RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 152-153
  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakada Sierra Leone
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Unogona Kufambira Mberi Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 152-153

SIERRA LEONE NEGUINEA

Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi

Tamba Josiah

  • AKABEREKWA MUNA 1948

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1972

  • NHOROONDO Aishanda mumigodhi yemadhayamondi asati auya muchokwadi. Iye zvino ava nhengo yeDare reBazi reSierra Leone.

Mufananidzo uri papeji 152

MUNA 1970, ndaishandira kambani inoita zvemigodhi yekuBritain muTongo Fields, nzvimbo ine madhayamondi akawanda iri kuchamhembe kweKenema. Ndaitsvakawo madhayamondi panguva yandainge ndisina zvokuita. Pose pandaiwana matombo angu pachangu, ndaipfeka zvakanaka ndobva ndaenda kuKenema kunoatengesa uye kumbononakidzwa.

Muna 1972, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Pashure pemwedzi mishanu, ndainge ndava kukwanisa kubhabhatidzwa. Sezvo ndakanga ndisisina mazuva ezororo, ndakakumbira mumwe wandaishanda naye kuti afanoshanda panzvimbo pangu kuitira kuti ndipinde gungano reruwa uye ndibhabhatidzwe. Akati kuti andishandire ndaifanira kuzomupa peyi yangu yevhiki imwe chete. Kubhabhatidzwa kwangu kwaikosha kupfuura mari, saka ndakabva ndangobvuma zvaakataura. Pandakadzoka kubva kugungano, akandiudza kuti ndigare nepeyi yangu nokuti kushumira Mwari ndicho chaiva chinhu chakanaka. Pashure pemwedzi mitanhatu, ndakasiya basa rangu raibhadhara zvikuru kuti ndiunganidze pfuma kudenga sapiyona chaiye.​—Mat. 6:19, 20.

Kwemakore 18 ndakashumira sapiyona chaiye uye mutariri wedunhu munzvimbo dzakasiyana-siyana dzemuSierra Leone. Munguva iyi ndakaroora Christiana, mudzimai akavimbika uye anonditsigira, uye takakomborerwa nemwanasikana, Lynette.

Ndaimbofunga nezvokuwana madhayamondi chaiwo, asi ndakawana chimwe chinhu chiri nani zvikuru​—pfuma yezvokunamata

Panguva yehondo yevagari vemuSierra Leone, ini naChristiana taipayona muBo, imwe nzvimbo inocherwa madhayamondi zvikuru. Kuno takawana “madhayamondi” ezvokunamata akawanda​—vadzidzi vechokwadi vechiKristu. Mumakore mana, ungano yedu yakawedzera nezvikamu zvinopfuura 60 muzana. Iye zvino Bo yava neungano nhatu dzakasimba.

Muna 2002, ndakakokwa kuti ndizova nhengo yeDare Rebazi reSierra Leone. Ini naChristiana tinogara pedyo nepaBheteri. Zuva rimwe nerimwe ndinoenda kubasa ndichibva kumba, uye Christiana anoshumira sapiyona chaiye. Lynette anoshanda paBheteri mutimu inoshandura mutauro wechiKrio.

Ndaimbofunga nezvokuwana madhayamondi chaiwo, asi ndakawana chimwe chinhu chiri nani zvikuru​—pfuma yezvokunamata. Ndakafukunurawo “madhayamondi” 18 ezvokunamata, kana kuti vadzidzi vechokwadi vechiKristu. Zvechokwadi, Jehovha akandikomborera zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe