RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb26 May pp. 2-3
  • May 4-10

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • May 4-10
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2026
mwb26 May pp. 2-3

MAY 4-10

ISAYA 58-59

Rwiyo 21 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Zvaungaita Kuti Ukomborerwe naJehovha

(10 min.)

Iva munhu ane rupo uye gamuchira vaenzi (Isa 58:​7-9)

Ita kuti zvinhu zvekunamata zvive pekutanga muupenyu hwako (Isa 58:​13, 14; w06 6/15 22 ¶9)

Iva nechivimbo chekuti Jehovha achakuchengeta (Isa 59:1; w13 1/15 13 ¶5-6)


ZVIBVUNZE KUTI, ‘Chii chakaita kuti vaIsraeri vasakomborerwa naJehovha uye ndinodzidzei pane zvavakaita?’ (Isa 58:​1-5; ip-2 279-280 6, 8)

Amai nevanasikana vavo vaviri vakagara pasi muimba yavo isina zvakawanda vachifara pavari kuverenga bhuku rinonzi “Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.”

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Isa 59:11—Isaya airevei paakati vaIsraeri ‘vanoramba vachidzvova semhuka dzinonzi mabheya’? (it “Bheya” ¶6-mwbr)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Isa 59:​1-12 (th chidzidzo 10)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa turakiti kuti utange kukurukura nemunhu. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 5)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Shandisa imwe yenyaya dziri mumashoko ekuwedzera A ebhurocha raIva Nerudo Nevanhu. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)

6. Hurukuro

(5 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 16—Musoro: Tinofanira Kugara Tichinyengetera. (th chidzidzo 8)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 100

7. “Garai Muchigamuchira Vaenzi Zvakanaka”

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Pauro akakurudzira vaKristu kuti ‘vagare vachigamuchira vaenzi zvakanaka uye vapewo vamwe zvavainazvo.’ (VaR 12:13; ona study note muBhaibheri reChirungu rekudzidza kana kuti w09 10/15 6 ¶13) Vaya vanogamuchira vaenzi zvakanaka vanowana makomborero akawanda.—Zvi 11:25.

Mufananidzo wakabva muvhidhiyo inonzi “Iva Shamwari yaJehovha​—⁠Gamuchiranai.” Kuda nevamwe vemumhuri make vakoka imwe mhuri kumba kwavo yavakaonana nayo paImba yeUmambo.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Iva Shamwari yaJehovha—Gamuchiranai. Kana yapera, bvunzai vateereri kuti:

  • Zvii zvawadzidza muvhidhiyo iyi panyaya yekugamuchira vamwe?

  • Ndezvipi zvakanaka zvawakaona pakugamuchira vamwe?

Hapana anopfuura Jehovha pakuva nerupo. (Mab 14:17) Verengai Dheuteronomi 10:​17, 18, mobvunza vateereri kuti:

  • Wadzidzei kuna Jehovha panyaya yekuva nerupo?

  • Zvakanakirei kupawo vaya vasiri shamwari dzedu dzepedyo uye kuvakoka kumba kwedu?

  • Ndivanaani vamwe vanotaurwa muBhaibheri vaiva nerupo? Zvii zvaunodzidza kwavari?

  • Funga nezvemunhu waunoda kupa kana kuitira chimwe chinhu wobva wanyora pasi apa zvacho zvaunoda kuzomuitira:

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) lfb chidzidzo 82 ne83

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 42 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe