RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 July p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Muchava “Umambo hweVapristi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Jehovha Akati Kwaizova Nesungano Itsva
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Sungano Itsva yaMwari Yosvika Zadziko Yayo
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 July p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu akava Mupristi Mukuru riini, uye pane musiyano here pakati penguva yakasimbiswa sungano itsva nepayakatanga kushanda?

Pane uchapupu hunoratidza kuti Jesu akava Mupristi Mukuru paakabhabhatidzwa muna 29 C.E. Izvi tinozviziva sei? Jesu paakabhabhatidzwa, akaratidza kuti aida kubayira upenyu hwake paatari yekufananidzira iyo yaimiririra “kuda” kwaMwari. (VaG. 1:4; VaH. 10:5-10) Sezvo atari iyi yekufananidzira yakatanga kuvapo pakabhabhatidzwa Jesu, temberi huru yemweya inofanira kunge yakatangawo kuvapo panguva iyoyo. Temberi huru yemweya iyi inomiririra urongwa hwekunamatwa kwaJehovha kwakachena uko kunovapo kuburikidza nerudzikinuro. Atari chikamu chinokosha patemberi iyoyo yemweya.—Mat. 3:16, 17; VaH. 5:4-6.

Temberi huru yemweya yaifanira kuva nemupristi mukuru anoshanda imomo. Ndosaka Jehovha akazodza Jesu “nemweya mutsvene nesimba” kuti ave mupristi mukuru. (Mab. 10:37, 38; Mako 1:9-11) Asi tingava sei nechokwadi chekuti Jesu akagadzwa kuti ave Mupristi Mukuru asati afa? Kufunga nezvemuenzaniso waAroni uye vapristi vakuru vakazouya pashure pake kuchatibatsira kupindura mubvunzo uyu.

Mutemo waiti mupristi mukuru ndiye chete aikwanisa kupinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri, uye pakazovakwa temberi, ndiye chete aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene yayo. Keteni ndiro raiparadzanisa Nzvimbo Tsvenetsvene neNzvimbo Tsvene. Mupristi mukuru aipfuura keteni iroro kamwe chete paZuva Rekuyananisira. (VaH. 9:1-3, 6, 7) Aroni uye vamwe vapristi vakazouya pashure pake, vakazodzwa sevapristi vakuru vasati vapinda “nepaketeni” vachienda muNzvimbo Tsvenetsvene. Saka Jesu anofanirawo kunge akagadzwa seMupristi Mukuru wetemberi huru yemweya yaJehovha asati afa, ndokuzopfuura “nepaketeni, iro rinoreva nyama yake,” achienda kudenga. (VaH. 10:20) Izvi ndizvo zvakaita kuti muapostora Pauro ataure nezvaJesu kuti akauya “semupristi mukuru,” “akapfuura nemutende guru uye rakanyatsokwana risina kugadzirwa nemaoko,” achienda “kudenga chaiko.”—VaH. 9:11, 24.

Hapana musiyano uripo pakati penguva yakasimbiswa sungano itsva nepayakatanga kushanda. Nei tichidaro? Jesu paakaenda kudenga, akatora matanho maviri pamatatu aizoita kuti sungano itsva isimbiswe uye itange kushanda. Matanho acho ndeapi?

Danho rekutanga, Jesu akamira pamberi paJehovha; rechipiri, akapa Jehovha chibayiro cheupenyu hwake; uye rechitatu, Jehovha akagamuchira upenyu hwaJesu hwaakapa achiitira isu. Sungano itsva yakazotanga kushanda pashure pekunge matanho aya atorwa.

Bhaibheri haritiudzi nguva chaiyo yakagamuchira Jehovha chibayiro chaJesu. Saka hatikwanisi kutaura nguva chaiyo yakasimbiswa sungano itsva uyewo payakatanga kushanda. Asi chatinoziva ndechekuti Jesu akaenda kudenga pasara mazuva 10 kuti Pendekosti isvike. (Mab. 1:3) Pane imwe nguva mumazuva 10 iwayo, ndipo paakamira pamberi paJehovha, akapa chibayiro cheupenyu hwake uye Jehovha akagamuchira chibayiro chake. (VaH. 9:12) Uchapupu hwacho hunonyatsooneka nezvakaitika paPendekosti. (Mab. 2:1-4, 32, 33) Sungano itsva yakanga yavapo uye yava kushanda.

Muchidimbu, sungano itsva yakasimbiswa uye yakatanga kushanda pashure pekunge Jehovha agamuchira upenyu hwaJesu hwaakapa achiitira isu. Kubva ipapo, Mupristi Mukuru Jesu, akabva ava Murevereri wayo.—VaH. 7:25; 8:1-3, 6; 9:13-15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe