RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 July pp. 20-25
  • Zvaungaita Kuti ‘Ugutsikane’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti ‘Ugutsikane’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • IVA MUNHU ANOONGA
  • IVA MUNHU ANOZVININIPISA
  • FUNGISISA NEZVETARIRO YAKO
  • “VAYA VANOMUTYA HAVANA CHAVANOSHAYIWA”
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu reZvapupu zvaJehovha Nemutariri Wedunhu ra2025-2026
  • Unokwanisa Kusiyanisa Chokwadi Nenhema Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 July pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 31

RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare

Zvaungaita Kuti ‘Ugutsikane’

“Ndakadzidza kugutsikana pasinei nekuti zvinhu zvakandimirira sei.”—VAF. 4:11.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti kuva vanhu vanoonga, vanozvininipisa, uye vanogara vachifungisisa nezvetariro yedu yeramangwana kunotibatsira sei kuti tigutsikane.

1. Zvinorevei kuva munhu anogutsikana, uye ndezvipi zvazvisingarevi?

URI munhu anogutsikana here? Munhu anogutsikana anoonga zvaanoitirwa naJehovha uye izvi zvinoita kuti ave nemufaro uye rugare. Haarwadziwi uye haagumbuki nemhaka yezvaanenge asina. Asiwo kugutsikana hazvirevi kuti tinobva tangogara tisina zvatinenge tiri kuita. Semuenzaniso, hapana chakaipa kana muKristu akavavarira kuita zvakawanda mubasa raJehovha. (VaR. 12:1; 1 Tim. 3:1) Asi kana tichigutsikana tinongoramba tichifara kunyange kana tikasakurumidza kuwana ropafadzo yatinenge tichitarisira.

2. Kusagutsikana kwakaipirei?

2 Kusagutsikana kunogona kuita kuti munhu apinde mumatambudziko akakura. Vaya vasingagutsikani nezvavainazvo vanogona kupedzisira vava kushanda maawa akawanda vachizviunganidzira zvinhu. Zvinosuwisa kuti vamwe vaKristu vakatosvika pakuba mari kana kuti zvimwe zvinhu zvavaida. Vanogona kunge vakazviudza kuti, ‘Zvinhu izvi ndinofanira kuzviwana,’ ‘Ndava nenguva ndakamirira saka ndava kungotora,’ kana kuti ‘Ndichazodzosa mari yacho.’ Asi kuba kwese hakufadzi Jehovha uye kunoshoresa zita rake. (Zvir. 30:9) Vamwe vakarwadziwa nekuti havana kuwana ropafadzo yavaitarisira kuwana zvekuti vakabva vatorega kushumira Jehovha. (VaG. 6:9) Asi chii chinogona kuita kuti mushumiri waJehovha atombofunga kuita izvozvo? Dambudziko rinogona kunge riri pakuti akanga asisagutsikani.

3. Chidzidzo chipi chatinowana pana VaFiripi 4:​11, 12?

3 Tese zvedu tinogona kuva vanhu vanogutsikana. Muapostora Pauro akanyora kuti akanga ‘adzidza kugutsikana pasinei nekuti zvinhu zvakanga zvakamumirira sei.’ (Verenga VaFiripi 4:​11, 12.) Pauro paakanyora mashoko iwayo akanga ari mujeri, asi akaramba achifara. Akanga ‘adzidza’ kugutsikana. Kana tichimboomerwa nekugutsikana, zvakataurwa naPauro uye zvakaitika kwaari zvinogona kutibatsira kuti tive vanhu vanogutsikana. Hatifaniri hedu kufunga kuti tichangoerekana tava kugutsikana nemamiriro edu ezvinhu. Asi tinotofanira kudzidza kugutsikana. Tingazviita sei? Ngationei zvinhu zvingatibatsira kuti tidzidze kuva vanhu vanogutsikana.

IVA MUNHU ANOONGA

4. Kuva vanhu vanoonga kunotibatsira sei kuti tigutsikane? (1 VaTesaronika 5:18)

4 Kazhinji kacho munhu anoonga anogutsikana nezvaanenge ainazvo. (Verenga 1 VaTesaronika 5:18.) Semuenzaniso, patinoonga kuti tine zvinhu zvinokosha zvinotibatsira pakurarama, hatizonyanyi kunetseka nezvezvimwe zvinhu zvatinenge tisina. Kana tichionga ropafadzo yatiinayo pakushumira Jehovha iye zvino, zvichatibatsira kuti tiise mwoyo wedu pabasa ratinenge tichiita pane kuti tirambe tichingoshuva kuti dai tapiwa rimwe basa. Ndokusaka Magwaro achitikurudzira kuti tigare tichitenda Jehovha patinenge tichinyengetera! Kuva vanhu vanoonga kunotibatsira kuti tiwane “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.”—VaF. 4:​6, 7.

5. Nei vaIsraeri vaifanira kuva vanhu vanoonga? (Onawo mufananidzo.)

5 Funga zvakaitwa nevaIsraeri. Kakawanda vainyunyutira Jehovha nekuti vakanga vasina zvekudya zvavaimbodya vari kuIjipiti. (Num. 11:​4-6) Ichokwadi kuti upenyu murenje hwakanga husiri nyore. Asi chii chaigona kuvabatsira kuti vagutsikane? Vaifanira kuyeuka zvavakanga vaitirwa naJehovha, vogara vachimutenda. Pavaiva varanda kuIjipiti vachibatwa zvisina kunaka, Jehovha akaunza matambudziko gumi pavaIjipiti akavanunura. Pashure pekunge vasunungurwa, vaIsraeri vakatuta sirivha, goridhe nezvipfeko zvevaIjipiti. (Eks. 12:​35, 36) VaIjipiti pavakatevera vaIsraeri zvekuti vakanga vasisina kwekutizira, Jehovha akaita chishamiso chekupatsanura mvura yeGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakayambuka. Uye pavaifamba murenje, Jehovha aivapa mana zuva rega rega. Saka dambudziko raiva papi? Dambudziko raiva pakuti vakanga vasingaongi zvavaipiwa naJehovha, kwete pakuti vakanga vasina zvekudya zvakakwana.

Vamwe vaIsraeri vari kuudza Mozisi kuti havasi kufara nekungoramba vachidya mana chete. Kune rimwe divi kune vamwe vari kunhonga mana vachiona zviri kuitika.

Chii chakaita kuti vaIsraeri vapedzisire vasisagutsikani? (Ona ndima 5)


6. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatingaita kuti tive vanhu vanoonga?

6 Ungava sei munhu anoonga? Chekutanga, zuva rega rega wana nguva yekufunga zvinhu zvakanaka zvauinazvo. Unogona kunyora pasi zvinhu zviviri kana zvitatu zvaunoonga. (Mari. 3:​22, 23) Chechipiri, vanhu pavanokuitira chinhu chakanaka, vatende. Uye unotofanira kunyanya kutenda Jehovha zuva rega rega nezvaanokuitira. (Pis. 75:1) Chechitatu, shamwaridzana nevanhu vanoonga. Kana ukashamwaridzana nevanhu vanoonga, zviri nyore kuti uvewo munhu anoonga. Asi kana ukashamwaridzana nevanhu vasingaongi kana kuti vanogara vachinyunyuta, unogona kuzopedzisira wafanana navo. (Dheut. 1:​26-28; 2 Tim. 3:​1, 2, 5) Patinogara tichionga vamwe nezvakanaka zvavanotiitira, kashoma kuti tizopedzisira tisisagutsikani.

7. Aci akaitei kuti ave munhu anoonga, uye izvozvo zvakamubatsira sei?

7 Funga zvakaitika kuna Aci, uyo anogara kuIndonesia. Anoti: “Panguva yechirwere cheCOVID-19, ndakatanga kuzvienzanisa nevamwe vandainamata navo uye izvozvo zvakaita kuti ndipedzisire ndisisagutsikani.” (VaG. 6:4) Chii chakamubatsira kuchinja maonero ake? Anoti: “Ndakatanga kufunga makomborero andaiwana zuva rega rega uye zvinhu zvakawanda zvakanaka zvandiinazvo nekuti ndiri musangano raMwari. Ndakabva ndatenda Jehovha. Zvese izvi zvakandibatsira kuti ndinyatsonzwa kugutsikana.” Kana usingagutsikani nemamiriro ako ezvinhu, unogonawo kutevedzera zvakaitwa naAci kuti uve munhu anoonga.

IVA MUNHU ANOZVININIPISA

8. Chii chakaitika kuna Bharuki?

8 Munyori wemuprofita Jeremiya ainzi Bharuki akambotadza kugutsikana nemamiriro ake ezvinhu. Bharuki aiva nebasa rakaoma. Aifanira kutsigira Jeremiya paaizivisa mashoko erutongeso kuvaIsraeri, avo vakanga vasingaongi. Asi pane kuti aise pfungwa pane basa raakanga apiwa naJehovha kuti aite, Bharuki akatanga kunyanya kufunga zvaaida kuita iye pachake. Achishandisa Jeremiya, Jehovha akaudza Bharuki kuti: “Uri kuzvitsvagira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaga zvinhu izvozvo.” (Jer. 45:​3-5) Tingatoti aimuudza kuti: “Gutsikana nezvauinazvo.” Bharuki akabvuma kururamiswa uye akaramba achifarirwa naJehovha.

9. Tinodzidzei pana 1 VaKorinde 4:​6, 7? (Onawo mifananidzo.)

9 Dzimwe nguva, mumwe muKristu anogona kunzwa sekuti anotokodzera kupiwa imwe ropafadzo muungano. Anogona kunge aine unyanzvi, achishanda nesimba, kana kuti ava nemakore achishumira Jehovha. Asi anobva aona vamwe vachipiwa ropafadzo iyoyo yaaida. Chii chingamubatsira kuti asagumbuka? Anogona kufunga nezvemashoko akanyorwa nemuapostora Pauro pana 1 VaKorinde 4:​6, 7. (Verenga.) Ropafadzo dzese dzatinowana uye zvipo zvese zvatiinazvo zvinobva kuna Jehovha. Jehovha haatipi zvinhu izvi nekuti takakodzera kuzviwana. Dzinongova nyasha dzaanongotiratidzawo.—VaR. 12:​3, 6; VaEf. 2:​8, 9.

Mifananidzo: Hama nehanzvadzi dzine ropafadzo dzakasiyana-siyana musangano raJehovha. 1. Hama iri kutarisa mapaipi pane chimwe chivakwa chesangano. 2. Hanzvadzi iri kubvunzwa neimwe hama pagungano redunhu remutauro wemasaini. 3. Hama iri kupa hurukuro pamusangano weungano.

Zvipo zvese zvatiinazvo zvinobva kuna Jehovha (Ona ndima 9)b


10. Tingadzidza sei kuzvininipisa?

10 Tinogona kudzidza kuzvininipisa kana tikafungisisa zvakaitwa naJesu. Semuenzaniso, usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akageza tsoka dzevaapostora vake. Muapostora Johani akanyora kuti: “Jesu aiziva kuti [1] Baba vakanga vaisa zvinhu zvese mumaoko ake uye kuti [2] akabva kuna Mwari uye kuti [3] aienda kuna Mwari.” Kunyange zvakadaro, “akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi.” (Joh. 13:​3-5) Jesu aigona kufunga kuti vaapostora ndivo vaifanira kutogeza tsoka dzake. Asi paaiva panyika, Jesu haana kumbobvira afunga kuti sezvo aiva Mwanakomana waMwari aifanira kunge aine imba yakanaka, mari yakawanda, kana kuti achirarama upenyu hwemutambarakede. (Ruka 9:58) Jesu aizvininipisa uye aigutsikana nezvaaiva nazvo. Akatiratidza muenzaniso wakanaka wekuti titevedzere.—Joh. 13:15.

11. Chii chiri kubatsira Dennis kuti agutsikane?

11 Dennis, uyo anogara kuNetherlands, ari kuedza kutevedzera muenzaniso waJesu wekuzvininipisa, asi dzimwe nguva anomboomerwa. Anoti: “Kana mumwe munhu akawana ropafadzo yandinenge ndichida, dzimwe nguva ndinorwadziwa nekuti ndinenge ndichifunga kuti ndini ndanga ndichifanira kuwana ropafadzo iyoyo. Izvozvo pazvinoitika, ndinodzidza nyaya dzinotaura nezvekuzvininipisa. MuJW Library®, ndakaisa matag pamavhesi anotaura nezvekuzvininipisa kuitira kuti ndikurumidze kumawana ndomaverenga zvakare. Uyewo mufoni mangu ndakadhaunirodha hurukuro dzinotaura nezvekuzvininipisa uye ndinogara ndichidziteerera.a Ndakadzidza kuti mabasa ese atinoita hatiitire kuti tikudzwe, asi tinoaitira kuti Jehovha akudzwe. Jehovha anotipawo mabasa ekuita asi ndiye anenge achiita kuti zvibudirire.” Kana ukatanga kusagutsikana nemamiriro ako ezvinhu, shanda nesimba kuti uzvininipise. Izvi zvichasimbisa ushamwari hwako naJehovha uye zvichakubatsira kugutsikana.—Jak. 4:​6, 8.

FUNGISISA NEZVETARIRO YAKO

12. Tariro yedu yeramangwana inotibatsira sei kuti tigutsikane? (Isaya 65:​21-25)

12 Tinowedzera kugutsikana kana tikafungisisa nezvetariro yakanaka yatiinayo yeramangwana. Mashoko aJehovha akanyorwa nemuprofita Isaya anoratidza kuti upenyu mazuva ano hunogona kuoma uye anotiyeuchidza kuti Jehovha achagadzirisa matambudziko ese atiinawo. (Verenga Isaya 65:​21-25.) Tichagara mudzimba dzakanaka tisina chekutya. Tichange tiine mabasa anogutsa, uye tichadya zvekudya zvine utano uye zvinonaka. Hatizorarami tichitya kuti pane chimwe chinhu chakaipa chichaitika kwatiri kana kuti kuvana vedu. (Isa. 32:​17, 18; Ezek. 34:25) Tinogona kuva nechokwadi chekuti zvinhu zvese izvi zvakanaka zvatinovimbiswa zvichazadziswa mune ramangwana.

13. Ndeapi matambudziko atiri kusangana nawo uye kufunga nezvetariro yatiinayo yeramangwana kunotibatsira sei?

13 Iye zvino, ndipo patinotofanira kunyanya kufunga nezvetariro yedu. Nei zvakadaro? Nekuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” uye tese tinosangana nematambudziko ‘anotinetsa.’ (2 Tim. 3:1) Jehovha anotibatsira zuva rega rega kuti titsungirire kuburikidza nekutipa mazano, kutipa simba uye kutitsigira. (Pis. 145:14) Uyewo, tariro yedu yatiinayo sevaKristu inotitsigisa munguva dzakaoma. Pamwe uri kunetseka kuti uriritire mhuri yako. Izvi zvinoreva here kuti uchangoramba uchitambura? Aiwa! Jehovha anovimbisa kukupa zvaunoda uye achatokupawo zvimwe zvakawanda muParadhiso. (Pis. 9:18; 72:​12-14) Unogona kunge uchigara uchirwadziwa zuva rega rega, uchinzwa kuora mwoyo, kana kuti uine dambudziko rakakura reutano. Izvi zvinoreva here kuti uchangoramba uchirwadziwa uye zvinhu hazvisi kuzombochinja? Aiwa. Urwere uye rufu zvichabviswa munyika itsva yaMwari. (Zvak. 21:​3, 4) Tariro iyoyo inotibatsira kuti tigutsikane iye zvino uye kuti tisagumbuka kana kugara tichirwadziwa nezviri kuitika kwatiri. Tinogona kuramba tichifara uye tiine rugare kunyange kana mumwe munhu akatibata zvisina kunaka, kana tikarasikirwa nehama yedu murufu, kana kuti chimwe chinhu chakaipa chikaitika kwatiri muupenyu hwedu. Nei zvakadaro? Nekuti pasinei nekuoma kwematambudziko atingasangana nawo iye zvino, tinoziva kuti ‘kutambura kwacho ndekwenguva diki’ uye kuti munyika itsva yaMwari yava pedyo kusvika hatizombotamburi zvakare.—2 VaK. 4:​17, 18.

14. Zvii zvatingaita kuti tariro yedu iwedzere kujeka?

14 Sezvo tariro yedu ichikosha kuti tive vanhu vanogutsikana, tingaitei kuti iwedzere kujeka? Dzimwe nguva mumwe munhu anenge achifanira kupfeka magirazi kuitira kuti akwanise kunyatsoona zvinhu zviri kure. Isuwo dzimwe nguva tingatofanira kutora matanho ekuita kuti tariro yedu iwedzere kujeka kuitira kuti tikwanise kunyatsofungidzira zvinenge zvakaita upenyu muParadhiso. Kana tichinetseka nezvenyaya dzemari, tinogona kuzvifungidzira tichirarama munyika inenge isisashandiswi mari uye inenge isisina urombo. Kana tichinetseka kuti hatisati tawana imwe ropafadzo yatinenge tichida, tinogona kufunga kuti pashure pekunge tararama kwezviuru zvemakore munyika itsva uye tisisina chivi, tinenge tichiri kungonetseka nezvenyaya iyoyo here. (1 Tim. 6:19) Tinogona kunge tiine zvinhu zvakawanda zviri kutinetsa iye zvino zvekuti zvinotiomera kuti tiise pfungwa dzedu pane zvinhu zvatinovimbiswa mune ramangwana. Asi kana tikagara tichifunga nezveramangwana redu rakazonaka ratinovimbiswa naJehovha, zvichatiitira nyore kuti tiise pfungwa dzedu patariro, kwete pamatambudziko.

15. Unodzidzei kubva pane zvakataurwa naChrista?

15 Funga nezvekuti tariro iri kubatsira sei Christa, mudzimai waDennis ambotaurwa nezvake. Anoti: “Ndine chirwere chinoita kuti muviri wangu ushaye simba, handikwanisi kufamba, ndinoshandisa wiricheya uye kazhinji ndinenge ndakangorara pamubhedha. Ndinogara ndichirwadziwa mazuva ese. Munguva ichangopfuura, chiremba wangu akandiudza kuti handisi kuzombopora. Asi ndakabva ndangofunga kuti, ‘Maonero aanoita ramangwana akasiyana neandinoita.’ Ndakaisa pfungwa dzangu patariro yandiinayo uye izvi zvinoita kuti ndive nerugare. Iye zvino ndiri kufanira kutsungirira zvandiri kusangana nazvo munyika ino, asi ndinoziva kuti ndichanakidzwa neupenyu ndava munyika itsva!”

“VAYA VANOMUTYA HAVANA CHAVANOSHAYIWA”

16. Chii chinogona kunge chakaita kuti Dhavhidhi ataure mashoko ekuti vaya vanotya Jehovha “havana chavanoshayiwa”?

16 Kunyange mushumiri waJehovha anogutsikana anogona kusangana nematambudziko. Mambo Dhavhidhi akafirwa nevana vake vatatu. Akapomerwa zvenhema, akapandukirwa neshamwari dzake, uye kwemakore aifanira kugara achitiza mambo aida kumuuraya. Pasinei nematambudziko ese aya, akataura nezvaJehovha achiti: “Vaya vanomutya havana chavanoshayiwa.” (Pis. 34:​9, 10) Chii chaigona kuita kuti ataure mashoko iwayo? Nekuti aiziva kuti kunyange zvazvo vashumiri vaJehovha vasingatarisiri kurarama upenyu husina matambudziko iye zvino, vanogona kuva nechokwadi chekuti havazomboshayiwi zvinhu zvinokosha zvavanoda pakurarama. (Pis. 145:16) Uye tinogona kuvimba kuti Jehovha achatitsigira mumatambudziko edu ese. Saka tinokwanisa kunyatsogutsikana.

17. Nei uchida kuva munhu anogutsikana?

17 Jehovha anoda kuti ugutsikane. (Pis. 131:​1, 2) Saka ita zvese zvaunogona kuti ukwanise kuramba uchigutsikana. Kana ukashanda nesimba kuti uve munhu anoonga, urambe uchizvininipisa, uye uchiita kuti tariro yako iwedzere kujeka, uchakwanisawo kutaura kuti: “Ndinogutsikana.”—Pis. 16:​5, 6.

ZVINHU ZVINOTEVERA ZVINOKUBATSIRA SEI KUTI UVE MUNHU ANOGUTSIKANA?

  • Kuva munhu anoonga

  • Kuramba uchizvininipisa

  • Kufungisisa nezvetariro yako

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

a Semuenzaniso, ona vhidhiyo iri pajw.org yeKunamata kweMangwanani ine musoro unoti Jehovha Ane Hanya Nevanozvininipisa uye onawo ine musoro unoti Kudada Kunotangira Kuparara.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kuita basa rekuongorora kuti zvinhu zviri kushanda zvakanaka here pane chimwe chivakwa chesangano, imwe hanzvadzi yakadzidzira mutauro wemasaini iri kubvunzwa pagungano redunhu, uye hama iri kupa hurukuro yavose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe