RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb24 March pp. 10-11
  • April 8-14

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • April 8-14
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2024
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2024
mwb24 March pp. 10-11

APRIL 8-14

PISAREMA 26-28

Rwiyo 34 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Mambo Dhavhidhi achinyengetera nemwoyo wese.

1. Zvakaitwa naDhavhidhi Kuti Arambe Akatendeka Kuna Jehovha

(10 min.)

Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuti amunatse (Pis 26:​1, 2; w04 12/1 14 ¶8-9)

Dhavhidhi aisashamwaridzana nevanhu vakaipa (Pis 26:​4, 5; w04 12/1 15 ¶12-13)

Dhavhidhi aida kunamata Jehovha (Pis 26:8; w04 12/1 16 ¶17-18)


Kunyange zvazvo Dhavhidhi aimbokanganisawo, akafamba “nemwoyo wakaperera.” (1Mad 9:4) Dhavhidhi aida Jehovha uye aimushumira nemwoyo wake wese zvekuti munhu wese aiona kuti akanga akatendeka.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 27:10—Vhesi iyi ingatinyaradza sei patinonzwa sekuti vanhu vepedyo vatisiya? (w06 7/15 28 ¶15)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Pis 27:​1-14 (th chidzidzo 2)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(2 min.) PAIMBA NEIMBA. Shandisa rimwe turakiti riri muBhokisi Rematurusi Ekudzidzisa. (th chidzidzo 3)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Kurukurai mubvunzo uri kuseri kweturakiti rawakasiya pamakatanga kuonana. Ratidza munhu wacho jw.org, uye zvimwe zvinowanikwa ipapo. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)

6. Hurukuro

(5 min.) lmd mamwe mashoko A pfungwa 3—Musoro: Zvinhu Zvese Zvakakanganisika Pasi Rino Zvichagadziriswa. (th chidzidzo 13)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 128

7. Vechidiki Vari Kuramba Vaine Tsika Dzakachena

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Mukomana ari kufunga nezverugwaro rwaabva kuverenga. Padivi pake pane tablet iri kuratidza pikicha yemuvhidhiyo inonzi “Kuyaruka Kwangu​—⁠Ndingaita Sei Kana Ndikamanikidzwa Kurara Nemunhu Wandisina Kuroorana Naye?” Pikicha yacho iri kuratidza Josefa achitiza mudzimai waPotifari.

Vechidiki vanonamata Jehovha vanofanira kushanda nesimba kuti vasaita upombwe. Vanofanira kurwisana nenyama yavo ine chivi uye chido chakasimba chekurara nemumwe munhu kuti varambe vakachena pavanenge vachiri kuyaruka. (VaR 7:21; 1VaK 7:36) Vanofanirawo kushinga kuti vasafurirwa nevamwe kuita upombwe, kusanganisira ungochani. (VaE 2:2) Tinodada nevechidiki vari kuramba vachiteerera Jehovha.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kuyaruka Kwangu—Ndingaita Sei Kana Ndikamanikidzwa Kurara Nemunhu Wandisina Kuroorana Naye? mobvunza vateereri kuti:

  • Cory naKamryn vaimanikidzwa kuitei?

  • Chii chakavabatsira kuti varambe vakaperera kuna Jehovha?

  • Mazano api emuBhaibheri angakubatsira kana uri kusangana nemiedzo yakadai?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) bt chits. 8 ¶5-12

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 38 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe