Zvakaitika Gore Rakapera
Jehovha Mwari akafemera muprofita Isaya kuti afanozivisa kuti: “Panzvimbo pemhangura ndichaunza ndarama, panzvimbo pesimbi ndichaunza sirivha, panzvimbo pematanda, mhangura, panzvimbo pematombo, simbi.” (Isa. 60:17) Gore rakapera takaona uchapupu hwakajeka hwekuti uprofita uhwu huri kuramba huchizadzika. Sezvo kutsiva chimwe chinhu nechiri nani kuri kuvandudza, saizvozvowo Zvapupu zvaJehovha zvaona kuvandudzwa kwezvinhu kuchiitika muurongwa hwesangano mumazuva ano ekupedzisira.—Mat. 24:3.