RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 December p. 8
  • Ramba Uchishandisa Magazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchishandisa Magazini
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 December p. 8
Hanzvadzi iri kutaura nemumwe mukadzi nezveimwe nyaya iri muMukai!

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ramba Uchishandisa Magazini

Kubva muna 2018, magazini imwe neimwe yatinopa vanhu inenge ichitaura nezvenyaya imwe chete. Magazini aya anowanikawo muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa. Saka tinogona kuashandisa muushumiri. Tinogonawo kutakura mashoma patinenge tiri parwendo kana kuti patinenge tichitenga. Magazini acho haasi ekushandisa pakudzidza Bhaibheri nevanhu asi anogona kuita kuti vanhu vade kuziva zvakawanda nezvaMwari.

Kana watanga kukurukura nemunhu, muverengere rugwaro uye taura nezvenyaya yaangafarira iri mumagazini yacho. Semuenzaniso, kana aine mhuri kana kuti aine zviri kumunetsa, ungati: “Ndine imwe nyaya yandakaverenga ine mazano akanaka. Ndokuratidzai here?” Kana ukaona kuti munhu wacho ari kuda kuziva zvakawanda, unogona kumupa magazini yakaprindwa kana kumutumira pafoni, kunyange paunomuona kekutanga. Kunyange zvazvo chinangwa chedu chikuru chisiri chekupa vanhu mabhuku, magazini anogona kutibatsira kuwana vanhu vanoda kushandisa zvavanodzidza.—Mab 13:48.

2018

Mapikicha: Misoro yenyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai a2018. 1. ‘Bhaibheri Richiri Kushanda Here?’ 2. ‘Ramangwana Rakamira Sei?’ 3. ‘Mwari Anokuda Here?’ 4. ‘Nzira Yekuwana Mufaro.’ 5. ‘Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare.’ 6.‘Mazano Ekubatsira Vakafirwa.’

2019

Mapikicha: Misoro yenyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai a2019. 1. ‘Mwari Unomuziva Here?’ 2. ‘Chandinoraramira Chii?’ 3. ‘Munhu Akafa Zvatopera Here?’ 4. ‘Tichazomborarama Tisina Chekutya Here?’ 5. ‘Zvinhu 6 Zvinofanira Kudzidziswa Vana.’ 6. ‘Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here?’

2020

Mapikicha: Misoro yenyaya dziri mumagazini eNharireyomurindi neMukai a2020. 1. ‘Kutsvaga Chokwadi.’ 2. ‘Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?’ 3. ‘Makomborero Anobva Kuna Mwari.’ 4. ‘Kuwana Zororo Padambudziko Rekushushikana.’ 5. ‘5 Nei Tichitambura.’ 6. ‘Rusarura Ruchapera Here?’

Inyaya dzipi dzinofarirwa nevanhu mundima yenyu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe