Mashoko Kuvaverengi
Muverengi Anodiwa
Magazini ino yeNharireyomurindi ine nyaya shanu dzichapindura mibvunzo inotevera:
Wekutanga, Jehovha akaita urongwa hupi kuti abatsire vana vake kurwisa chivi?
Wechipiri, akatibatsira sei kuziva chinonzi kupfidza kwechokwadi uye anobatsira sei vatadzi kupfidza zvivi zvavo?
Wechitatu, ungano yevaKorinde yakaudzwa kuti iite sei nemutadzi akanga asiri kupfidza zvivi zvake?
Wechina, vakuru muungano yechiKristu vanobatsira sei munhu anenge aita chivi chakakura?
Wechishanu, vakuru uye vamwe vese muungano vangaitei kuti varambe vachiratidza rudo uye tsitsi kumunhu anenge abviswa muungano?