RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 114-p. 116 ndim. 2
  • Kuita Zvinosungisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Zvinosungisa
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Misoro Midiki
  • ‘Kuchenjera Senyoka Asi Vasina Mhosva Senjiva’
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 114-p. 116 ndim. 2

DOMINICAN REPUBLIC

Kuita Zvinosungisa

‘Kuchenjera Senyoka Asi Vasina Mhosva Senjiva’

Kunyange zvazvo vashumiri vaJehovha vaiva pangozi nemhaka yekuti basa redu rainge rakabhanwa munyika macho, zvaikosha kuti varambe vachiwana zvokudya zvekunamata. Mumakore iwayo, hama dzakawanda dzakasungwa dzikatongerwa kugara mujeri nguva dzakareba zvakasiyana-siyana.

Juanita Borges anotsanangura kuti, “Pandakadzidza chokwadi muna 1953, ndainyatsozviziva kuti semumwe weZvapupu zvaJehovha, ndaitozosungwa. Uye ndizvo chaizvo zvakazoitika. Muna November 1958, pandakashanyira Hanzvadzi Eneida Suárez, mapurisa epachivande akauya ndokutipomera kuti tainge tichiita musangano. Takatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu, uye mumwe nemumwe wedu aifanira kubhadhara faindi ye100 pesos—panguva iyoyo yainge yakaenzana neUS$100.”

Mufananidzo uri papeji 115

Matikitivha aigara nemazita ehama nehanzvadzi dzedu uye mamwe mashoko ane chekuita nadzo.

Hurumende yakaita zvese zvayaigona kuti itadzise Zvapupu zvaJehovha kuita misangano, asi hama hadzina kurega. Zvisinei, vaifanira ‘kuchenjera senyoka asi vasina mhosva senjiva.’ (Mat. 10:16) Andrea Almánzar anoti: “Pataiita misangano, taifanira kusvika nenguva dzakasiyana. Zvadaro, taiwanzobva hwava husiku nemhaka yekuti taifanira kubva panguva dzakasiyana-siyana kuitira kuti pasava neaizotinyumwira.”

Jeremías Glass, uyo akaberekwa baba vake León vari mujeri, akava muparidzi muna 1957 ava nemakore manomwe. Anoyeuka misangano yaiitwa pachivande pamba pavo uye zvavaifanira kuita kuti vasabatwa. “Vose vaiuya vaipiwa tumakadhi twaiva nenhamba inoratidza kuti ndiani aizotanga kuenda uye achiteverwa nani,” anodaro Jeremías. “Misangano yapera, baba vangu vainditi ndimire padhoo ndichitarisa nhamba dzaiva patumakadhi twacho ndoudza vanenge vava kuenda kuti vabude vari vaviri vaviri vachienda nenzira dzakasiyana.”

Chimwe chavaiita kuti vasabatwa kwaiva kuita misangano vanhu vakawanda pavainge vakarara. Somuenzaniso, Mercedes García akadzidza chokwadi kubva kuna sekuru vake, Pablo González. Paaiva nemakore manomwe, uye baba vake vari mujeri, amai vake vakafa achibva asara nevakoma vana, hanzvadzi nhatu nevanin’ina vaviri. Mercedes akabhabhatidzwa muna 1959 ava nemakore mapfumbamwe. Kuti vasabatwa, hama dzakaronga kuti hurukuro yerubhabhatidzo ipiwe na3:30 mangwanani. Hurukuro yacho yakapirwa pamba peimwe hama, uye rubhabhatidzo rwakaitirwa muRwizi rwaOzama, rwunoyerera rwuchipfuura nemuguta guru. Mercedes anoti, “Na5:30 mangwanani takanga tava kutodzokera kumba, vakawanda vemunharaunda vachangotanga kumuka.”

Kuwedzera Pasinei Nekutambudzwa

Pasinei nekutambudzwa zvikuru kwaiitwa Zvapupu uye mashoko akaipa aitaurwa nezvavo, nhamba yavo yakawedzera kakapetwa nekanenge kaviri, basa ravo parainge rakabhanwa.

  • 1950 - 292

  • 1960 - 495

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe