RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 128-p. 129 ndim. 3
  • Zvicharamba Zviri Muno

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvicharamba Zviri Muno
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Misoro Midiki
  • Vakawana Chokwadi
  • Zvapupu zvaJehovha Zvicharamba Zviri Muno
  • Kuwedzera Pasinei Nechimurenga
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 128-p. 129 ndim. 3
Mufananidzo uri papeji 128

DOMINICAN REPUBLIC

Zvicharamba Zviri Muno

Vakawana Chokwadi

Juana Ventura akatanga kudzidza Bhaibheri basa redu rekuparidza parainge rakabhanwa, uye akazobhabhatidzwa muna 1960 muRwizi rwaOzama. Pane imwe nguva, mufundisi weimwe chechi muSanto Domingo aida kusungisa Juana nekuti mufundisi wacho akati Juana “akanga achitora vanhu vake.” Achida kuedza kuratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinonyepa uye kuti anyadzise Juana, mufundisi wacho akashevedza Juana kuti amire pamberi pechechi yake kuti apindure mibvunzo ine chekuita nezvaainge ava kutenda.

Juana anoti, “Akandibvunza mibvunzo mitatu achiti: ‘Sei musingavhoti? Sei musingaendi kuhondo? Sei muchizviti Zvapupu zvaJehovha?’ Pandaipindura mubvunzo mumwe nemumwe ndichishandisa Bhaibheri, vose vaiva muchechi yacho vaitarisa mavhesi acho muBhaibheri uye vaishamiswa nezvavaiverenga. Vazhinji vacho vakaona kuti vainge vawana chokwadi. Vose vakatanga kudzidza Bhaibheri, uye 25 vavo vakazozvitsaurira kuna Jehovha.” Izvi zvakaita kuti basa riwedzere muSanto Domingo.

Zvapupu zvaJehovha Zvicharamba Zviri Muno

Pakava nematambudziko akawanda akakonzerwa nezvematongerwo enyika pashure pekuurayiwa kwaTrujillo. Bhuku Regore ra1963 reChirungu rakati: ‘Masoja ainge akazara mumigwagwa, uye zuva nezuva paiva nevanhu vairamwa mabasa, uye vanhu vairwisana.’ Pasinei nekusagadzikana kwezvematongerwo enyika, basa rekuparidza uye rekuita kuti vanhu vave vadzidzi rakaramba richifambira mberi, uye pakazopera gore rebasa ra1963 munyika yacho mainge mava nenhamba yainge isati yambosvitswa yevaparidzi 1 155.

Hama Nathan Knorr pavakashanya kuDominican Republic muna 1962 vachibva kumahofisi edu makuru, vakaronga kutenga nzvimbo yekuvakira zvivako zvakakura kuitira basa rekuparidza raiwedzera nekukurumidza. Chivako chine nhurikidzwa mbiri uye Imba yeUmambo zvakavakwa panzvimbo yacho. Musi weMugovera 12 October 1963, Hama Frederick Franz, avo vakabvawo kumahofisi edu makuru, vakapa hurukuro yekutsaurira zvivako zvitsva zvebazi. Zvainge zviri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva nechinangwa chekuramba zviri muDominican Republic. Nguva pfupi pashure pekunge zvivako izvi zvatsaurirwa, Harry naPaquita Duffield, mamishinari eZvapupu ekupedzisira kudzingwa muCuba, akasvika muDominican Republic.

Kuwedzera Pasinei Nechimurenga

Musi wa24 April 1965, chimurenga chakatanga munyika yacho. Mumazuva ekutambudzika akazotevera, vanhu vaJehovha vakaramba vachifambira mberi mune zvekunamata. Muna 1970, mainge mava nevaparidzi 3 378 muungano 63. Vakawanda vavo vainge vauya musangano mumakore mashanu ainge apfuura. Bhuku Regore ra1972 reChirungu rakati: “Vaiva vanhu vakasiyana-siyana: Vanamakanika, varimi, madhiraivha emichovha, maakaundendi, mabhiridha, makapenda, magweta, vanachiremba vemazino, nevakanga vasiya zvematongerwo enyika; vose vakabatanidzwa nekuda chokwadi uye kuda Jehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe