PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Zvii Zvatinodzidza Kubva Pambiru Mbiri?
Mbiru mbiri dzakagadzirwa dzikaiswa pavharanda raiva pamberi petemberi padzaionekwa nevanhu (1Mad 7:15, 16; w13 12/1 13 ¶3)
Mbiru dzacho dzakapiwa mazita ane zvaaireva (1Mad 7:21; it-1-E 348)
Jehovha aizobatsira vanhu ‘kusimbisa’ temberi chero bedzi vaizoramba vachivimba naye (1Mad 7:21, mashoko emuzasi; Pis 127:1)
Jehovha anogona kunge akatibatsira kukunda matambudziko akawanda kuti tiwane chokwadi. Asi tinofanira kuramba tichivimba naye kuitira kuti ‘timire takasimba mukutenda.’—1VaK 16:13.
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndiri kuratidza sei kuti ndinovimba naJehovha?’