July 19-25
DHEUTERONOMI 16-18
Rwiyo 115 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Mazano Ekutonga Nyaya Zvakarurama”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Dhe 17:7—Nei Mutemo waiti zvapupu zvinenge zvakaona mumwe munhu achiita zvakaipa zviri izvo zvaifanira kutanga kumutema nematombo? (it-1-E 787)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) Dhe 16:9-22 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min.) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Ipa saimba magazini inoenderana nenyaya yaataura. (th chidzidzo 3)
Paunodzokera: (4 min.) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Ipa saimba chimwe chezviri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. (th chidzidzo 4)
Hurukuro: (5 min.) it-1-E 519 ¶4—Musoro: Muungano yechiKristu Mune Vatongi Here? (th chidzidzo 18)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Unogona Kushumira Sapiyona Wenguva Dzese Here?: (10 min.) Mutariri webasa achakurukura nevateereri mashoko ari munyaya dziri muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa yaJuly 2016. Nyaya dzacho dzinoti: “Wadii Kumbozviedza Kwegore Rimwe Chete?” uye “Machati Ekuita Upiyona Hwenguva Dzose.” Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Jehovha Anotsigira Ushumiri Hwedu mokurukura zvirimo.
Zvemuungano Yenyu: (5 min.)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) rr chits. 11 ¶1-8, vhidhiyo yekusuma
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 60 Nemunyengetero