RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 September p. 15
  • Vabereki Batsirai Vana Venyu Kuti Vashandise Zvavanodzidziswa naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki Batsirai Vana Venyu Kuti Vashandise Zvavanodzidziswa naJehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisai Mazano eBhaibheri Kubatsira Vana Venyu Kuti Vabudirire
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Usanonokera Kubatsira Vanhu Vanoda Kuziva Chokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Nyatsoteerera Pamisangano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 September p. 15
Hanzvadzi iri kubatsira vana vayo kuti vapindure uye vateerere pamisangano.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vabereki Batsirai Vana Venyu Kuti Vashandise Zvavanodzidziswa naJehovha

Nzira yakanakisisa iyo vabereki vangabatsira vana vavo kuti vashandise zvavanodzidziswa naJehovha ndeyekuita kuti vanyatsobatsirwa nemisangano yechiKristu. Zvavanoona, zvavanonzwa uye zvavanotaura pavanopindura pamisangano zvinogona kuvabatsira kuti vadzidze nezvaJehovha uye vave neushamwari hwepedyo naye. (Dhe 31:12, 13) Kana muri mubereki, zvii zvamungaita kuti mubatsire mwana wenyu kuti anyatsobatsirwa nemisangano?

  • Itai zvese zvamunogona kuti mupinde misangano paImba yeUmambo.—Pis 22:22

  • Ivai nenguva yekutaura nevamwe paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye painenge yapera.—VaH 10:25

  • Ivai nechokwadi chekuti munhu wese mumhuri menyu ane mabhuku ari kushandiswa pamisangano, angava akaprindwa kana kuti epafoni

  • Batsirai vana venyu kuti vagadzirire mhinduro yekuzopindura vachitaura nemashoko avo kwete kuita zvekuverenga.—Mt 21:15, 16

  • Taurai zvinhu zvakanaka nezvemisangano uye zvatinodzidziswa ikoko

  • Itai kuti vana venyu vaitewo mabasa akadai sekuchenesa Imba yeUmambo uye kutaura nevanhu vechikuru vari muungano

Kubatsira vana venyu kuti vaswedere pedyo naJehovha ibasa rakakura uye dzimwe nguva munogona kunge makaneta. Asi ivai nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsirai.—Isa 40:29.

ONAI VHIDHIYO INONZI VABEREKI, VIMBAI NAJEHOVHA UYE NESIMBA RAKE, MOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvii zvakanga zvava kuitika kuna Zack naLeah nemhaka yekugara vakaneta?

  • Nemhaka yei vabereki vachifanira kutsvaga rubatsiro kuna Jehovha kuti avasimbise?

  • Zvii zvakaitwa naZack naLeah kuratidza kuti vakavimba naJehovha kuti avabatsire?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe