RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 January p. 3
  • Vabereki, Itai Kuti Vana Venyu Vave Neruzivo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki, Itai Kuti Vana Venyu Vave Neruzivo
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vana “Inhaka Inobva Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 January p. 3
Vana vari kuita chiratidzo chekuramba zvimwe zvinhu pavari kudzidziswa nevabereki vavo kuti vazvidzivirire.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vabereki, Itai Kuti Vana Venyu Vave Neruzivo

Tiri kurarama munyika inoona zvinhu zvakanaka sezvakaipa uye zvakaipa sezvakanaka. (Isa 5:20) Vamwe vanhu vanoita zvinhu zvinovengwa naJehovha zvakadai seungochani. Vekuchikoro kana vamwewo vanhu vangaedza kunyengera vechidiki vedu kuti vavatevedzere. Ungabatsira sei vana vako kuti vakunde miedzo yakadai nemimwewo?

Itai kuti vana venyu vazive zvinodiwa naJehovha. (Re 18:3) Rambai muchivaudza zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde zvichienderana nezera ravo. (Dhe 6:7) Zvibvunzei kuti: ‘Ndakadzidzisa vana vangu nezvenzira dzakakodzera dzekuratidza kufarira vamwe vanhu, kukosha kwekupfeka hembe dzine mutsigo uye kuti vamwe vanhu vanofanira kuremekedza miviri yavo here? Vana vangu vanoziva zvekuita here kana mumwe munhu akaedza kuvaratidza mifananidzo inonyadzisira kana kuti akavaudza kuti vaite zvinhu zvinonzi naJehovha zvakaipa?’ Mukagara mapa vana venyu ruzivo zvinovabatsira kuti vasapinda mumatambudziko. (Zvi 27:12; Mup 7:12) Mukadzidzisa vana venyu munoratidza kuti munoda nhaka yamakapiwa naJehovha.—Pis 127:3.

ONA VHIDHIYO INONZI VAKA IMBA ICHARAMBA YAKAMIRA—DZIVIRIRAI VANA VENYU PAZVINHU “ZVAKAIPA,” WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Vaka Imba Icharamba Yakamira—Dzivirirai Vana Venyu Pazvinhu “Zvakaipa.” Amai nemwanakomana wavo vari kuona vhidhiyo inonzi ‘Dzivirirai Vana Venyu.’

    Nei vamwe vachizeza kudzidzisa vana vavo nezvebonde?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Vaka Imba Icharamba Yakamira—Dzivirirai Vana Venyu Pazvinhu “Zvakaipa.” Vabereki vari kukurukura nevana vavo vaviri vachishandisa bhuku rinonzi ‘Dzidza Kumudzidzisi Mukuru’ nemamwewo mabhuku.

    Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo ‘vachivarayira sezvinodiwa naJehovha’?—VaE 6:4

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Vaka Imba Icharamba Yakamira—Dzivirirai Vana Venyu Pazvinhu “Zvakaipa.’’ Vabereki vemuAfrica vari kuverenga nekukurukura magwaro nevana vavo.

    Ruzivo runodzivirira

    Zvii zvatiri kupiwa nesangano raJehovha zvinobatsira vabereki kuti vadzidzise vana vavo zvine chekuita nebonde?—w19.05 12, bhokisi

  • Nei uchifanira kugara uchikurukura nevana vako matambudziko asati amuka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe