RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 16-p. 17 ndim. 4
  • Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Kuti Dzimba dzoUmambo Dzikurumidze Kuvakwa
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Dzimba dzeUmambo Dzinovakirwei Uye Dzinovakwa Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Kupedza Kuvaka COVID-19 Isati Yatanga
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 16-p. 17 ndim. 4
Mufananidzo uri 16

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose

KUWANDA kuri kuita vanhu musangano raJehovha kuri kuita kuti panyanye kudiwa dzimwe Dzimba dzeUmambo, Dzimba Dzemagungano, zvivako zvinoitirwa zvikoro zvesangano, mahofisi eshanduro asiri pabazi, uyewo zvivako zvebazi munzvimbo dzakasiyana-siyana. Saka muna October 2013, Dare Rinodzora rakaita kuti pave nedhipatimendi idzva kuitira kuti mabasa akaita sekudhirowa mapurani, kuvaka, kugadziridza uye kuita kuti zvivako zvedu zvirambe zvakanaka, aitwe nenzira inonyatsoshanda uye isingadyi mari yakawanda. Dhipatimendi iri idzva rinonzi Dhipatimendi Rinoona Nezvemapurani Nokuvaka Pasi Rose, riri kumahofisi edu makuru kuBrooklyn, New York, uye rinoshanda riri pasi peDare Rinobudisa Mashoko muDare Rinodzora.

Dhipatimendi iri ndiro rinoona nezveMadhipatimendi Emunharaunda Emapurani Nokuvaka, ayo ari pamahofisi emapazi muAustralia, Germany, South Africa, neUnited States. Madhipatimendi aya anoona nezvemapurani, kuvaka, uye kuchengeta zvivako zvakanaka munharaunda dzaari. Chinangwa chawo ndechekuita kuti basa rekuvaka dzimba dzeUmambo riitwe nekukurumidza. Kare ungano dzaivaka Dzimba dzeUmambo dzichibatsirwa neDare Rokuvaka Romunharaunda kana kuti nechirongwa chekuyamura nyika dzisina kupfuma. Iye zvino urongwa uhwu huri huviri hwabatanidzwa kuva humwe chete nechinangwa chekuita kuti basa rekuvaka riitwe nekukurumidza.

Kuitira kuti basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo uye Dzimba Dzemagungano rirongwe nemazvo pakaitwa hurongwa hwekuti bazi rimwe nerimwe rive neDhipatimendi Remapurani Nokuvaka. Dhipatimendi iri riri pasi peDare Rebazi remunyika yacho. Chinonyanya kufadza paurongwa uhwu ndechekuti mapazi ose ava kukwanisa kutuma vashumiri vanoita basa rekuvaka nguva yakazara kuti vabatsire hama dzemunyika yacho kuti dzivake Dzimba dzeUmambo uye Dzimba Dzemagungano.

Muna April 2014, paiva nezvivako zvakakura zvinopfuura 270 zvaifanira kupedziswa, zvinosanganisira mahofisi eshanduro asiri pabazi 90, Dzimba Dzemagungano 35, uye mapazi 130. Kuwedzera pane izvi, Dzimba dzeUmambo dzinopfuura 14 000 dzinofanira kuvakwa kana kuti kugadziriswa zvakawanda padziri.

Zvechokwadi kutenda kwedu kunosimbiswa patinoona vanhu vaJehovha vane mitauro netsika zvakasiyana, uye vanobva munyika dzakasiyana-siyana vachibatana pakuvaka zvivako zvinoita kuti zita rake dzvene rikudzwe uye rirumbidzwe! Dan Molchan uyo anoshanda Muhofisi yeDare Revashandi kumahofisi edu makuru anoti: “Pachine basa guru richiri kufanira kuitwa. Nemhaka yeizvi tinoonga chaizvo minyengetero yehama nehanzvadzi uye zvinhu zvavanopa kuti vatsigire basa racho. Asi tinoonga chaizvo hama nehanzvadzi dzinozvipira nemwoyo wose kuti dzibatsire pakuvaka.”

MUNA APRIL 2014, PAIVA NEZVIVAKO ZVAKAKURA ZVINOPFUURA 270 ZVAIFANIRA KUPEDZISWA, ZVINOSANGANISIRA:

  • Mahofisi Eshanduro Asiri Pabazi 90

  • Dzimba Dzemagungano 35

  • Mapazi 130

Dzimba dzeUmambo dzinopfuura 14 000 dzinofanira kuvakwa kana kuti kugadziriswa zvakawanda padziri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe