RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 28-p. 29 ndim. 1
  • Kutsaurirwa Kwebazi remuSri Lanka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsaurirwa Kwebazi remuSri Lanka
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Nhengo Itsva yeDare Rinodzora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Dzidzo Yave Ichienderera Kwoupenyu Hwangu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 28-p. 29 ndim. 1
Mufananidzo uri papeji 28

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kutsaurirwa Kwebazi remuSri Lanka

Mepu iri papeji 29

HAMA nehanzvadzi dzekuSri Lanka dzakagamuchira vaenzi 130 vakabva kunyika 19 vachiuya kuzoona kutsaurirwa kwebazi pachitsuwa ichi chinoyevedza. Dzainge dzakapfeka zvipfeko zvemunyika macho. Paiva neboka revana vakaimba nziyo dzeUmambo, uye vanhu vese vakanakidzwa nezvinhu zvinoratidza tsika nemagariro emo, chikafu chemo chinonaka, mimhanzi inonakidza, pamwe chete nekuwadzana kwechiKristu.

Zvivako zvebazi zvitsva nezvakanga zvagadziridzwa zvakatsaurirwa kuna Jehovha musi weMugovera 11 January 2014, vanhu 893 vachinyatsoteerera purogiramu yacho mumitauro mitatu. Vanhu vakaombera maoko kwechinguva Hama Sanderson veDare Rinodzora pavakabvunza kuti, “Mungada here kutsaurira zvivako zvitsva izvi kuna Jehovha Mwari?”

Mangwana acho, vanhu 7 701 vakanakidzwa nekudzokororwa kwepurogiramu yeMugovera uye vakakurudzirwa nehurukuro yaHama Sanderson. Vanhu vaiva mune dzimwe nzvimbo shanu dzakakura vaiteererawo purogiramu yacho. Kekutanga, nzvimbo dzacho dzese dzakabatanidzwa nevhidhiyo zvekuti hama nehanzvadzi dzaiva munzvimbo dzacho dzaikwanisa kuonana uye kunzwanana dzichiimba nziyo dzeUmambo. Chiitiko ichi chakaita kuti vanhu “vafare kwazvo” uye chicharamba chichiyeukwa.—Neh. 12:43.

Mufananidzo uri papeji 29
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe