RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 November pp. 16-21
  • Jesu Mupristi Wedu Mukuru Ane Tsitsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Mupristi Wedu Mukuru Ane Tsitsi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWANAKOMANA WAMWARI WAANODA ANOUYA PANYIKA
  • JESU ANONZWIRA VANHU TSITSI
  • KUTEVEDZERA MUPRISTI WEDU MUKURU MAZUVA ANO
  • MUPRISTI WEDU MUKURU ANOGONA KUKUBATSIRA
  • Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvatinodzidza Pane Zvakaitwa naJesu Mumazuva 40 Ekupedzisira Ari Panyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Jehovha “Anoporesa Vakaora Mwoyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 November pp. 16-21

NYAYA YEKUDZIDZA 46

RWIYO 17 “ Ndinoda”

Jesu Mupristi Wedu Mukuru Ane Tsitsi

“ Hatina mupristi mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu.”—VAH. 4:15.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei Jesu ari iye Mupristi Mukuru akanaka chaizvo uye kuti anotibatsira sei mazuva ano.

1-2. (a) Nei Jehovha akatuma Mwanakomana wake panyika? (b) Tichakurukurei munyaya ino? (VaHebheru 5:​7-9)

MAKORE anoda kusvika 2 000 adarika, Jehovha Mwari akatuma Mwanakomana wake waanoda kuti auye panyika. Akamutumirei? Chimwe chikonzero chacho chaiva chekuti anunure vanhu kubva pachivi nerufu uyewo kuti azogadzirisa matambudziko ese akakonzerwa naSatani. (Joh. 3:16; 1 Joh. 3:8) Jehovha aizivawo kuti kuuya kwaJesu panyika, kwaizomubatsira kuti azova Mupristi wedu Mukuru ane tsitsi. Jesu akava mupristi mukuru pashure pekunge abhabhatidzwa muna 29 C.E.a

2 Munyaya ino, tichakurukura kuti zvinhu zvakasangana naJesu paaiva panyika, zvakamubatsira sei kuti azokwanisa kuva Mupristi Mukuru ane tsitsi. Kana tikawedzera kunzwisisa izvi, zvichatibatsira kuti tikwanise kunyengetera kuna Jehovha tova pedyo naye, kunyanya paya patinenge takasuruvara nemhaka yezvinhu zvatinenge takanganisa.—Verenga VaHebheru 5:​7-9.

MWANAKOMANA WAMWARI WAANODA ANOUYA PANYIKA

3-4. Jesu akasiya upenyu hwakaita sei kudenga uye akararama upenyu hwakaita sei panyika?

3 Tese zvedu tine pakambochinja zvinhu muupenyu hwedu. Pamwe taitofanira kusiya nzvimbo yatakajaira uyewo hama neshamwari dzedu. Izvozvo hazvisi nyore. Asi hapana munhu akambochinjirwa nezvinhu muupenyu kupfuura Jesu. Paaiva kudenga, aiva ngirozi yaiva nechinzvimbo chinokosha kupfuura dzimwe dzese. Aidiwa naJehovha uye aigara achifara nekuti aishanda pamwe chete naBaba vake. (Pis. 16:11; Zvir. 8:30) Asi VaFiripi 2:7 inotaura kuti “akazvidurura,” paakasiya nzvimbo yake yepamusoro kudenga achiuya kuzogara panyika nevanhu vane chivi.

4 Fungawo zvakaitika mumakore ekutanga aJesu panyika. Akaberekerwa mumhuri yevarombo. Tinoziva kuti vabereki vake vaiva varombo nekuti pashure pekunge aberekwa, vakaenda kutemberi nechibayiro cheshiri mbiri diki. (Revh. 12:8; Ruka 2:24) Uyewo Mambo Herodhi akanga akaipa paakanzwa nezvekuberekwa kwaJesu, akaedza kumuuraya. Kuti asaurayiwe naHerodhi, mhuri yacho yaitofanira kuenda kunogara kuIjipiti sevapoteri. (Mat. 2:​13, 15) Upenyu hwaJesu panyika hwakanga hwakatosiyana zvachose neupenyu hwaakararama kudenga!

5. Jesu akaonei paaiva panyika, uye izvozvo zvakamubatsira sei kuti ave Mupristi Mukuru ane tsitsi? (Onawo mufananidzo.)

5 Jesu paaiva panyika, aiona vanhu vachitambura. Jesu akanyatsonzwisisa kuti kufirwa nemunhu waunoda kunorwadza sei nekuti anofanira kunge akafirwa nababa vake Josefa nevamwewo vanhu vaaizivana navo. Paaiita ushumiri hwake, Jesu aisangana nevanhu vaiva nemaperembudzi, mapofu, vaisagona kufamba, uye vabereki vakanga vafirwa nevana vavo. Jesu ainzwira vanhu vese ava tsitsi. (Mat. 9:​2, 6; 15:30; 20:34; Mako 1:​40, 41; Ruka 7:13) Kunyange zvazvo akanga amboona vanhu vachitambura paaiva kudenga, paakazouya panyika akasvika pakunyatsonzwisisa kuti munhu anonzwa sei paanenge achitambura. Akanga ava kunyatsonzwisisa manzwiro anoita vanhu pavanenge vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye kuti nhamo dzavanosangana nadzo dzinoita kuti vatambure sei. (Isa. 53:4) Kungofananawo nevamwe vanhu vese, Jesu ainetawo, aitombonetsekawo uye aitombosuruvarawo.

Jesu akaunganirwa nevanhu vari kuda kuti avarape. Anovanzwira tsitsi uye anotambanudza maoko ake achibata mumwe murume wechikuru ari kurwara zvisingaiti.

Jesu ainzwira tsitsi vanhu vaaiona uye aiva nehanya nekutambura kwavaiita (Ona ndima 5)


JESU ANONZWIRA VANHU TSITSI

6. Fananidzo dzakashandiswa nemuprofita Isaya dzinotidzidzisei nezvetsitsi dzaJesu? (Isaya 42:3)

6 Paaiita ushumiri hwake, Jesu ainzwira tsitsi vanhu vakaderera uye vaibatwa zvisina kunaka. Paaiita izvozvo, aitozadzisa uprofita. MuMagwaro echiHebheru, dzimwe nguva vanhu vakapfuma uye vane simba vanofananidzwa nemunda unowana mvura yakakwana kana kuti nemiti yakakura inoyevedza. (Pis. 92:12; Isa. 61:3; Jer. 31:12) Asi varombo nevaya vanotarisirwa pasi vanofananidzwa netsanga yakapwanyika kana kuti netambo yerambi iri kupfungaira yava kuda kutodzima. (Verenga Isaya 42:3; Mat. 12:20) Achifemerwa naMwari, muprofita Isaya akashandisa fananidzo idzi kuti ataure nezverudo uye tsitsi zvaizoratidzwa naJesu kuvanhuwo zvavo vaionekwa nevamwe sevasingakoshi.

7-8. Jesu akazadzisa sei uprofita hwaIsaya?

7 Mateu akaratidza kuti Jesu akazadzisa uprofita hwaIsaya paakanyora kuti: “Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora, uye hapana tambo inopfungaira yaachadzima.” Zvimwe zvishamiso zvakaitwa naJesu zvaiva zvekubatsira vanhu vakaderera avo vaizviona setsanga yakapwanyika kana kuti vanhu vasina tariro avo vaizviona setambo yerambi yava kuda kudzima. Mumwe wevanhu ava aiva mumwe murume akanga akazara nemaperembudzi. Murume iyeye anofanira kunge akanga asina tariro yekuti aizombofa akapora, okwanisawo kuva pamwe chete nehama neshamwari dzake. (Ruka 5:​12, 13) Kwaivawo nemumwe murume aiva matsi akanga asinganyatsogoni kutaura. Chimbofungidzira kuti ainzwa sei paaiona vamwe vachinakidzwa nekutaura nyaya asi iye asingakwanisi kunzwa kuti vari kutaura nezvei. (Mako 7:​32, 33) Asi izvozvo handizvo zvega.

8 Mumazuva aJesu, vaJudha vakawanda vaifunga kuti kurwara kana kuti kuremara ishamhu yaMwari yekurangirwa zvivi zvako kana kuti zvivi zvevabereki vako. (Joh. 9:2) Nemhaka yedzidziso iyoyo yenhema, vanhu vairwara uye vakanga vakaremara vaibatwa zvisina kunaka nevamwe uye vaizviona sevasingakoshi. Jesu akazadzisa uprofita hwaIsaya paakarapa vanhu ivavo, izvo zvakavabatsira kuziva kuti Mwari anovada. Izvi zvinotidzidzisei nezvemaonero anoita Jesu vanhu mazuva ano?

9. VaHebheru 4:​15, 16 inoratidza sei kuti Mupristi wedu Mukuru ari kudenga anonzwira tsitsi vanhu vane chivi?

9 Verenga VaHebheru 4:​15, 16. Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jesu acharamba achitinzwira tsitsi. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kunzwira tsitsi” rinoreva kurwadziwa paunoona mumwe munhu achitambura. Pauro akashandisawo shoko rimwe chete iroro rechiGiriki pana VaHebheru 10:34 paaitaura nezvekuti tinonzwira tsitsi vaya vari mumajeri. Nyaya dzezvishamiso zvakaitwa naJesu, dzinonyatsoratidza kuti Jesu airwadziwa chaizvo paaiona vanhu vachitambura. Haana kungovarapa nekuti ndizvo zvaaifanira kuita. Asi akavarapa nekuti aivada uye aida kuvabatsira. Semuenzaniso paakarapa murume uya akanga akazara maperembudzi, aigona kuita chishamiso chacho ari kure naye, asi Jesu akaenda pedyo naye akamubata. Murume iyeye anofanira kunge akanga atova nemakore asina kumbobatwa nemunhu! Uye Jesu paakarapa murume uya aiva matsi, akamutora akanomurapa vari kwavo vega kwakanga kusina ruzha. Uyewo funga zvakaitika mumwe mukadzi akanga apfidza zvivi zvake paakageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake. Mumwe muFarisi aivapo akataura zvakaipa nezvemukadzi iyeye asi Jesu akamumiririra uye akatsiura zvakasimba muFarisi iyeye. (Mat. 8:3; Mako 7:33; Ruka 7:44) Jesu aisatarisira pasi vanhu vairwara, vakanga vakaremara kana kuti vaya vakanga vaita zvivi zvakakura. Asi aida kuti vanhu ivavo vauye kwaari uye akavaratidza kuti aivada. Izvi zvinotipa chivimbo chakasimba chekuti anotinzwirawo tsitsi.

KUTEVEDZERA MUPRISTI WEDU MUKURU MAZUVA ANO

10. Zvii zvatinogona kushandisa kuti tibatsire matsi nemapofu kuti vazive Jehovha neMwanakomana wake? (Onawo mifananidzo.)

10 Sezvo tiri vateveri vaJesu vakatendeka, tinoedza nepese patinogona kuti timutevedzere pakuratidza vamwe rudo uyewo pakunzwira vamwe tsitsi. (1 Pet. 2:21; 3:8) Kunyange zvazvo tisingakwanisi kurapa matsi nemapofu, tine zvatiri kuita kuti tibatsire vanhu ivavo kuti vazive Jehovha vova pedyo naye. Semuenzaniso, tiri kubudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro yemasaini inopfuura 100. Uyewo kuti tibatsire mapofu nevaya vasinganyatsooni zvakanaka, tiri kubudisa mabhuku avanokwanisa kuverenga vachishandisa maoko avo mumitauro inopfuura 60. Tiri kubudisawo mavhidhiyo anenge aine mashoko anotsanangura zvinenge zvichibuda pamavhidhiyo acho mumitauro inopfuura 100. Zvese izvi zviri kubatsira matsi nemapofu kuti vaswedere pedyo naJehovha neMwanakomana wake.

Mifananidzo: 1. Hama nehanzvadzi dzichiimba nemutauro wemasaini pamusangano weungano. 2. Hanzvadzi isingaoni iri kuverenga Bhaibheri ichishandisa maoko ayo.

Mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri anowanika mumitauro inopfuura 1 000

Kuruboshwe: Mitauro inopfuura 100 yemasaini

Kurudyi: Mitauro inopfuura 60 yemapofu nevaya vasinganyatsooni zvakanaka

(Ona ndima 10)


11. Sangano raJehovha rinoratidza sei kuti rinonzwira vanhu vemarudzi ese tsitsi sezvaiitwa naJesu? (Mabasa 2:​5-7, 33) (Onawo mifananidzo.)

11 Sangano raJehovha riri kushanda nesimba kubatsira vanhu vemarudzi ese kuti vaswedere pedyo naJehovha. Yeuka kuti pashure pekunge amutswa, Jesu akadurura mweya mutsvene kuitira kuti vadzidzi vake vakwanise kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vese vakanga vaungana pamutambo wePendekosti zvekuti “mumwe nemumwe akavanzwa vachitaura nemutauro wake.” (Verenga Mabasa 2:​5-7, 33.) Richitungamirirwa naJesu, sangano riri kubudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 1 000, uye mimwe mitauro iyi inongotaurwa nevanhu vashoma. Semuenzaniso, pane mimwe mitauro inotaurwa nevanhu vashoma vanogara kuNorth nekuSouth America. Asi mabhuku edu anowanika mumitauro inopfuura 160 yemitauro iyoyo kuitira kuti vanhu vakawanda vakwanise kunzwawo mashoko akanaka. Uye mabhuku edu anowanikawo mumitauro inopfuura 20 yechiRomany. Zviuru zvevanhu vanotaura mitauro iyi zviri kugamuchira chokwadi.

Mifananidzo: 1. Imwe hanzvadzi yekuAmerica iri kunyemwerera yakabata Bhaibheri remutauro wayo. 2. Imwe hanzvadzi yechiRomany nemwanasikana wayo vari pagungano.

Kuruboshwe: Mitauro inopfuura 160 yevanhu vekuNorth neSouth America

Kurudyi: Mitauro inopfuura 20 yechiRomany

(Ona ndima 11)


12. Zvii zvimwe zviri kuitwa nesangano raJehovha kuti ribatsire vanhu?

12 Sangano raJehovha harisi kungogumira pakushanda kuti mashoko akanaka anzwiwe nevanhu vakawanda, asiwo rinobatsira vaya vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega. Pane zviuru zvevanhu vanozvipira kunobatsira hama nehanzvadzi dzavo dzinenge dzawirwa nenjodzi idzi. Uyewo sangano riri kushanda nesimba kuti vanhu vawane nzvimbo dzekunamatira kwavanogona kunoungana kuti vadzidze nezvekudiwa kwavanoitwa naJehovha.

MUPRISTI WEDU MUKURU ANOGONA KUKUBATSIRA

13. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinobatsirwa nadzo naJesu?

13 Sezvo Jesu ari mufudzi akanaka, anova nechokwadi chekuti tawana zvese zvatinoda kuti tirambe tiri pedyo naJehovha. (Joh. 10:14; VaEf. 4:7) Dzimwe nguva muupenyu tinosangana nezvimwe zvinhu zvinoita kuti tiore mwoyo zvekuti tinogona kutanga kuzviona setambo yerambi yava kuda kudzima kana kuti setsanga yakapwanyika. Tinogona kuora mwoyo nekuti tinenge tichirwara zvakanyanya, tiine chimwe chinhu chatakakanganisa kana kuti tisiri kuwirirana nemumwe munhu watinonamata naye. Tinogona kutanga kunyanya kuisa pfungwa panhamo dzedu zvekuti tinotadza kuona zvinhu zvakanaka zviri mberi zvatakavimbiswa naJehovha. Asi yeuka kuti Jesu anoona zvauri kusangana nazvo uye anonzwisisa manzwiro auri kuita. Nemhaka yekuti Jesu ane tsitsi, anoda kukubatsira. Paya paunenge usina simba, anogona kukusimbisa achishandisa mweya mutsvene. (Joh. 16:7; Tito 3:6) Uye Jesu anogona kuitawo kuti vakuru nevamwe vanhu vari muungano vakukurudzire, vakutsigire uye vakubatsire.—VaEf. 4:8.

14. Tingaitei patinenge takaora mwoyo?

14 Kana wakaora mwoyo, yeuka kuti Jesu ndiye akagadzwa seMupristi wedu Mukuru. Jehovha haana kungotuma Jesu panyika kuti atifire chete asi aidawo kuti anyatsosvika pakunzwisisa nhamo dzatinosangana nadzo isu vanhu vane chivi. Saka patinenge takaora mwoyo nemhaka yechivi chatinenge taita kana kuti zvimwewo zvinhu zvatinokanganisa, ngatiyeukei kuti Jesu anoda uye akagadzirira kutibatsira “panguva yakakodzera.”—VaH. 4:​15, 16.

15. Taura muenzaniso unoratidza kuti munhu anenge asiya Jehovha anogona kubatsirwa sei kuti adzoke kuungano.

15 Jesu ari kutungamirirawo vanhu vake pavari kushanda nesimba kutsvaga uye kubatsira vaya vakasiya Jehovha. (Mat. 18:​12, 13) Chimbofunga zvakaitika kuna Stefano.b Pashure pekunge ava nemakore 12 abviswa muungano, Stefano akafunga kuenda kumisangano. Akati: “Zvakanga zvisiri nyore, asi ndaida kutangazve kunamata Jehovha pamwe chete nehama nehanzvadzi dzangu.” Akaenderera mberi achiti: “Vakuru vakataura neni vakandigamuchira zvakanaka. Dzimwe nguva ndaizvitongesa nekuti ndakanga ndasiya Jehovha uye izvozvo zvaiita kuti ndide kudzoka shure. Asi hama dzairamba dzichindiyeuchidza kuti Jehovha naJesu havadi kuti ndidzoke shure. Pandakadzorerwa, ungano yese yakatigamuchira zvakanaka. Mudzimai wangu akazobvuma kudzidza Bhaibheri uye iye zvino tiri kushumira Jehovha pamwe chete semhuri.” Mupristi wedu Mukuru ane rudo anofara chaizvo paanoona vanhu vanenge vapfidza zvivi zvavo vachibatsirwa kuti vadzoke kuungano!

16. Nei uchitenda kuti une Mupristi Mukuru ane tsitsi?

16 Paaiva panyika, Jesu akabatsira vanhu vakawanda panguva chaiyo yavaida kubatsirwa. Mazuva ano tinogona kuva nechivimbo chekuti achatibatsirawo pese patinenge tichida kubatsirwa. Uye munyika itsva iri kuuya Jesu achabatsira vanhu vese vanoteerera kuti vararame upenyu hwakanaka vasina chivi. Tinotenda chaizvo kuti Mwari wedu Jehovha ane rudo netsitsi uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti agadze Mwanakomana wake kuti ave Mupristi wedu Mukuru ane tsitsi!

UNGAPINDURA SEI?

  • Kurarama kwakaita Jesu panyika kwakamubatsira sei kuti ave Mupristi wedu Mukuru akanaka?

  • Jesu akazadzisa sei uprofita huri pana Isaya 42:3?

  • Mupristi wedu Mukuru anotibatsira sei mazuva ano?

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

a Kuti uwane mamwe mashoko anoratidza kuti Jesu akatsiva sei mupristi mukuru wechiJudha, ona nyaya yakanzi “Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya” muNharireyomurindi yaOctober 2023, peji 26, ndima 7-9.

b Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe