RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 September p. 11
  • Jehovha Anoponesa Vaya Vakasuruvara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anoponesa Vaya Vakasuruvara
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Ndingaitei Kuti Ndirege Kunyanya Kusuruvara?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Jehovha “Anoporesa Vakaora Mwoyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 September p. 11

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoponesa Vaya Vakasuruvara

Munhu wese ane paanombosuruvara. Kusuruvara hakurevi kuti kutenda kwako kwaderera. Kunyange Jehovha pachake anombosuruvarawo. (Ge 6:5, 6) Asi ko kana tikazonyanya kusuruvara kana kuti tichigara takangosuruvara?

Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Jehovha anonyatsoziva mafungiro uye manzwiro edu. Anoziva patinenge tichifara uye patinenge takasuruvara. Anonzwisisa kuti chii chinoita kuti tifunge zvatinenge tichifunga kana kuti tinzwe zvatinenge tichinzwa. (Pis 7:9b) Chinotonyanya kukosha ndechekuti ane hanya nesu uye anogona kutibatsira kuti tisanyanya kusuruvara. Anogona kutibatsirawo kunyange tiine chirwere chedepression.—Pis 34:18.

Chengetedza pfungwa dzako. Kuora mwoyo kunoita kuti tisafara uye kunogonawo kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Saka tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tichengetedze mwoyo wedu, kureva zvese zvatiri nechemukati.—Zvi 4:23.

ONA VHIDHIYO INONZI HAMA DZEDU DZINE RUGARE PASINEI NECHIRWERE CHEDEPRESSION, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvii zvakaitwa naHanzvadzi Nikki kuti vatsungirire dambudziko rechirwere chedepression?

  • Nemhaka yei vakaona kuti vaifanira kuenda kwachiremba?—Mt 9:12

  • Zvii zvavakaita zvinoratidza kuti vaivimba naJehovha kuti avabatsire?

“Nharireyomurindi” Nhamba 1 2023, yakanzi “Kubatsirwa neBhaibheri Pazvirwere Zvepfungwa.”

Pane munhu waunoziva here anogona kubatsirwa nemagazini yeNharireyomurindi Nhamba 1 2023?

Zvii zvatingaita zvinotibatsira kuti tigare tichifara?

(Maka zvinhu zvaunoda kuvandudza.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe