Dominican Republic
MUNA 1492, Christopher Columbus akaenda nengarava kune yainzi Nyika Itsva. Idzi dzaiva nzvimbo dzainakidza dzaiva neupfumi uye dzaaigona kufamba achiongorora kuti dzakaita sei. Chimwe chitsuwa chaakasvika pachiri akachitumidza zita rekuti La Isla Española, kana kuti Hispaniola, uye zvikamu zviviri muzvitatu zvechitsuwa ichi zvava zveDominican Republic. Iye zvino, zviuru zvevagari vemuDominican Republic zvakawana chimwe chinhu chakasiyana—nyika itsva ichaunzwa neUmambo hwaMwari inenge iine kururama kusingaperi. (2 Pet. 3:13) Mashoko anotevera inhoroondo isingakanganwiki yevanhu vane mwoyo yakanaka vakawana chinhu ichi chinokosha zvikuru.