RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 82-p. 85 ndim. 3
  • Zvakaita Dominican Republic

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaita Dominican Republic
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 82-p. 85 ndim. 3
Mufananidzo uri papeji 82

DOMINICAN REPUBLIC

Zvakaita Dominican Republic

Mepu iri papeji 83

Nyika Chitsuwa cheHispaniola chine nyika mbiri. Zvikamu zviviri muzvitatu iDominican Republic uye chikamu chimwe chete iHaiti. Nyika yacho ine masango akanaka ane miti mirefu, makomo akareba, machakwi ane miti, uye magwenga. Nzvimbo yakakwirira kupfuura dzose muDominican Republic, igomo rinonzi Pico Duarte, rakakwirira nemamita 3 175 kubva pamusoro pegungwa. Nzvimbo zhinji dziri pamahombekombe dzine jecha jena uye dzakanaka zvikuru. Nechemukati menyika yacho mune nzvimbo dziri pakati pemakomo dzine ivhu rakaorera dzakadai seCibao Valley.

Vanhu Vakawanda vevagari vemo vane madzitateguru akabva kuEurope nekuAfrica vairoorana. Mune mamwe marudzi akasiyana-siyana ane vanhu vashoma; uye vekuHaiti ndivo vakati wandei.

Mutauro Mutauro wechiSpanish ndiwo unonyanya kushandiswa.

Mufananidzo uri papeji 84, 85

Hama nehanzvadzi dziri kufara pamwe chete

Zvinovararamisa Zvicherwa, shuga, kofi, uye fodya ndizvo zvinonyanya kuvawanisa mari. Munguva pfupi yapfuura upfumi hwenyika yacho hwakakwirira nemhaka yekushanyirwa kwairi kuitwa uye kugadzira kwairi kuita zvinhu.

Mamiriro Ekunze Kunopisa uye kunonaya zviri pakati nepakati, zvekuti kunze kunenge kuchipisa madhigirii anenge 25. Kumakomo ari kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kunonaya mvura yakawanda uyewo kune dzimwe nzvimbo kunonaya mvura shoma. Dzimwe nguva madutu anomboitika pachitsuwa ichi.

Tsika Nemagariro Mupunga, bhinzi, uye miriwo ndizvo zvinonyanya kudyiwa ikoko. Vanhu vemo vanofarirawo kudya zvemugungwa, michero, mhiripiri, uye maplantains (mabhanana akafurayiwa). Zvimwe zveizvi zvinoshandiswa pakubika chikafu chinofarirwa zvikuru chinonzi La Bandera Dominicana (mureza weDominican Republic). Vagari vepachitsuwa ichi vanoda chaizvo mutambo webaseball, mimhanzi, uye kutamba, kunyanya dhanzi remhando yemerengue. Gitare rinozivikanwa chaizvo sezvinongoitwawo ngoma, nyere, uye marimba.

NYIKA

48 671 km2

VANOGARAMO

10 404 000

VAPARIDZI MUNA 2014

38 161

RESHIYO, MUPARIDZI MUMWE PA

273

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO MUNA 2014

132 760

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe