RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 September p. 16
  • Shandisa Peji Yekutanga yeJW.ORG Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Peji Yekutanga yeJW.ORG Muushumiri
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Pakushandisa jw.org
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Wakambozvibvunzawo Here Mibvunzo Iyi?
    Mukai!—2019
  • Zvaungaita Pakudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Madzidzisiro Aya Matsva!”
    Mukai!—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 September p. 16
Mapikicha enyaya dziri papeji yekutanga yejw.org mumitauro yakasiyana-siyana.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shandisa Peji Yekutanga yeJW.ORG Muushumiri

Peji yekutanga yewebsite yedu ine nyaya nemavhidhiyo zvakagadzirwa kuti zvibatsire vanhu vasiri Zvapupu vanoda chokwadi. (Mab 13:48) Kakawanda kacho panowanzoiswa nyaya dziri kubuda munhau kana kuti dziri kunyanya kutaurwa nevanhu.

Ungashandisa sei peji yekutanga yejw.org paunenge uchiparidzira?

  • Gara uchitarisa nyaya dziri kubudiswa pawebsite yacho. Tarisa kuti inyaya dzipi dziri pachikamu chakanzi “Zviri Mudariro” wofunga kuti ungadzishandisa sei kubatsira mumwe munhu anofarira. (Kana uchida kuona dzimwe nyaya dzichangobva kubudiswa papeji yekutanga baya pakanzi “Ona Zvimwe.”) Kugara uchiziva nyaya dziri kubuda pawebsite kuchakubatsira kuti ugare uine zvinhu zvitsva zvekushandisa muushumiri.

  • Shandisa nyaya kana kuti mavhidhiyo ari papeji yekutanga kuti utange kutaura nemumwe munhu. Zvinhu izvi zvinotibatsira kuti tizive zvinhu zvingangodaro zviri kufungwa nevanhu mundima.

  • Ratidza vanhu peji yekutanga yepajw.org. Muratidze dzimwe nyaya dziripo uye kuti anowana sei zvinhu zvaanenge achida pawebsite yacho.

  • Tumira link. Vamwe havadi kutaura nesu asi vanoda kuenda pawebsite yedu. Saka usazeza kutumira vanhu vanenge vafarira link yepeji yekutanga yepajw.org kana kuti yeimwe nyaya kana kuti vhidhiyo iri kuratidzwa ipapo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe