RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 162-p. 163 ndim. 2
  • Vanhu 22 Vakabuda Muchechi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu 22 Vakabuda Muchechi
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 162-p. 163 ndim. 2

DOMINICAN REPUBLIC

Vanhu Makumi Maviri Nevaviri Vakabuda Muchechi

Mufananidzo uri papeji 162

GERMAN GOMERA aiva wechi10 mumhuri yevana 11. Pashure pekunge baba vake nehanzvadzi dzake mbiri vafa, amai vake, Luisa, vakaita kuti mhuri yavo itamire kutaundi. Ikoko, vakanotanga kupinda Mennonite Church, kwaienda vanasekuru vake, hanzvadzi dzaLuisa, nemhuri dzavo.

German anoti: “Muna 1962, mapiyona chaiwo maviri, murume nemudzimai akasvika mutaundi rataigara. Zvaitaurwa kuti vaivhiringidza vanhu vemutaundi racho ‘nedzidziso dzakaipa kwazvo.’ Zvisinei, mapiyona acho paakasvika pamba pemhuri yekwaPiña, akanzi apinde mumba. Mhuri yekwaPiña yainge yakakura. Yakabayiwa mwoyo neushamwari uye mwoyochena zvairatidzwa nemapiyona acho zvekuti yakanyatsoteerera zvaaitaura. Nemhaka yekushanyirwa kwavakaitwa, mhuri yekwaPiña nehanzvadzi dzangu nhatu vakatanga kudzidza Bhaibheri.

German anoenderera achiti: “Rimwe zuva, mapiyona acho paakauya kuzoshanyira mhuri yekwaPiña, mai vangu vakakokwawo. Vakaverenga mavhesi eBhaibheri anotaura nezvetariro yekurarama panyika nekusingaperi. Mai vakabvunza kuti: ‘Saka sei kuchechi kwedu vachitaura kuti tinoenda kudenga?’ Pashure pekunge hama yavapindura ichishandisa Bhaibheri ndokuzotsanangura zvinotaura Magwaro nezverumuko rwepanyika, mai vakazvifarira uye vakatanga kuudza vamwe zvavakanga vadzidza.

“Vafundisi veMennonite Church pavakaziva kuti vanhu vemuchechi mavo vakanga vachidzidza neZvapupu zvaJehovha, vakaedza kuita kuti varege kudzidza. Zvisinei, vakazviita nechisimba uye vachivatyisidzira. Maximina kana kuti Mai Piña, akavaudza kuti, ‘Honaika! Ndiri munhu mukuru, uye ndinosarudza ndega zvekuita.’

German anoti: “Pakupedzisira, vanhu 22 vakabuda muMennonite Church vakatanga kupinda misangano yeungano pane imwe imba yairendwa. Mai vakabhabhatidzwa muna 1965, uye ini ndakazobhabhatidzwa muna 1969 ndava nemakore 13.”

Mufananidzo uri papeji 163

German nehanzvadzi dzake. Vese vari kushumira Jehovha vakatendeka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe