Butiro/Peji Yevabudisi
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2009
Rine Mushumo Wegore Rebasa ra2008
Bhuku rino ndera ․․․․․
‘Pupurira kwazvo mashoko akanaka.’—MAB. 20:24.
Muapostora Pauro akanga apedza nzendo nhatu dzoumishinari uye akanga asangana nezvinetso uye awana zvikomborero. Panguva ino akanga ava kuenda kuJerusarema, kwaakanga asingatarisiri kugamuchirwa zvakanaka, nokuti “zvisungo nokutambudzika” zvakanga zvakamumirira ikoko. (Mab. 20:23) Asi hazvina kumutadzisa kuenda. KuMireto akaudza vakuru veungano yeEfeso kuti: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.”—Mab. 20:24.
Pauro aikoshesa upenyu hwake, asi aikoshesa kuita kuda kwaMwari kupfuura zvinhu zvose. Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvinonzwa saizvozvo. Kunyange zvazvo Jesu akafanotaura kuti ‘vachavengwa nemarudzi ose,’ vanhu vaMwari vakaendesa mashoko akanaka pasi pose uye vari kuparidzira vakashinga kumarudzi anenge ose. (Mat. 24:9) Dai rugwaro rwegore rwa2009 rukakukurudzira kuti urambe uchipupurira usingaregi, uchiratidza kuti unoonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.
[Mufananidzo uri papeji 2]
Photo Credits: Peji 168: Franc Drozg, tsamba; Photo Archive-Museum of National Liberation Maribor, Slovenia