Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
Hama neHanzvadzi Dzinodiwa:
“MUTSA usina kufanirwa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.” (1 VaK. 1:3) Tinopanga kwazvo nguva apo chinhu chose chinofema chichapa Jehovha rukudzo rwaanofanira kuwana! (Pis. 150:6) Sezvatinomirira zuva guru iroro, tinoramba tichizivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye tichiita vadzidzi.
Ushumiri hweevhangeri ndihwo chinhu chikuru pamabasa aJehovha epanguva ino pasi pano. (Mako 13:10) Nokuti tinonyatsoziva zvinofarira Jehovha mubasa iri, tinonyengetera kuti atibatsire, tichiziva kuti munhu wose ane mukana wokubatsirwa nourongwa hworudzikinuro. (Zvak. 14:6, 7, 14, 15) Chokwadi, tinosangana nezvinhu zvakaoma, asi tinofara chaizvo ku“pfeka simba rinobva kumusoro” kuti tiite ushumiri uhwu!—Ruka 24:49.
Zvinogutsa kuongorora gore rebasa rapfuura ndokufungisisa zvakaitwa naJehovha achishandisa vashumiri vakavimbika. Vanhu vaMwari vasimbiswa nomudzimu mutsvene, vakaratidza rudo rwakafanana norwaKristu, vachikurira ruvengo ruri munyika. Rudo rwakadaro rwakaratidzwa pakokorodzano dzedu. Kubva muna June kusvika muna December 2003, nhume dzinobva munyika dzinopfuura 100 dzakaenda kukokorodzano dzemarudzi akawanda dzinokwana 32 dzakaitirwa mumakondinendi matanhatu. Mamishinari, vashumiri vomunyika dzakawanda, nevashandi vepaBheteri vari kune dzimwe nyika vakabvunzurudzwa pakokorodzano dzoruwa nedzemarudzi akawanda.
Pakokorodzano idzi, takagamuchira mabhuku anoti “Ona Nyika Yakanaka” nebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Uyezve, zvakarongwa kuti bhuku rakadzokororwa reChikoro Chebasa Roupiyona ringe rava kuwanikwa mukunopera kwegore rebasa ra2004. Vave vari mapiyona kwenguva refu avo vakatopinda chikoro kare, vachapindawo makirasi anenge aine mapiyona matsva, zvishoma nezvishoma.
Kutsigira kwaMwari nokwevanhu vane rupo kwakaita kuti zvibvire kuti Dzimba dzoUmambo dzakawanda dzivakwe, kunyanya munyika dzine upfumi hushoma. Pamusana pokuwedzera kuri kuita kudiwa kwezvokudya zvomudzimu pasi pose, munyika dzakawanda mapazi ari kuwedzerwa. Bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! zvino rava mumitauro 299, uye akadhindwa ose ava mamiriyoni 139; mabhuku akadhindwa ebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi anopfuura mamiriyoni 93, mumitauro 161; uye anopfuura mamiriyoni 200 ebhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? akadhindwa mumitauro 267.
Tinofara kugamuchira vanhu 258 845 vakazvitsaurira ndokubhabhatidzwa mumvura mugore rebasa rapfuura! Kunyange zvazvo kutsigira kwenyu Umambo hwaMwari kwakaita kuti Satani anyanye kukuvengai, kwakaitawo kuti muve vanogamuchira zvikomborero zvaJehovha uye vanodzivirirwa naye sezvamunomhanya mumujaho uri mberi kwenyu. (VaH. 12:1, 2; Zvak. 12:17) Saka, ivai nechokwadi chokuti ‘Muchengeti wenyu haangakotsiri.’—Pis. 121:3.
Rugwaro rwegore ra2004 runoti, “Rambai makarinda . . . Ivai vakagadzirira,” rwakakodzera nguva zvikuru. (Mat. 24:42, 44) VaKristu vanorondedzerwa muShoko raMwari sevagari venguva pfupi munyika ino iri kufa. (1 Pet. 2:11; 4:7) Saka, tinofanira kuramba tichifungisisa zvinhu zvine chokuita nokunamata, kuita kuti upenyu hwedu huve nyore, uye kunyatsoongorora mwoyo yedu. “Dhiragoni huru” inoda kutidya, kuita kuti tinyure munyika.—Zvak. 12:9.
Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kunokosha kuti tirambe takasvinurira. Kunogona kutibatsira ‘kuita kuti Hungu wedu ave Hungu’ nezvokuzvitsaurira kwedu uye ku“batisisa chivimbo chataiva nacho pakutanga chakasimba kusvika kumugumo.” (Jak. 5:12; VaH. 3:14) Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kunogona kutibatsira kuyeuka kuti nyika ino yatsauka zvakadini patsika dzaMwari dzisingachinji. (Mar. 3:6; 2 Tim. 3:1, 13) Zivo yeBhaibheri inogona kutibatsira kudzivisa “ngano dzakanyatsorukwa” uye kuramba takatendeka kuna Jehovha.—2 Pet. 1:16; 3:11.
Vabereki, sezvamunorera vana venyu mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha, muri kuvabatsira kuva nezvinangwa mune zvokunamata uye ‘kuramba vakarinda’ here? (VaEf. 6:4) Muri kuvadzidzisa kuona remangwana ravo semaonero aiita munhu akachenjera akambofamba pasi pano here? Jesu aigona kudai akava nyanzvi chaiyo yati yamborarama, pakuveza, pakutanga kugadzira zvinhu, kana kuti chiremba, asi akasarudza basa roushumiri hwakazara. Muenzaniso wake ngaukuyamurei kubatsira vana venyu kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwavo.
Isu veboka romuranda akatendeka, vanomiririrwa neDare Rinodzora, tinoonga nomwoyo wose “boka guru revanhu” nokutibatsira kuita basa redu rokuita kuti ‘aya mashoko akanaka oumambo aparidzwe mupasi rose rinogarwa.’ (Zvak. 7:9; Mat. 24:14, 45) Imi vanodiwa mune vimbiso yaJehovha yokuti anoyeuka “basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.” (VaH. 6:10) Sezvamunoverenga zvakaitika zvinonakidza mumapeji anotevera, ndokucherechedza migumisiro yezvamakaita makabatana, zivai kuti makaita chikamu chinokosha mukupupurira munyika yose.
Naizvozvo tarisai remangwana noushingi sezvamunoenderera mberi ‘muchiramba makatarira kuripwa kwomubayiro,’ musingamboregi munhu kana kuti dhimoni richikutadzisai kuuwana. (VaH. 11:26; VaK. 2:18) Chokwadi, vimbai naJehovha, muine tariro yokuti achabatsira vose vanomuda kuwana upenyu hwakazara.—Joh. 6:48-54.
Ivai nechokwadi chokuti tinofara kushumira pamwe nemi kuti Jehovha arumbidzwe uye akudzwe.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha