RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 p. 168
  • Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakada Sierra Leone
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Takapukunyuka Pamasoja Evapanduki
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 p. 168

SIERRA LEONE NEGUINEA

Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha

Philip Tengbeh

  • AKABEREKWA MUNA 1966

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1997

  • NHOROONDO Mupoteri akabatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo shanu.

Mufananidzo uri papeji 168

MUNA 1991, masoja evapanduki paakarwisa dhorobha rataigara reKoindu, muSierra Leone, ini nomudzimai wangu Satta, takatiza kuti tipone. Kwemakore masere akazotevera, takagara mumisasa yevapoteri yakasiyana-siyana. Imomo takatsungirira kusava nezvokudya zvakakwana uye kurwara uye maiitwa zvakaipa.

Mumusasa mumwe nomumwe taikumbira vakuru vakuru vacho nzvimbo yokuvaka Imba yoUmambo. Dzimwe nguva taipiwa, asi dzimwe nguva tainyimwa. Kunyange zvakadaro, taigara tichironga kuti tive nenzvimbo yokuitira misangano. Tainge takatsunga kushumira Jehovha. Pakupedzisira, takazovaka Dzimba dzoUmambo ina mumisasa yacho.

Hondo payakapera, taisakwanisa kudzokera kumusha. Hondo yakarwiwa kwemakore yakaita kuti muKoindu musagarika. Saka takaendeswa kune mumwezve musasa wevapoteri pedyo neBo. Takavaka Imba yoUmambo yechishanu ikoko tichishandisa mari yakabva kuhofisi yebazi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe