NYAYA YEKUDZIDZA 46
Jehovha Anoita Kuti Tive Nechokwadi Nevimbiso Yake yeParadhiso
‘Wese anotsvaga kukomborerwa panyika achakomborerwa naMwari wechokwadi.’—ISA. 65:16.
RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi
ZVICHADZIDZWAa
1. Mashoko emuprofita Isaya kuvaIsraeri airevei?
MUPROFITA ISAYA akataura kuti Jehovha ‘ndiMwari wechokwadi.’ Shoko rakashandurwa kuti “chokwadi” rinoreva kuti “ameni.” (Isa. 65:16, mashoko emuzasi) “Ameni” zvinoreva kuti “ngazviitike,” kana kuti “chokwadi.” Shoko rekuti “ameni” parinoshandiswa muBhaibheri richitaura nezvaJehovha kana kuti Jesu, rinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvavachataura zvichaitika. Saka zvairehwa naIsaya paaitaura nevaIsraeri ndezvekuti: Zvese zvinotaurwa naJehovha zvinotoitika. Jehovha akaratidza izvozvo nekuzadzisa zvese zvaakavimbisa.
2. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti zvatakavimbiswa naMwari nezveremangwana zvichatoitika uye tichakurukura mibvunzo ipi?
2 Tinogonawo here kuva nechokwadi chekuti zvatakavimbiswa naJehovha nezveremangwana zvichazadzika? Anenge makore 800 kubva panguva yakararama Isaya, muapostora Pauro akatsanangura kuti nei zvinovimbiswa naMwari zvichitoitika. Pauro akati: ‘Hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’ (VaH. 6:18) Sezvo chitubu chisingakwanisi kubudisa mvura yakanaka pamwe chete nemvura ine munyu, Jehovha, Tsime rechokwadi, haakwanisi kutaura nhema. Saka tinogona kuvimba zvizere nezvese zvinotaurwa naJehovha, kusanganisira zvese zvaakativimbisa kuti zvichaitika mune remangwana. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo iyi inoti: Jehovha akavimbisa kutipei mune remangwana? Uye chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvaakavimbisa zvichazadzika?
JEHOVHA AKAVIMBISEI?
3. (a) Ivimbiso ipi yakakosha chaizvo kuvashumiri vaMwari? (Zvakazarurwa 21:3, 4) (b) Vamwe vanotii patinovaudza nezvevimbiso iyoyo?
3 Vimbiso yatichakurukura nezvayo yakakosha chaizvo kuvashumiri vaMwari pasi rese. (Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.) Jehovha anovimbisa nguva yapachange pasisina “rufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” Vakawanda vedu tinoverenga mavhesi aya kuti tinyaradze vanhu vatinoparidzira uye kuti tivaratidze zvichange zvakaita upenyu muParadhiso. Vamwe vanhu vanotii patinovaudza nezvevimbiso iyi? Vanogona kuti, “Zvinhu izvi zvakazonaka, asi handibvumi kuti zvichaitika.”
4. (a) Jehovha paakavimbisa Paradhiso chii chaaiziva kuti chaizoitika mazuva ano? (b) Ndezvipi zvimwe zvakaitwa naJehovha kuwedzera pavimbiso yaakaita?
4 Jehovha paakafemera muapostora Johani kuti anyore nezvevimbiso iyi yeupenyu muParadhiso, aiziva kuti taizoudza vamwe tariro iyi patinenge tichiparidza mashoko eUmambo. Jehovha aizivawo kuti vakawanda vaizoomerwa nekubvuma kuti zvinhu izvi zvichaitika mune remangwana. (Isa. 42:9; 60:2; 2 VaK. 4:3, 4) Saka tingabatsira sei vamwe kuti vave nechokwadi chekuti makomborero anotaurwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4 achauya, uye tingawedzera sei kuva nechokwadi chekuti vimbiso iyi ichazadzika? Jehovha akatipa zvikonzero zvakasimba zvekuti tive nechokwadi chekuti achazadzisa zvaakavimbisa. Zvikonzero zvipi zvaakatipa?
JEHOVHA ANOITA KUTI TIVE NECHOKWADI CHEKUTI VIMBISO YAKE ICHAZADZIKA
5. Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvekuti tive nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari yeParadhiso ichazadzika uye tinozviwana kupi?
5 Mumavhesi anozotevera tinowana zvikonzero zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso yaJehovha yeParadhiso ichazadzika. Tinoverenga kuti: “Uya akanga agere pachigaro cheumambo akati: ‘Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.’ Akatiwo: ‘Nyora, nekuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’ Uye akati kwandiri: ‘Zvaitika! Ndini Arufa naOmega, mavambo nemagumo.’”—Zvak. 21:5, 6a.
6. Nei mashoko ari pana Zvakazarurwa 21:5, 6 achiita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari ichazadzika?
6 Nei mashoko aya eBhaibheri achiita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari ichazadzika? Mumavhesi aya, zviri kuitwa naJehovha zvinogona kufananidzwa nekusaina gwaro rinoita kuti tive nechokwadi chekuti achatozadzisa vimbiso yake. Vimbiso yacho iri pana Zvakazarurwa 21:3, 4. Asi mumavhesi 5 ne6, tinozowana mashoko akaita sesiginicha yaJehovha, ayo anoita kuti tive nechokwadi nevimbiso yake. Ngatinyatsotarisai mashoko anoshandiswa naJehovha kuti atibatsire kuvimba naye.
7. Nei mashoko ekutanga ari muvhesi 5 achikosha?
7 Vhesi 5 inotanga ichiti: “Uya akanga agere pachigaro cheumambo akati.” (Zvak. 21:5a) Mashoko aya anotisuma kune imwe yenzvimbo nhatu dziri mubhuku raZvakazarurwa patinonzwa Jehovha pachake achitaura. Saka mashoko aya akataurwa naJehovha pachake kwete nengirozi ine simba kana kuti naJesu ainge amutswa. Izvi zvinoratidza kuti tinogona kunyatsovimba nemashoko anotevera aanozotaura. Nei zvakadaro? Nekuti Jehovha ‘haagoni kureva nhema.’ (Tito 1:2) Saka mashoko atinoverenga pana Zvakazarurwa 21:5, 6 achatoitika.
“INZWA! NDIRI KUITA KUTI ZVINHU ZVESE ZVIVE ZVITSVA”
8. Zvii zvinotaurwa naJehovha achiratidza kuti vimbiso yake ichatozadzika? (Isaya 46:10)
8 Jehovha anobva ati: “Inzwa!” (Zvak. 21:5) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “inzwa!” rinoshandiswa kakawanda mubhuku raZvakazarurwa. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinotaura kuti shoko iri rinoshandiswa “senzira yekuudza muverengi kuti anyatsoteerera mashoko ava kuda kutaurwa.” Mwari anobva ataura kutii? Anoti: “Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” Ichokwadi kuti Jehovha ari kutaura nezvekuchinja kuchaitika mune remangwana, asi sezvo aine chokwadi chekuti achatozadzisa vimbiso yake, anotaura nezvayo sekunge kuti iri kutozadzika.—Verenga Isaya 46:10.
9. (a) Mashoko ekuti “kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva” anoreva zvinhu zvipi zviviri zvinoitwa naJehovha? (b) Denga nenyika zviripo zvichaitwa sei?
9 Ngationgororei mashoko anotevera ari pana Zvakazarurwa 21:5 ekuti: “Kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” Izvozvo zvinorevei? Muchitsauko chino cheBhaibheri, mashoko aya anoreva zvinhu zviviri zvinoitwa naJehovha. Chekutanga, Jehovha achaparadza nyika ino. Chechipiri, achaunza nyika itsva. Pana Zvakazarurwa 21:1, tinoverenga kuti: “Denga rekare nenyika yekare zvakanga zvisisipo.” “Denga rekare” rinoreva hurumende dzevanhu dziri pasi paSatani nemadhimoni ake. (Mat. 4:8, 9; 1 Joh. 5:19) Sekushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, shoko rekuti “nyika” rinogona kureva vanhu vanogara panyika. (Gen. 11:1; Pis. 96:1) Saka “nyika yekare” inoreva vanhu vakaipa. Jehovha haasi kuzongogadzirisa “denga” uye “nyika” zviripo, asi achazviparadza zvachose. Achazvitsiva ‘nedenga idzva nenyika itsva’ uye izvozvo zvinoreva kuti hurumende itsva ichatonga vanhu vakarurama.
10. Ndezvipi zvinhu zvichaitwa kuti zvive zvitsva?
10 Pana Zvakazarurwa 21:5, tinobva taverenga nezvezvinhu zvinotaurwa naJehovha kuti achaita kuti zvive zvitsva. Cherechedza kuti Jehovha haana kuti: “Ndiri kuita zvinhu zvitsva.” Asi akati: “Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” Jehovha achaita kuti nyika nevanhu zvive zvitsva kuburikidza nekuita kuti zvive zvakakwana. Sezvakataurwa naIsaya, nyika yese ichaitwa nzvimbo yakanaka seEdheni. Jehovha achatiitawo vatsva kuburikidza nekurapa mumwe nemumwe wedu zvachose. Vakaremara, vasingaoni nematsi vacharapwa uye kunyange vakafa vachamutswa.—Isa. 25:8; 35:1-7.
“MASHOKO AYA AKATENDEKA UYE NDEECHOKWADI. . . . ZVAITIKA!”
11. Jehovha akarayira Johani kuti aitei uye nei akamuudza kudaro?
11 Ndezvipi zvimwe zvakataurwa naMwari kuti tive nechokwadi chekuti tinogona kuvimba naye? Jehovha akaudza Johani kuti: “Nyora, nekuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” (Zvak. 21:5) Jehovha haana kungogumira pakurayira kuti “nyora.” Akataurawo chikonzero chacho. Akati: “Nekuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi,” kureva kuti mashoko aMwari anogona kuvimbwa nawo. Tinoonga kuti Johani akateerera murayiro wekuti “nyora.” Saka tinogona kuverenga nezvevimbiso yaMwari yeParadhiso uye kufungisisa nezvemakomborero akazonaka atichawana.
12. Nei Jehovha akataura kuti: “Zvaitika!”?
12 Mwari anozotii? Anoti: “Zvaitika!” (Zvak. 21:6) Iye zvino Jehovha ari kutaura sekunge kuti zvinhu zvese zvataurwa nezvevimbiso yeParadhiso zvatoitika. Uye ane kodzero yekutaura saizvozvo nekuti hapana chinomutadzisa kuzadzisa chinangwa chake. Jehovha anobva ataura chimwe chinhu chinoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso yake ichatozadzika. Chii ichocho?
“NDINI ARUFA NAOMEGA”
13. Nei Jehovha akataura kuti: “Ndini Arufa naOmega”?
13 Sezvambotaurwa, Jehovha pachake akataura katatu muzviratidzo zvakaonekwa naJohani. (Zvak. 1:8; 21:5, 6; 22:13) Pane imwe neimwe yenguva idzi, Jehovha anotaura mashoko akafanana ekuti: “Ndini Arufa naOmega.” Arufa ibhii rekutanga paarufabheti yechiGiriki, uye omega ndiro rekupedzisira. Nekutaura kuti ndiye “Arufa naOmega,” Jehovha anotibatsira kunzwisisa kuti kana akatanga chimwe chinhu, anochipedzisa.
Jehovha paanotanga chimwe chinhu, anochiita kusvikira chapera (Ona ndima 14, 17)
14. (a) Taura muenzaniso wenguva iyo Jehovha akaita seataura kuti “Arufa” uye paachaita seanotaura kuti “Omega.” (b) Mashoko ari pana Genesisi 2:1-3 anoita kuti tive nechokwadi chei?
14 Pashure pekusika Adhamu naEvha, Jehovha akataura nezvechinangwa chake chaakasikira vanhu nenyika. Bhaibheri rinoti: “Mwari akavakomborera, akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge.’” (Gen. 1:28) Paakatanga kutaura nezvechinangwa chake, zvaiita sekuti Jehovha akati “Arufa.” Nguva ichasvika yekuti vana vaAdhamu naEvha vanoteerera uye vasina chivi vazadze nyika voichinja kuti ive paradhiso. Panguva iyoyo, zvichaita sekuti Jehovha achati “Omega.” Paakapedza kusika “denga nenyika nezvimwe zvese zviri mazviri,” Jehovha akataura chimwe chinhu chinoratidza kuti chinangwa chake chichatozadzika. Chinowanika pana Genesisi 2:1-3. (Verenga.) Jehovha akaita kuti zuva rechinomwe rive dzvene kwaari. Izvozvo zvinorevei? Chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu nenyika, chichazadzika pakuguma kwezuva iroro rechinomwe.
15. Nei zvingangodaro zvakaita sekuti Satani akanga atadzisa chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu kuti chizadzike?
15 Pashure pekunge Adhamu naEvha vapanduka, vakava vatadzi uye vakaita kuti vana vavo vave nechivi uye vafe. (VaR. 5:12) Saka zvingangodaro zvakaita sekuti Satani akanga atadzisa chinangwa chaMwari chekuzadza nyika nevanhu vanoteerera uye vasina chivi. Zvairatidzika sekuti Satani ainge aita kuti Jehovha asazombokwanisa kuti “Omega.” Satani angangodaro akafunga kuti Jehovha aisakwanisa kuzadzisa vimbiso yake. Anogona kunge akafunga kuti Mwari aizouraya Adhamu naEvha osika mumwe murume nemudzimai vasina chivi kuti vazadzise chinangwa chake chaakasikira vanhu. Asi dai Mwari akaita izvozvo, Dhiyabhorosi aizomupomera kuti murevi wenhema. Nei aizodaro? Nekuti sezvakanyorwa pana Genesisi 1:28, mashoko akataurwa naJehovha kuna Adhamu naEvha anoratidza kuti vana vavo vaizozadza nyika.
16. Nei Satani angangodaro akafunga kuti aigona kupomera Jehovha kuti akanga atadza kuzadzisa chinangwa chake?
16 Satani angangodaro akafunga kuti Mwari aizosarudza kuitei? Zvichida Satani angangodaro akafunga kuti Jehovha aizobvumira Adhamu naEvha kuti vave nevana asi vana vacho vongoramba vaine chivi. (Mup. 7:20; VaR. 3:23) Izvozvo zvaizoita kuti Satani ataure kuti Jehovha akanga atadza kuzadzisa chinangwa chake chekuita kuti nyika izare nevana vaAdhamu naEvha vasina chivi.
17. Jehovha akagadzirisa sei kupanduka kwakaita Satani nevanhu vekutanga uye izvozvo zvichaguma nei? (Onawo mufananidzo.)
17 Satani aisambokwanisa kufungidzira zvaizoitwa naJehovha. Jehovha aiva nenzira yakanaka chaizvo yekuzadzisa chinangwa chake kunyange zvazvo Satani uye Adhamu naEvha vakanga vapanduka. (Pis. 92:5) Jehovha akabvumira Adhamu naEvha kuti vave nevana, uye nekuita izvi, mashoko aJehovha akava echokwadi. Haasi murevi wenhema. Uye Jehovha akaratidza kuti kana akataura kuti ari kuda kuita chimwe chinhu, hapana chinogona kumutadzisa kuchiita. Akava nechokwadi chekuti chinangwa chake chaizozadzika kuburikidza “nemwana” aizoponesa vana vaAdhamu naEvha vanoteerera. (Gen. 3:15; 22:18) Mwana iyeye aizopa upenyu hwake serudzikinuro kuti aponese vanhu. Satani haana kumbobvira atarisira kuti zvinhu zvaizogadziriswa saizvozvo. Nei zvakadaro? Nekuti urongwa hwerudzikinuro hunobva parudo rusingazvifungi. (Mat. 20:28; Joh. 3:16) Satani haana unhu ihwohwo. Anongofunga zvakamunakira. Saka chii chichaitika zvichibva paurongwa hwerudzikinuro? Pakupera kweMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu, vana vaAdhamu naEvha vanoteerera uye vasina chivi vachagara munyika inenge iri paradhiso, zvichizadzisa chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu. Panguva iyoyo, zvichaita sekuti Jehovha achati, “Omega.”
ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUVA NECHOKWADI CHEKUTI VIMBISO YAJEHOVHA YEPARADHISO ICHAZADZIKA
18. Zvinhu zvipi zvitatu zvatinopiwa naJehovha zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti achazadzisa vimbiso yake? (Onawo bhokisi rakanzi: “Zvikonzero Zvitatu Zvinoita Kuti Tive Nechokwadi Nevimbiso yaJehovha.”)
18 Tichifunga zvatakurukura, chii chatingaudza vamwe kuti vave nechokwadi chekuti vimbiso yaMwari yeParadhiso ichazadzika? Chekutanga, Jehovha pachake ndiye anopa vimbiso yacho. Bhuku raZvakazarurwa rinoti: “Uya akanga agere pachigaro cheumambo akati: ‘Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.’” Ane uchenjeri, simba uye chido chekuzadzisa vimbiso yake. Chechipiri, Jehovha ane chokwadi chekuti achazadzisa vimbiso yake zvekuti anotoona seyakatozadzika. Ndosaka akati: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. . . . Zvaitika!” Chechitatu, Jehovha paanotanga kuita chimwe chinhu anochiita kusvikira chapera, sezvinoratidzwa nemashoko ekuti: “Ndini Arufa naOmega.” Jehovha acharatidza kuti Satani murevi wenhema uye kuti haatadzisi Jehovha kuzadzisa chinangwa chake.
19. Kana vamwe vanhu vasina chokwadi nevimbiso yaMwari yeParadhiso chii chaungaita?
19 Yeuka kuti paunoudza vamwe zvinotaurwa naJehovha kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso dzake dzichazadzika, unenge uchitowedzera kuvimba kwaunoita naye. Saka pauchazoverenga vimbiso inokurudzira yeParadhiso sezvinotsanangurwa pana Zvakazarurwa 21:4, mumwe munhu obva ati, “Izvi zvakanaka asi handifungi kuti zvingaitika,” ungaitei? Unogona kuverenga wotsanangura mavhesi 5 ne6. Ratidza kuti Jehovha akaita sei kuti tive nechokwadi nevimbiso yake achiita sekunge kuti akatoisaina nesiginicha yake pachake.—Isa. 65:16.
RWIYO 145 Vimbiso yaMwari yeParadhiso
a Nyaya ino ichataura mashoko anoita kuti tive nechokwadi chekuti vimbiso yaJehovha yeParadhiso ichazadzika. Pese patinoudza vanhu nezvemashoko aya, tinowedzera kuva nechokwadi nevimbiso dzaJehovha.