ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Dzidza Nechinangwa Chekuzoudzawo Vamwe
Kudzidza tiri tega kunogona kutizorodza, asi tinotonyanya kunzwa kuzorodzwa patinoudzawo vamwe zvatinenge tadzidza. Zvirevo 11:25 inoti: “Munhu wese anozorodza vamwe achazorodzwawo.”
Kuudza vamwe zvatinenge tadzidza kunotoita kuti tiwedzere kunzwisisa uye kuyeuka zvatinenge tadzidza. Tikaudzawo vamwe zvatinenge tadzidza zvinogona kuvabatsira muupenyu uye izvi zvinoita kuti tifare.—Mab. 20:35.
Edza izvi: Vhiki rino, tsvaga munhu waunogona kuudza zvaunenge wadzidza. Anogona kuva wemumhuri, wemuungano menyu, waunoshanda naye, waunodzidza naye kuchikoro, muvakidzani wako, kana kuti munhu waunenge waonana naye muushumiri. Taura mashoko acho nenzira iri nyore uye zvakajeka.
Zvekuyeuka: Chinangwa chekuudza vamwe hachisi chekushamisira asi ndechekuvakurudzira.—1 VaK. 8:1.