RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 March p. 13
  • Matambudziko Ese Ane Paanogumira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Matambudziko Ese Ane Paanogumira
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Ramba Uine Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Mirira Jehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Une Chido Chekumirira Nemwoyo Murefu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 March p. 13
Mapikicha: Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi “Vanhu Vakabatana Munyika Isina Kubatana.” 1. Hama nehanzvadzi dzechitema dziri pagungano. 2. Hama dzechitema nedzechichena vaine madzimai avo. 3. Hanzvadzi yechitema neyechichena dzemazera akasiyana dzichiparidza pachingoro.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Matambudziko Ese Ane Paanogumira

Zviri nyore kuti matambudziko atiodze mwoyo, kunyanya kana akatora nguva refu aripo. Dhavhidhi aiziva kuti matambudziko aaisangana nawo aikonzerwa naMambo Sauro aizopera uye kuti aizova mambo sezvakanga zvavimbiswa naJehovha. (1Sa 16:13) Kutenda kwaDhavhidhi kwakamubatsira kuti amirire Jehovha nemwoyo murefu.

Patinenge tiri mumiedzo kana mumatambudziko, tinogona kushandisa ungwaru, ruzivo uye pfungwa dzedu kuti tichinje mamiriro edu ezvinhu. (1Sa 21:12-14; Zvi 1:4) Asi mamwe matambudziko anongoramba aripo kunyange taedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Pakadaro, tinofanira kuva nemwoyo murefu, tomirira Jehovha. Munguva pfupi iri kuuya, achagumisa matambudziko edu ese uye “achapukuta misodzi yese” pamaziso edu. (Zva 21:4) Pasinei nekuti matambudziko edu apera nekuti Jehovha anenge apindira kana kuti nezvimwewo zvikonzero, chatinoziva ndechekuti: Matambudziko ese ane paanogumira. Kuziva izvi kunotinyaradza.

ONA VHIDHIYO INONZI VANHU VAKABATANA MUNYIKA ISINA KUBATANA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Matambudziko api akasangana nevamwe vaKristu kumaodzanyemba kweUnited States?

  • Vakaratidza sei mwoyo murefu uye rudo?

  • Vakaitei kuti varambe vakaisa pfungwa ‘pazvinhu zvinokosha’?—VaF 1:10

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe