Mabasa eZvapupu zvaJehovha Mazuva Ano
Norway
Chimbofungidzira uchiparidza mashoko akanaka munzvimbo ine makomo, makoronga anobva mugungwa achipinda nepakati pemakomo, chando, sinou, mhuka dzinenge nhoro dzine nyanga dzine mapazi, uye chiedza chokuchamhembe chinopenya, chinojekesa denga munguva yechando. Izvi ndizvo zvakaita Norway. Verenga nezvehama dzedu dzaiita nzendo dzichishandisa zvikepe uye zvinhu zvinosungirirwa pasi peshangu zvinotsvedza pachando kuti dzisvike kunzvimbo dzaiva kwadzo dzoga uye hama yaienda kumisangano isina shangu. Uyewo, verenga maratidziro akaita vaKristu kutenda uye ushingi pakapinda vaNazi munyika mavo nechisimba.
Rwanda
Rudo rwokuzvipira rwakataurwa naJesu kuti rwaizoratidzwa nevadzidzi vake runooneka munhoroondo yenyika iyi yomuAfrica. Panguva yokuvengwa kwakanyanya kwerudzi kwakaurayisa vanhu vakawanda, vanhu vaJehovha vakaisa upenyu hwavo pangozi uye vamwe vakafa kuti vadzivirirane. Iyi inyaya isingakanganwiki, yokutsungirira kwakaita Zvapupu pakutambudzwa, uye pavairambidzwa, uye inyaya yokuperera kwavo munguva dzakaoma, dzemiedzo uye dzokutyisidzirwa.