RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 January p. 16
  • Ronga Zvaunoda Kuzoita Mumwaka weChirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ronga Zvaunoda Kuzoita Mumwaka weChirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Ita Kuti Ufare Mumwaka Uno weChirangaridzo!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mwaka weChirangaridzo—Mukana Webasa Rakawedzerwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 January p. 16

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ronga Zvaunoda Kuzoita Mumwaka weChirangaridzo

Vanhu vaJehovha vanotarisira kupinda Chirangaridzo gore rega. Mumwaka weChirangaridzo tinokwanisa kurumbidza uye kuonga Jehovha nechipo cherudzikinuro chaakatipa nekuita zvinhu zvakasiyana-siyana. (VaE 1:3, 7) Semuenzaniso, tinoshanda nesimba kukoka vanhu kuChirangaridzo. Vamwe vanokwanisa kushanda semapiyona ebetsero mumwedzi waMarch naApril vaine chinangwa chekusvitsa maawa 30 kana kuti 50. Unoda here kuwedzera nguva yaunopedza uri muushumiri mumwaka weChirangaridzo? Zvii zvaungaita kuti ukwanise kuita izvozvo?

Kazhinji kacho, tinokwanisa kuita zvakawanda kana tikagara taronga zvatinoda kuzoita. (Zvi 21:5) Sezvo mwaka weChirangaridzo wava kusvika, ino ndiyo nguva yekutotanga kuronga. Funga nezvekuti zvii zvaunoda kuita kuti uwedzere ushumiri hwako mumwaka weChirangaridzo uye ronga zvaunoda kuita kuti uzadzise zvinangwa izvozvo. Ibva wakumbira Jehovha kuti akomborere zvauri kuda kuita.—1Jo 5:14, 15.

Ndezvipi zvimwe zvaunogona kuita kuti uwedzere ushumiri hwako mumwaka weChirangaridzo?

Zvinangwa

Zvandinofanira kuita kuti ndizadzise zvinangwa zvangu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe