RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp25 nha. 1 pp. 6-8
  • Vanhu Vanokwanisa Kupedza Hondo Uye Kurwisana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vanokwanisa Kupedza Hondo Uye Kurwisana Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUITA KUTI NYIKA DZIBUDIRIRE PANYAYA DZEUPFUMI
  • KUITA ZVIBVUMIRANO
  • KUDEREDZA UWANDU HWEZVOMBO
  • KUBATANA KWENYIKA KUTI DZISARWISWE
  • Zvibvumirano Zvichaunza Rugare Rwenyika Here?
    Mukai!—2004
  • Chii Chichaitika Kuhondo Mune Remangwana?
    Mukai!—1999
  • Rugare—Ruchauya Nokukanda Zvombo Pasi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Nei Vanhu Vari Kutadza Kuita Kuti Panyika Pave Nerugare?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
wp25 nha. 1 pp. 6-8

Vanhu Vanokwanisa Kupedza Hondo Uye Kurwisana Here?

Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu varwisane. Vamwe vanorwira nyaya dzezvematongerwo enyika, dzeupfumi kana dzekuti vanhu vabatwe zvakanaka. Vamwe vanorwira kuti vatore nyika uye upfumi hunenge huri munyika iyoyo. Hondo dzakawanda dzinokonzerwa nekunetsana kwemarudzi uye kwezvitendero. Zvii zviri kuitwa nevanhu kuti vamise hondo uye vaite kuti panyika pave nerunyararo? Vachabudirira here pane zvavari kuedza kuita?

Pikicha yakaita zvekubvarurwa yevanhu vari kuvaka vari panzvimbo iri kuvakwa vachikurukura nezvebasa ravari kuita.

Drazen_/E+ via Getty Images

KUITA KUTI NYIKA DZIBUDIRIRE PANYAYA DZEUPFUMI

Chinangwa chavo ndechei? Kuita kuti vanhu vave neupenyu hwakanaka. Izvi zvinogona kuita kuti pasave nemusiyano wekuti vamwe vapfumi uye vamwe varombo nekuti musiyano uyu unowanzokonzera kuti vanhu varwisane.

Nei zvakaoma? Hurumende dzinenge dzichitofanira kuchinja mashandisiro adzinoita mari. Muna 2022, zvinofungidzirwa kuti pakashandiswa mari inoda kusvika US$34,1 bhiriyoni pasi rese pakuedza kuita kuti nyika dzive nerunyararo. Asi mari iyoyo ishoma chaizvo kana tichienzanisa neyakashandiswa mune zvechiuto gore iroro.

“Tinoshandisa mari nezvinhu zvakawanda chaizvo pakubatsira vanhu vanenge vakanganiswa nehondo kupfuura yatinoshandisa pakuita kuti hondo dzisaitika uye pakuita kuti pave nerunyararo.”—António Guterres, secretary-general of the United Nations.

Zvinotaurwa neBhaibheri: Hurumende dziri panyika nemamwe masangano vanogona kubatsira varombo asi havakwanise kubvisa urombo zvachose.—Dheuteronomi 15:11; Mateu 26:11.

Pikicha yakaita zvekubvarurwa ine maoko maviri evanhu vakabatana chishanu.

KUITA ZVIBVUMIRANO

Chinangwa chavo ndechei? Kugadzirisa kusawirirana kuburikidza nekutaurirana uye kuita zvibvumirano zvinobatsira vese vanenge vachibatanidzwa.

Nei zvakaoma? Vamwe vanogona kuramba kutaurirana nevavanenge vachinetsana navo kana kuramba kuita zvibvumirano. Uye zvibvumirano zvekuti pave nerunyararo zvinogona kungoputswa nyore nyore.

“Kuita zvibvumirano hakuwanzobudiriri nguva dzese. Chibvumirano chekuti hondo ipere chinogona kusiyirira zvimwe zvinhu zvinokosha, zvoita kuti hondo yacho izotanga zvakare.”—Raymond F. Smith, American Diplomacy.

Zvinotaurwa neBhaibheri: Vanhu vanofanira ‘kutsvaga rugare.’ (Pisarema 34:14) Asi vanhu vakawanda mazuva ano havana ‘kuvimbika, havadi zvekubvumirana, uye vatengesi.’ (2 Timoti 3:​1-4) Izvi zviri kuita kuti vatungamiriri venyika vanenge vachida kugadzirisa zvinhu vasabudirira pakuita kuti pave nerunyararo.

Pikicha yakaita zvekubvarurwa yepfuti yakadimbuka-dimbuka.

KUDEREDZA UWANDU HWEZVOMBO

Chinangwa chavo ndechei? Kuderedza uwandu hwezvombo kana kuzvibvisa zvachose, kunyanya zvombo zvenyukiriya uye zvombo zvine muchetura.

Nei zvakaoma? Nyika hadziwanzoda kuderedza uwandu hwezvombo zvadzo nekuti dzinotyira kuzosara dzisisina simba kana kuzotadza kuzvidzivirira kana vakarwiswa. Kubvisa zvombo hakubvisi zvacho zviri kuita kuti vanhu varwisane.

“Hurumende dzakawanda idzo dzakavimbisa kuderedza zvombo pashure pegore ra1991, hadzina kuita zvadzakavimbisa, zvaisanganisira kutora matanho ekuderedza mikana yekuti nyika dzirwisane, ekuti nyika dzibatane pasi rese, uye aizobatsira kuti pasi rese pave nerunyararo.”—Bhuku rinonzi “Securing Our Common Future: An Agenda for Disarmament.”

Zvinotaurwa neBhaibheri: Vanhu vanofanira kusara vasisina zvombo ‘vopfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo.’ (Isaya 2:4) Izvi handizvo zvega zvinodiwa, nekuti kurwisana kunotangira pane zviri mumwoyo memunhu.—Mateu 15:19.

Pikicha yakaita zvekubvarurwa yevatungamiriri venyika vakagara patafura. Vese vari kusaina mapepa akanyorwa zvakafanana.

KUBATANA KWENYIKA KUTI DZISARWISWE

Chinangwa chavo ndechei? Nyika dzinoita chibvumirano chekuti dzibatane pakurwisa vavengi vadzo. Vanoita izvi vachifunga kuti muvengi haazovarwise achityira kuti anenge ava kurwa nenyika dzakawanda.

Nei zvakaoma? Kutyira kuti ungazorwiswa nenyika dzakawanda hakurevi kuti pachatova nerunyararo. Nyika hadziwanzoiti zvadzinenge dzavimbisa uye hapasi pese pavanobvumirana kuti voita sei kana vadenhwa nemuvengi.

“Kunyange zvavo masangano . . . eLeague of Nations neeUnited Nations akashanda nesimba kubatsira hurumende kuti dzive nemibatanidzwa iyi, izvozvo hazvisi kubatsira kuti pasava nehondo.”—Bhuku rinonzi “Encyclopedia Britannica.”

Zvinotaurwa neBhaibheri: Kakawanda zvinobatsira kana vanhu vakashanda pamwe chete vakabatana. (Muparidzi 4:12) Kunyange zvakadaro, hurumende nemasangano evanhu hazvikwanise kuita kuti vanhu vagare murunyararo nekusingaperi. “Musavimba nevanhu vanotungamirira, hapana munhu anogona kukuponesai. Pavanofa vanodzokera kuguruva; pazuva iroro zvese zvavanoronga zvinobva zvangopera.”—Pisarema 146:​3, 4, Today’s English Version.

Pasinei nezviri kuedza kuitwa nevanhu kuti panyika pave nerunyararo, hondo dzichiri kungorwiwa.

Panyika pari kuwedzera kuva nerunyararo here?

Pane vamwe vanhu vanoti panyika pava nerunyararo kupfuura zvazvaiva kare. Vanoti hondo dziri kurwiwa mazuva ano hadzichatori nguva yakareba uye hadzichaurayi vanhu vakawanda, uye kana tichienzanisa nehondo dzakarwiwa mazana emakore apfuura, masoja akawanda haachafiri muhondo. Asi vamwe havabvumirani nazvo uye vanofunga kuti nhamba yevanhu vaurayiwa muhondo handiyo yega inokosha asi kuti pane zvimwe zvakawanda zvinofanira kufungwa nezvazvo.

Pasinei nezvinotaurwa nevakawanda, zviri pachena kuti hondo uye kurwisana zvinokanganisa vanhu vakawanda mazuva ano uye zvinotokanganisa mumwe nemumwe wedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe