RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 March pp. 2-7
  • Usanonokera Kubhabhatidzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usanonokera Kubhabhatidzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VASAMARIYA VAKABHABHATIDZWA
  • SAURO WEKUTASO AKABHABHATIDZWA
  • KONIRIYASI AKABHABHATIDZWA
  • VAKORINDE VAKABHABHATIDZWA
  • KUTENDA KWAKO KUNOGONA KUKUBATSIRA KUKURIRA MATAMBUDZIKO AKAKURA
  • Ramba Uchishanda Kuti Ubhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Kubhabhatidzwa Kunomiririrei Uye Nei Kuchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • ‘Ramba Uchitevera’ Jesu Pashure Pekubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Akashandura Pfungwa Dzake
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 March pp. 2-7

NYAYA YEKUDZIDZA 9

RWIYO 51 Takazvitsaurira Kuna Mwari!

Usanonokera Kubhabhatidzwa

“Saka uri kunonokerei? Simuka, ubhabhatidzwe.”—MAB. 22:16.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti zvakaitwa nevaSamariya, Sauro wekuTaso, Koniriyasi, uye vaKorinde zvingakubatsira sei kuti uone zvaungaita kuti ufambire mberi kusvika wabhabhatidzwa.

1. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kubhabhatidzwa?

UNODA Jehovha Mwari here, uyo akakupa zvipo zvese zvakanaka zvauinazvo kusanganisira upenyu hwako chaihwo? Unoda kumuratidza kuti unomuda here? Nzira yakanakisisa yekudaro ndeyekuzvitsaurira kwaari, uye kuzviratidza kuburikidza nekubhabhatidzwa mumvura. Matanho aya anoita kuti uve mumhuri yaJehovha. Izvi zvinoita kuti Jehovha uyo ari Baba vako uye Shamwari yako, akutungamirire uye akuchengetedze nekuti unenge wasarudza kuva munhu wake. (Pis. 73:24; Isa. 43:​1, 2) Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kunoitawo kuti uve nemukana wekurarama nekusingaperi.—1 Pet. 3:21.

2. Tichadzidzei munyaya ino?

2 Pane chiri kukutadzisa kuti ubhabhatidzwe here? Kana chiripo, hausi wega. Pane mamiriyoni akawanda evanhu aifanira kuchinja maitiro avo uye mafungiro avo kuitira kuti vakodzere kubhabhatidzwa. Iye zvino vava kushumira Jehovha vachifara uye vachishingaira. Zvii zvaunogona kudzidza kubva kune vamwe vakabhabhatidzwa panguva yakatanga chiKristu? Ngatikurukurei zvimwe zvaigona kuita kuti zvivaomere kubhabhatidzwa, toona kuti tinogona kudzidzei kubva pane zvavakaita.

VASAMARIYA VAKABHABHATIDZWA

3. Zvii zvaigona kutadzisa vamwe vaSamariya kuti vabhabhatidzwe?

3 VaSamariya vaiva boka rechimwe chitendero chemumazuva aJesu. Vakawanda vavo vaigara muSamariya uye munzvimbo dzakapoteredza Shekemu, kumusoro kweJudhiya. Vasati vabhabhatidzwa, vaifanira kutanga vawedzera ruzivo rwavo rweShoko raMwari. VaSamariya vaitenda kuti mabhuku 5 ekutanga aGenesisi kusvika kuna Dheuteronomi akafemerwa naMwari uye vanogona kunge vaitenda kuti bhuku raJoshua rakafemerwawo. Kunyange zvakadaro, vaitarisira kuti Mesiya aizouya sezvakavimbiswa naMwari pana Dheuteronomi 18:​18, 19. (Joh. 4:25) Kuti vakwanise kubhabhatidzwa, vaifanira kutenda kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akavimbiswa uye ndizvo chaizvo zvakaitwa ‘nevaSamariya vazhinji.’ (Joh. 4:39) Uyewo nemhaka yekuti vaKristu vakawanda vaiva vaJudha, vamwe vaSamariya vanogona kunge vaifanira kuchinja maonero avo vorega kusarura vaJudha.—Ruka 9:​52-54.

4. Maererano naMabasa 8:​5, 6, 14, vamwe vaSamariya vakaita sei pavakaparidzirwa naFiripi?

4 Chii chakabatsira vaSamariya kuti vabhabhatidzwe? Firipi muevhangeri paakavaparidzira “nezvaKristu,” vamwe vaSamariya ‘vakagamuchira shoko raMwari.’ (Verenga Mabasa 8:​5, 6, 14.) Firipi aiva muJudha, asi izvozvo hazvina kutadzisa vaSamariya kuti vamuteerere. Pamwe vakayeuka Magwaro anoratidza kuti Mwari haasaruri. (Dheut. 10:​17-19) Chero zvazvingava, ‘vakateerera zvavainzwa Firipi achitaura’ nezvaKristu uye vakanyatsoona uchapupu hwekuti aitsigirwa naMwari. Firipi akanga achiita zviratidzo zvakawanda, zvaisanganisira kurapa vairwara uye kudzinga madhimoni.—Mab. 8:7.

5. Unodzidzei kubva pane zvakaitwa nevaSamariya?

5 VaSamariya ivavo vaigona kuramba zvaidzidziswa naFiripi nekuti vakanga vasati vambozvinzwa uyewo nekuti Firipi wacho aiva muJudha. Asi havana kudaro. VaSamariya havana kunonokera kubhabhatidzwa pavakangobvuma kuti zvaidzidziswa naFiripi zvaiva zvechokwadi. Bhaibheri rinotaura kuti: “Pavakatenda zvaitaurwa naFiripi, uyo aizivisa mashoko akanaka pamusoro peUmambo hwaMwari uye pamusoro pezita raJesu Kristu, vese varume nevakadzi vakabhabhatidzwa.” (Mab. 8:12) Ko iwe unonyatsobvuma here kuti Shoko raMwari nderechokwadi? Unonyatsobvuma here kuti Zvapupu zvaJehovha hazvisarurani asi zvinoedza kuratidza rudo rwechokwadi rwakanzi naJesu ndirwo rwaizoratidzwa nevateveri vake vechokwadi? (Joh. 13:35) Saka usatya kubhabhatidzwa asi vimba kuti Jehovha achakukomborera.

6. Zvakaitika kuna Ruben zvingakubatsira sei?

6 Ruben, uyo anogara kuGermany, akakurira mumhuri yeZvapupu. Asi paaiva mudiki, akanga asina chokwadi kuti Mwari ariko here. Zvii zvakamubatsira? Paakaona kuti akanga asina ruzivo rwakakwana nezvenyaya yacho, akasarudza kunyatsodzidza nezvayo. Anoti: “Pandaidzidza ndiri ndega, ndaiedza kunyatsotsvaga kuti chokwadi ndechipi. Ndaifanira kudzidza kakawanda nyaya yekuti zvinhu zvakaita zvekusikwa here kana kuti kwete.” Akaverenga bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Bhuku iri rakabatsira chaizvo Ruben. Akasvika pakunyatsoona kuti Jehovha ariko zvechokwadi! Uye paakashanyira mahofisi makuru, Ruben akawedzera kukoshesa kubatana kwatakaita sehama pasi rese. Paakadzokera kuGermany, Ruben akabhabhatidzwa aine makore 17. Kana usina chokwadi nezvezvimwe zvinhu zvawakadzidza, tsvakurudza nezvazvo mumabhuku edu. “Ruzivo rwakarurama” ruchakubatsira kuti unyatsova nechokwadi nezvaunotenda. (VaEf. 4:​13, 14) Paunonzwa nezverudo nekubatana kwakaita vanhu vaJehovha mune dzimwe nyika uye paunozvionera wega muungano yenyu, uchawedzera kuda sangano redu rehama riri pasi rese.

SAURO WEKUTASO AKABHABHATIDZWA

7. Mafungiro api asina kunaka aiva naSauro aaifanira kugadzirisa?

7 Funga zvakaitika kuna Sauro wekuTaso. Akanga akadzidza chaizvo mutemo wevaJudha uye akanga ari kuwedzera kuva nemukurumbira pakati pevaJudha. (VaG. 1:​13, 14; VaF. 3:5) Panguva iyoyo vaJudha vakawanda vaifunga kuti vaKristu vakanga vari vanhu vakatsauka pakutenda. Saka Sauro aivatambudza achitofunga kuti ari kuita kuda kwaMwari. (Mab. 8:3; 9:​1, 2; 26:​9-11) Kuti Sauro agamuchire Jesu obhabhatidzwa semuKristu, aitofanira kunge akagadzirira kutambudzwa.

8. (a) Chii chakabatsira Sauro kuti abhabhatidzwe? (b) Maererano naMabasa 22:​12-16, Ananiyasi akabatsira sei Sauro? (Onawo mufananidzo.)

8 Chii chakabatsira Sauro kuti abhabhatidzwe? Jesu uyo akanga ava kudenga paakataura naSauro, chiedza chaibva kudenga chakabva chaita kuti Sauro atadze kuona. (Mab. 9:​3-9) Kwemazuva matatu, Sauro aitsanya uye zviri pachena kuti aifungisisa zvakanga zvichangobva kuitika kwaari. Sauro akanga ava kunyatsobvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya uye kuti vateveri vake vakanga vari vanamati vechokwadi. Sauro anofanira kunge akazvidemba nekuti akanga akabatanidzwa pakuurayiwa kwaStefani! (Mab. 22:20) Pakapera mazuva acho matatu, mumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi akauya kuna Sauro akaita kuti atangezve kuona uye akamukurudzira kuti asanonokera kubhabhatidzwa. (Verenga Mabasa 22:​12-16.) Sauro akazvininipisa akabvuma kubatsirwa uye akabva atobhabhatidzwa.—Mab. 9:​17, 18.

Sauro achipinda mumvura kuti abhabhatidzwe. Pane vanhu vari kufara kumuona achibhabhatidzwa.

Uchatevedzera Pauro here uyo akabvuma kubhabhatidzwa paakangokurudzirwa kuti adaro? (Ona ndima 8)


9. Zvii zvaunogona kudzidza kubva kuna Sauro?

9 Pane zvatinogona kudzidza kubva kuna Sauro. Aigona kurega kuzvikudza kana kutya vanhu zvichimutadzisa kuti abhabhatidzwe. Asi haana kudaro. Paakagamuchira chokwadi chaakanga adzidza nezvaKristu, Sauro akazvininipisa akachinja mararamiro ake. (Mab. 26:​14, 19) Sauro akanga akazvipira kuva muKristu kunyange zvazvo aiziva kuti aizotambudzwa. (Mab. 9:​15, 16; 20:​22, 23) Paakanga abhabhatidzwa, akaramba achivimba naJehovha kuti amubatsire kutsungirira miedzo yakasiyana-siyana. (2 VaK. 4:​7-10) Kana ukabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha zvinogona kuita kuti usangane nemiedzo yekutenda kwako. Asi ziva kuti unenge usiri wega. Unogona kuva nechivimbo chekuti Mwari naKristu vacharamba vachikutsigira.—VaF. 4:13.

10. Zvakaitika kuna Anna zvingakubatsira sei?

10 Anna akakurira kuEastern Europe. Pashure pekunge amai vake vabhabhatidzwa, baba vake vakamubvumidza kuti atange kudzidza Bhaibheri aine makore 9. Asi veukama vavaigara pamwe chete navo havana kufara nazvo. Hama dzake dzaiona sekuti zvaishoresa kuti munhu asiye chitendero chemhuri. Anna paakanga ava nemakore 12, akakumbira baba vake mvumo yekuti abhabhatidzwe. Baba vake vaida kuziva kuti akanga azvisarudzira ega here kuti anoda kubhabhatidzwa kana kuti pane mumwe munhu aimumanikidza. Anna akapindura kuti: “Ndinoda Jehovha.” Baba vake vakabva vamubvumidza kuti abhabhatidzwe. Paakanga abhabhatidzwa, veukama vakaramba vachimushora uye vachimubata zvisina kunaka. Imwe hama yake yakamuudza kuti: “Zviri nani kuti uite pfambi uchiputa fodya pane kuti uve Chapupu chaJehovha.” Anna akaita sei? Akati: “Jehovha akandibatsira kuti ndirambe ndakasimba, uye amai vangu nababa vangu vakanditsigira zvikuru.” Anna anogara achinyora pasi pese paanoona Jehovha achimubatsira muupenyu. Anozopota achitarisa zvaakanyora kuitira kuti asakanganwe paakabatsirwa naJehovha. Kana uchitya kuzopikiswa, yeuka kuti Jehovha achakubatsirawo.—VaH. 13:6.

KONIRIYASI AKABHABHATIDZWA

11. Zvii zvaigona kuita kuti Koniriyasi azeze kubhabhatidzwa?

11 Bhaibheri rinotiudzawo nezvaKoniriyasi. Akanga ari “mukuru weuto,” achitungamirira masoja 100 muuto reRoma. (Mab. 10:1) Sezvo aiva nechinzvimbo, anofanira kunge aiva nemukurumbira munharaunda maaigara uyewo muchiuto. “Aipa zvipo zvakawanda zvekubatsira varombo.” (Mab. 10:2) Jehovha akatuma muapostora Petro kuti amuzivise mashoko akanaka. Koniriyasi akarega chinzvimbo chake chichimuita kuti azeze kubhabhatidzwa here?

12. Chii chakabatsira Koniriyasi kuti abhabhatidzwe?

12 Chii chakabatsira Koniriyasi kuti abhabhatidzwe? Bhaibheri rinoti “aitya Mwari pamwe chete nemhuri yake yese.” Uye Koniriyasi aigara achinyengetera kuna Mwari. (Mab. 10:2) Petro paakamuzivisa mashoko akanaka, iye nemhuri yake vakagamuchira Kristu uye vakabva vatobhabhatidzwa. (Mab. 10:​47, 48) Zviri pachena kuti Koniriyasi akanga akagadzirira kuchinja chero zvaidiwa muupenyu hwake kuitira kuti akwanise kunamata Jehovha pamwe chete nemhuri yake.—Josh. 24:15; Mab. 10:​24, 33.

13. Zvii zvaunogona kudzidza kubva kuna Koniriyasi?

13 Kungofanana naSauro, Koniriyasi aigona kurega chinzvimbo chake chichimutadzisa kuti ave muKristu. Asi haana kudaro. Une zvinhu zvikuru zvaunofanira kuchinja muupenyu hwako here kuti ukwanise kugamuchira chokwadi? Kana zviripo, Jehovha achava Mubatsiri wako. Achakomborera chido chauinacho chekurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri.

14. Zvakaitika kuna Tsuyoshi zvingakubatsira sei?

14 Tsuyoshi, uyo anogara kuJapan, aifanira kuchinja zvimwe zvinhu pabasa rake kuitira kuti akodzere kubhabhatidzwa. Akanga ari mutevedzeri wemukuru wechikoro chinodzidzisa vanhu kuronga maruva chinonzi Ikenobo. Mukuru wechikoro aiwanzonoronga maruva pamariro achibatanidzwa patsika dzechiBuddha dzaiitwa ipapo. Paaitadza kuenda kumariro, Tsuyoshi ndiye ainomumiririra obatanidzwawo patsika dzechiBuddha. Asi Tsuyoshi paakadzidza chokwadi nezverufu, akaona kuti aisazokwanisa kubhabhatidzwa kana akaramba achibatanidzwa mutsika idzodzo. Akasarudza kuti akanga asisiri kuzobatanidzwa zvakare mutsika dzacho. (2 VaK. 6:​15, 16) Tsuyoshi akataura nemukuru wechikoro nezvenyaya yacho. Chii chakabva chaitika? Tsuyoshi akakwanisa kuramba ari pabasa asi akanga asisiri kuzobatanidzwa mutsika dzacho. Akazobhabhatidzwa pashure pegore atanga kudzidza Bhaibheri.a Kana uine zvaunofanira kuchinja pabasa rako kuitira kuti ufadze Mwari, iva nechokwadi chekuti achakupa iwe nemhuri yako zvamunoda pakurarama.—Pis. 127:2; Mat. 6:33.

VAKORINDE VAKABHABHATIDZWA

15. Zvii zvaigona kutadzisa vaKorinde kuti vabhabhatidzwe?

15 Vanhu vemuKorinde vaizivikanwa nekunyanya kukoshesa zvinhu uye kurarama upenyu hwakafumuka. Vakawanda vavo vaiita zvinhu zvisingafarirwi naMwari. Saka zviri pachena kuti mamiriro aya ezvinhu aigona kutadzisa vamwe kugamuchira mashoko akanaka. Asi muapostora Pauro paakauya muguta racho akatanga kuvaparidzira mashoko akanaka nezvaKristu, “vaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mab. 18:​7-11) Uye Ishe Jesu Kristu akabva azviratidza kuna Pauro muchiratidzo akamuti: “Ndine vanhu vakawanda muguta rino.” Saka Pauro akaramba achiparidza muguta iroro kwegore nehafu.

16. Chii chakabatsira vamwe vaKorinde kuti vasvike pakubhabhatidzwa? (2 VaKorinde 10:​4, 5)

16 Chii chakabatsira vaKorinde kuti vabhabhatidzwe? (Verenga 2 VaKorinde 10:​4, 5.) Shoko raMwari uye mweya wake mutsvene une simba zvakavabatsira kuti vachinje zvinhu zvikuru muupenyu hwavo. (VaH. 4:12) Vaya vaiva muKorinde vakagamuchira mashoko akanaka nezvaKristu vakakwanisa kusiya zvinhu zvakaipa zvavaiita zvakadai sekudhakwa, kuba, uye ungochani.—1 VaK. 6:​9-11.b

17. Unodzidzei kubva pane zvakaitwa nevaKorinde?

17 Kunyange zvazvo vamwe vaiva muKorinde vaiva netsika dzakadzika midzi dzavaifanira kusiya, havana kufunga kuti kusiya zvinhu izvozvo kwakanga kwakaoma zvekuvatadzisa kuva vaKristu. Vakashanda nesimba kuti vapinde mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu husingaperi. (Mat. 7:​13, 14) Une here tsika dzakaipa kana kuti maitiro akaipa auri kurwisa kuti usiye kuitira kuti ukwanise kubhabhatidzwa? Ramba uchiedza! Kumbira Jehovha kuti akupe mweya wake mutsvene kuti ukubatsire kurwisa chido chekuita zvakaipa.

18. Zvakaitika kuna Monika zvingakubatsira sei?

18 Kuitira kuti akwanise kubhabhatidzwa, Monika uyo anogara munyika yeGeorgia, aifanira kushanda nesimba kuti asiye matauriro akaipa uye kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka. Anoti: “Pandaiyaruka, munyengetero ndiwo waindibatsira. Jehovha aiziva kuti ndaida kuita zvinhu zvakarurama saka aigara achindibatsira uye achinditungamirira.” Monika akazobhabhatidzwa ava nemakore 16. Pane here maitiro auri kufanira kusiya kuitira kuti ukwanise kushumira Jehovha? Ramba uchimukumbira kuti akupe simba rekuti uchinje. Jehovha achakupa mweya wake mutsvene.—Joh. 3:34.

KUTENDA KWAKO KUNOGONA KUKUBATSIRA KUKURIRA MATAMBUDZIKO AKAKURA

19. Chii chinogona kukubatsira kukurira matambudziko akaita semakomo? (Onawo mufananidzo.)

19 Ziva kuti Jehovha anokuda uye anoda kuti uve mumhuri yake pasinei nematambudziko angaita kuti zvikuomere kubhabhatidzwa. Jesu akaudza rimwe boka revadzidzi vake kuti: “Kana muine kutenda kwakaenzana nekatsanga kemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.” (Mat. 17:20) Vaya vakanzwa mashoko aya vakanga vangova nemakore mashomanana vaina Jesu saka kutenda kwavo kwakanga kuchiri kukura. Asi Jesu akavayeuchidza kuti kana vakava nekutenda kwakasimba, Jehovha aizovabatsira kukurira matambudziko akaita semakomo muupenyu hwavo. Uye Jehovha ndizvo zvaachakuitirawo!

Hama nehanzvadzi dziri pagungano dziri kuomberera vanhu vachangobva kubhabhatidzwa.

Ziva kuti Jehovha anokuda uye anoda kuti uve mumhuri yake (Ona ndima 19)c


20. Zvakaitika kuvaKristu vekutanga uye vemazuva ano zvataurwa munyaya ino zvakukurudzira sei?

20 Kana ukaona kuti pane zviri kukutadzisa kuti ubhabhatidzwe, usanonoka kutora matanho ekuti ugadzirise. Zvakaitika kuvaKristu vekutanga uye vemazuva ano ngazvikunyaradze uye ngazvikusimbise. Dai zvavakaita zvikakukurudzira uye zvikakubatsira kuti uzvitsaurire kuna Jehovha, wobhabhatidzwa. Ichi ndicho chisarudzo chakanakisisa chaungaita muupenyu hwako!

WADZIDZEI NEZVEKUKUNDA ZVINHU ZVINOGONA KUKUTADZISA KUBHABHATIDZWA KUBVA . . .

  • pavaSamariya?

  • kuna Sauro wekuTaso naKoniriyasi?

  • kuvaKorinde?

RWIYO 38 Achakusimbisa

a Nyaya yeupenyu yahama Tsuyoshi Fujii iri muMukai! yeChirungu yaAugust 8, 2005, mapeji 20-23.

b Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi ‘Nei Uri Kunonoka Kubhabhatidzwa?’

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama nehanzvadzi dziri kufara kugamuchira vaya vachangobva kubhabhatidzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe