RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 24-p. 27 ndim. 1
  • Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha—Sangano Rinotsigira Zita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vhidhiyo Itsva Yokutangisa Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • ‘Kunzwa Uye Kuona’ Mapurogiramu Egungano
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • “Madzidzisiro Aya Matsva!”
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 24-p. 27 ndim. 1
Mufananidzo uri papeji 24

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose

MUSI weSaturday 5 October 2013, vanhu 257 294 munyika 21 vakapinda musangano wepagore wechi129 weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Vamwe vaiva paiitirwa musangano wacho, asi vamwe vaiona vhidhiyo yezvaitoitika vari kune dzimwe nzvimbo kuburikidza nekutepfenyura kwepaIndaneti. Munguva pfupi yakatevera zvimwe Zvapupu zvakazoonawo vhidhiyo yepurogiramu yacho yainge yarekodhwa. Vose vakapinda vaiva 1 413 676 munyika 31 zvichiita kuti uku kuve kuungana kweZvapupu zvaJehovha kukuru kupfuura kwese kwakamboitwa.

Kubva kumakore ekuma1920, Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichitepfenyura magungano kuvateereri vanenge vari munyika dzakasiyana-siyana, zvichishandisa nhare pamwe chete nezviteshi zveredhiyo. Iye zvino Indaneti inokwanisa kuita kuti kunyange vanhu vari munzvimbo dziri kure vanzwe uye vaone zviitiko panguva yazvinenge zvichitoitika kana kuti zvichangobva kuitika.

Nhengo dzemapazi akati kuti dzakashanda kwenguva inopfuura gore kuti dzigadzirire nhepfenyuro yacho. Pamazuva ayaishandiswa, vanamazvikokota vaiva kuBrooklyn, New York ndivo vaiona nezvekushanda kwayo, uye nguva dzose pairamba paine munhu ari pabasa sezvo yairatidzwa vanhu vari munzvimbo dzine nguva 15 dzakasiyana-siyana.

Nzvimbo Dzainge Dzakaungana Vanhu

  • Kwawakaitirwa: Imba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha yemuJersey City, kuNew Jersey, U.S.A. Vakapinda: 4 732

  • Kwaiva nevakawanda kupfuura kumwe kwose: Perth, kuAustralia Vakapinda: 7 186

  • Kuchamhembe: Fairbanks, kuAlaska, U.S.A. Vakapinda: 255

  • Kumaodzanyemba: Invercargill, kuNew Zealand Vakapinda: 190

  • Kure zvakanyanya: Perth, kuAustralia, makiromita anenge 18 700 kubva kuJersey City

Mashandiro Anoita Nhepfenyuro yepaIndaneti

  1. Makamera akati kuti anenge achitora vhidhiyo yepurogiramu yacho.

  2. Mavhidhiyo acho anotumirwa kuswitcher, pozosarudzwa yakanakisisa.

  3. Vhidhiyo inenge yasarudzwa inobva yatumirwa kukombiyuta inenge iri mucontrol center.

  4. Mavhidhiyo emhando dzakasiyana siyana ezviri kutoitika papurogiramu yacho anogadzirwa.

  5. Mavhidhiyo acho anoiswa muzvikamu zvemasekonzi 10.

  6. Zvikamu zvacho zvinogona kuwanika paIndaneti kuburikidza nenetiweki yemaWeb servers.

  7. Mudziyo unenge uchishandiswa panzvimbo imwe neimwe inenge yakaungana vanhu unodhaunirodha zvikamu zvacho kubva paWeb server wozviisa kwenguva pfupi pane imwe nzvimbo kana kuti mubuffer. Mudziyo wacho unobva wabatanidza zvikamu zvinenge zvadhaunirodhwa kuti zvive vhidhiyo inonyatsooneka zvakanaka.

  8. Vateereri vanoona uye vanonzwa purogiramu yacho.

Dhayagramu riri papeji 26, 27
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe