Waizviziva Here?
Vapristi vaiva patemberi muJerusarema vaiita sei neropa remhuka dzezvibayiro?
GORE rega rega, vapristi muIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka paatari yaiva patemberi. Maererano nemunyori wezvakaitika kare wechiJudha ainzi Josephus, musi wePaseka makwai anopfuura 250 000 aipiwa sezvibayiro. Saka paiva neropa rakawanda remhuka dzaiurayiwa. (Revh. 1:10, 11; Num. 28:16, 19) Ropa rese iroro raienda kupi?
Vanochera matongo vakachera panharaunda yaiva netemberi yakavakwa naHerodhi. Vakawana paine migero inogona kunge yaishandiswa kuti ropa riyerere richibva patemberi.
Ona zvinhu zviviri zvaiita kuti atari igare yakachena:
Maburi aiva pazasi peatari: Rimwe bhuku rinotaura nezvetsika nemitemo zvechiJudha rakanyorwa pashure pegore ra200 C.E., rinoratidza kuti pakanga paine atari pakanga pakagadzirwa nenzira yaiita kuti ropa rikwanise kuyerera richibva ipapo. Bhuku racho rinotaura kuti paiva nemaburi maviri aiva pane imwe kona yeatari. Ropa remhuka dzainge dzabayirwa uyewo mvura yaishandiswa kugeza atari, zvaipinda nepamaburi aya zvoyerera zvichidzika nemumugero kunosvika kuBani reKidroni.
Vanochera matongo mazuva ano vanobvumirana nezvakanyorwa mubhuku iroro rekare zvekuti paiva nemaburi aiva pedyo neatari. Rimwe bhuku rinonzi The Cambridge History of Judaism rinotaurawo kuti pedyo nepaiva pakavakwa temberi paiva “nemigero” yakanga yakagadzirwa. Mvura yakanga yakasangana neropa rezvibayiro yaibva paatari inogona kunge yaiyerera ichipinda imomo.
Mvura yakawanda: Vapristi vaida mvura yakawanda kuti vakwanise kugeza pazasi peatari uye kuitira kuti mugero waifamba neropa ugare wakachena. Kuti vakwanise kuita izvi, vapristi vaiwana mvura yakawanda kubva muguta reJerusarema. Paiva nemigero yaiyerera nemvura ichiuya kutemberi uye mvura yacho yaichengeterwa mumadziva nemumigodhi. Joseph Patrich, uyo aiita zvekuchera matongo akatsanangura kuti zvinoita sekuti hapana imwe temberi yepanguva iyoyo yaiva nenzira yakanaka kudaro yekuendesa mvura yakachena patemberi uye yekuita kuti mvura yakasviba ibviswe patemberi yacho.