February 20-26
1 MAKORONIKE 17-19
Rwiyo 110 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Ramba Uchifara Kunyange Paunotadza Kuita Zvaunenge Uchida”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
1Mak 17:16-18—Kufanana naDhavhidhi, isu tinogona kuva nechokwadi chei? (w20.02 12, bhokisi)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) 1Mak 18:1-17 (th chidzidzo 2)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Zvapupu zvaJehovha—Tiri Vanhu Vakaita Sei? mokurukura zvirimo (asi usamuratidza vhidhiyo yacho). (th chidzidzo 17)
Paunodzokera: (4 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Ipa saimba chimwe chezviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. (th chidzidzo 3)
Chidzidzo cheBhaibheri: (5 min.) lff chidzidzo 09 pfungwa 4 (th chidzidzo 9)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Mushumo Webasa Wepagore: (15 min.) Kukurukura nevateereri. Kana mapedza kuverenga tsamba inobva kuhofisi yebazi yemushumo wegore rebasa ra2022, itai kuti ungano itaure zvimwe zvinokurudzira zviri paMushumo Wegore Rebasa ra2022 weZvapupu zvaJehovha Pasi Rese. Ibvai mazoita kuti vaparidzi vamakatosarudza nechekare vataure zvinhu zvinokurudzira zvavakasangana nazvo muushumiri mugore rebasa rakapfuura.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) lff chidzidzo 38 pfungwa 1-4
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 141 Nemunyengetero