 400. “Hama dziri kunakidzwa nekushandisa nzira itsva idzi dzekuparidza nadzo uye nzira idzi dziri kubudisa pachena kuti muIndonesia mune mukana wekuwedzera kweZvapupu,” anodaro mumishinari anonzi Jesse Clark. “Kuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda kwatodzika midzi!”

Kushandisa Mutauro Unosvika Pamwoyo

Nyika yeIndonesia iri pakatikati penharaunda inotaurwa mitauro yakawandisa kupfuura dzimwe nzvimbo pasi rese.b Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachitaura chiIndonesian, mutauro unoshandiswa kuti vanhu vemitauro yakasiyana vanzwanane, vazhinji vavo vanotaurawo mutauro wekwavanobva—mutauro unosvika pamwoyo.

Chikwata chevashanduri vemutauro wechiBatak-Toba kuNorth Sumatra

Chikwata chevashanduri vemutauro wechiBatak-Toba kuNorth Sumatra

Muna 2012, hofisi yebazi yakafunga kuti imboona kuti chii chinodiwa mundima iyi ine vanhu vanotaura mitauro yakawanda. “Takatanga nekushandurira mabhuku edu mumitauro 12 yemuno inotaurwa nevanhu vanenge mamiriyoni 120,” anodaro Tom Van Leemputten. “Vashanduri vedu vechiJavanese pavakabata turakiti rekutanga muchiJavanese, vakabudisa misodzi yekufara. Iye zvino vakanga vazowana zvekudya zvekunamata mururimi rwaamai!”

Asi ungano dzakawanda dzaingoramba dzichiita misangano muchiIndonesian, kunyange munzvimbo dzaiva nevanhu vakawanda vakaberekwa vachitaura mumwe mutauro. “Muna 2013, ini nemudzimai wangu Carmen takapinda gungano remazuva maviri muNias Island kuNorth Sumatra,” anodaro Lothar Mihank. “Pavanhu 400 vaiva pagungano iri, vakawanda vacho vaitaura chiNias, asi hurukuro dzose dzaipiwa muchiIndonesian. Pashure pekunge ndataura nevakurukuri, takaudza vateereri kuti purogiramu yezuva raitevera yaizoitwa muchiNias. Zuva rakatevera, vanhu vanopfuura 600 vakanga vakatsvikinyidzana maiitirwa gungano.” Carmen anowedzera kuti: “Zvaiva pachena kuti vanhu vainge vakanyatsoteerera purogiramu yaiitwa muchiNias kupfuura zvavaiita nezuro wacho, paipiwa hurukuro muchiIndonesian. Vakanakidzwa nekunzwa mashoko eBhaibheri mumutauro wavo uye vakanyatsoanzwisisa.”

Matsi yemuIndonesia iri kudzidziswa chokwadi pachishandiswa vhidhiyo yemutauro wemasaini

Matsi iri kudzidziswa chokwadi

Kunyange matsi dziri muIndonesia tinoti dzava kukwanisawo kunzwa chokwadi mumutauro wadzo. Kubva muna 2010, timu yevashanduri veMutauro Wemasaini wemuIndonesia yakashandurira mabhurocha 7 nematurakiti 8 mumutauro wacho. Uyewo hofisi yebazi yakaronga kuti paitwe makirasi 24 ayo akadzidzisa hama nehanzvadzi dzinopfuura 750 kusaina. Pari zvino kune ungano nemapoka emutauro wemasaini zvinosvika 23, uye hama nehanzvadzi dziri kudzidzisa chokwadi nekutaura mashoko anonyaradza kumatsi dzinenge mamiriyoni matatu dzinogara muIndonesia.

Pari zvino Dhipatimendi Reshanduro rine matimu eshanduro anokwana 37. Kune vashanduri 117 nevamwe 50 vanovabatsira nemamwe mabasa uye vose vanoshandira munzvimbo 19 dziri muIndonesia.

a Bhaibheri rakazara reShanduro yeNyika Itsva rechiIndonesian rakabudiswa muna 1999. Basa redu parairambidzwa, vashanduri vakashanda nesimba kwemakore 7 kusvika vapedza kurishandura. Papera makore akati kuti kubva ipapo, mabhuku maviri aInsight on the Scriptures uye Watchtower Library iri paCD-ROM zvakabudiswa muchiIndonesian, uye iri raiva basa rakakura chaizvo rakaitwa nevashanduri!

b MuIndonesia munotaurwa mitauro 707 uye muPapua New Guinea yayakavakidzana nayo, munotaurwa mitauro 838.

ZVAKAITWA MUBASA REKUSHANDURA

  • CHIINDONESIAN ndiwo mutauro unoshandiswa nevanhu vakawanda kuti vanzwanane

  • MuIndonesia munotaurwa mitauro 707

DHIPATIMENDI RESHANDURO:

  • ZVIKWATA 37 ZVEVASHANDURI: Vashanduri 117

  • Vari Kushandurira MUMITAURO 24

  • Vari kushandira MUNZVIMBO 19

MUTAURO WEMASAINI:

  • Kubva muna 2010, zvikwata zviviri zvakashandura MABHUROCHA 7 uye MATURAKITI 8

  • Pakaitwa MAKIRASI 24 EMUTAURO WEMASAINI kuti hama nehanzvadzi dzinopfuura 750 dzidziswe KUSAINA

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe