RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 September p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Hurumende
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Murangariro wechiKristu Wechiremera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Vanofara Vaya Vanoramba Vakaperera Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 September p. 31
Mufananidzo waJehovha akagara pachigaro cheUmambo cheemeradhi akakomberedzwa nengirozi dzakawanda. Chigaro chacho chakatenderedzwa nechiedza chakajeka chaizvo.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muparidzi 5:8 inongotaura nezvevatongi vepanyika here, kana kuti inotaurawo nezvaJehovha?

Vhesi yacho inoti: “Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa, pachitongwa zvisina kururama uye kururama kusiri kutevedzerwa mudunhu rako, usashamiswa nazvo. Nekuti gurukota iroro riri kuonekwa neuya ari pamusoro paro, uye kune vamwe vatori pamusoro pavo.”—Mup. 5:8.

Uchitarisa mashoko ari muvhesi iyi, zvinoita sekuti pari kungotaurwa chete nezvevanhu vane zvinzvimbo muhurumende. Asi kana tikaongorora mashoko aya, tinodzidza chimwe chinhu nezvaJehovha chinotinyaradza uye chinotisimbisa.

Muparidzi 5:8 inotaura nezvemutongi anodzvinyirira varombo uye asingatongi nyaya dzavo zvakanaka. Mutongi uyu anofanira kuyeuka kuti panogona kunge patori nemumwe ane chinzvimbo kudarika chake ari kuona zviri kuitika. Uye panogona kungewo paine vamwe vakatowanda vane zvinzvimbo zvepamusoro. Asi zvinorwadza ndezvekuti vese vanogona kunge vaine uori, zvoita kuti vanhu vari pasi pavo varambe vachingotambura.

Kunyange zvazvo zvingaita sekuti hapana tariro, tinonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha ari kuona zvese zviri kuitwa nevanhu ava vane zvinzvimbo zvepamusoro muhurumende. Tinogona kukumbira Mwari kuti atibatsire uye tomuudza zvese zviri kutidya mwoyo. (Pis. 55:22; VaF. 4:6, 7) Tinoziva kuti “maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwaari.”—2 Mak. 16:9.

Saka Muparidzi 5:8 inoratidza kuti kana munhu aine chinzvimbo, panenge patori nemumwe ane simba kumupfuura. Chikuru chatinodzidza muvhesi iyi ndechekuti hakuna ane simba kupfuura Jehovha. Iye zvino ari kutotonga achishandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu, Mambo weUmambo hwake. Mwari Wemasimbaose, ari kuona zvese zviri kuitika uye anotonga zvakarurama uye ndizvo zvinoitawo Mwanakomana wake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe