RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 September p. 5
  • Wanano Ndeyeupenyu Hwese

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wanano Ndeyeupenyu Hwese
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenyaya Yekupinda Muwanano Kana Kuti Kugara Wakadaro?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kugadzirira Nokuda Kweroorano Inobudirira
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 September p. 5
Murume nemudzimai vari muushumiri.

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Wanano Ndeyeupenyu Hwese

Wanano dzevaKristu dzakasimba dzinokudza Jehovha uye dzinoita kuti murume nemudzimai vafare. (Mk 10:9) Kuti vaKristu vafare uye kuti wanano yavo ive yeupenyu hwese, vanofanira kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri pakusarudza wekuroorana naye.

Hakusi kuchenjera kuti utange kudanana nemumwe munhu iwe usati wapfuura “makore ekuyaruka,” nekuti nguva iyoyo chido chebonde chinenge chakanyanya kusimba uye unogona kutadza kuita chisarudzo chakanaka. (1VaK 7:36) Shandisa zvakanaka nguva yaunenge usati waroora kana kuroorwa kuti usimbise ushamwari hwako naMwari uye uve neunhu hwechiKristu. Ukadaro, zvichakuitira nyore kuzova newanano yakasimba.

Usati wabvuma kuroorana nemumwe munhu, nyatsozvipa nguva yekuti uzive “munhu akavanzika wemwoyo.” (1Pe 3:4) Kana pakava nezvinhu zvausina chokwadi nazvo, kurukura nemumwe wako. Chimwewo chaunofanira kuyeuka ndechekuti muwanano, unofanira kunyanya kufunga nezvekuti zvii zvandingaitira mumwe wangu kuti afare kupfuura kuti zvii zvaangandiitira kuti ndifare. (VaF 2:3, 4) Kana ukashandisa mazano ari muBhaibheri usati wapinda muwanano, zvichakuitira nyore kuzoashandisa kunyange wavamo uye muchafara muupenyu hwenyu.

ONA VHIDHIYO INONZI KUGADZIRIRA KUPINDA MUWANANO—CHIKAMU 3: “VERENGA ZVINODIWA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvinhu zvaifamba sei hanzvadzi iyi payaidanana naShane?

  • Hanzvadzi iyi yakatanga kuonei nekufamba kwenguva?

  • Vabereki vake vakamubatsira sei uye chisarudzo chipi chakanaka chaakazoita?

Hama iri kudanana neimwe hanzvadzi inogona kuzvibvunza kuti:

Unhu hupi hwechiKristu hwaainahwo? Zvii zvaari kuita zvinoratidza kuti ari kuisa Umambo pakutanga? Anoratidza here kuti anoremekedza mirayiridzo iri muBhaibheri uye inopiwa nesangano? Anoratidza kuti ane hanya nevamwe vanhu here?

Hanzvadzi iri kudanana neimwe hama inogona kuzvibvunza kuti:

Unhu hupi hwechiKristu hwaainahwo? Anokoshesa zvekunamata uye mabasa ake emuungano kupfuura basa, mari, mitambo, uye kuzvivaraidzahere? Anobata sei vanhu vekumba kwavo? Anoratidza kuti ane hanya nevamwe vanhu here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe