RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 November p. 9
  • Hanzvadzi Dzingawedzera Sei Basa Radzinoitira Jehovha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hanzvadzi Dzingawedzera Sei Basa Radzinoitira Jehovha?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Tsigira Vakadzi vechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Vakadzi Vari Kushanda Zvakaoma munaShe”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 November p. 9
Mifananidzo: Hanzvadzi dziri kushanda mumabasa akasiyana-siyana dzichifara. 1. Hanzvadzi iri muushumiri. 2. Hanzvadzi iri kushanda pabasa rekuvaka. 3. Hanzvadzi iri kuchenesa muImba yeUmambo. 4. Hanzvadzi iri kubatsira imwe hanzvadzi yechikuru kushandisa tablet. 5. Hanzvadzi iri kubatsira mwanasikana wayo kuti ape mhinduro pamusangano. 6. Hanzvadzi mbiri dziri kuparidza kuchitonhora.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Hanzvadzi Dzingawedzera Sei Basa Radzinoitira Jehovha?

Hanzvadzi dzine zvakawanda zvadzinoita mubasa reUmambo. (Pis 68:11) Ndidzo dzinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvinoitirwa pamba uye pamapiyona enguva dzese ndidzo dzakawanda. Kune zviuru zvehanzvadzi dzinoshanda nesimba mumabasa akadai sekuvaka, kushanda paBheteri, mamishinari, uye sevashanduri. Hanzvadzi dzakasimba pakunamata dzinosimbisa mhuri uye ungano. (Zvi 14:1) Kunyange zvazvo hanzvadzi dzisingashumiri sevakuru kana kuti sevashumiri veungano, dzinogona kuva nezvinangwa pakushumira Jehovha. Kana uri hanzvadzi, ndezvipi zvimwe zvaungaita kuti uwedzere pane zvaunoitira Jehovha?

  • Kuwedzera kuva neunhu hwechiKristu.—1Ti 3:11; 1Pe 3:3-6

  • Kubatsira dzimwe hanzvadzi dzemuungano dzisina ruzivo rwakawanda.—Tit 2:3-5

  • Kuwedzera nguva yaunoita ushumiri uye kuvandudza unyanzvi hwako muushumiri

  • Kudzidza mumwe mutauro

  • Kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda

  • Kunyorera kuti unoshanda paBheteri kana kubatsira pakuvaka zvivakwa zvesangano

  • Kunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo

ONA VHIDHIYO INONZI “VAKADZI VARI KUSHANDA NESIMBA MUNASHE,” WOZOPINDURA MUBVUNZO UYU:

  • Zvakataurwa nehanzvadzi imwe neimwe zvakukurudzira sei?

Hanzvadzi nhatu dziri muvhidhiyo inonzi “Vakadzi Vari Kushanda Nesimba Munashe.”
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe