PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | EKSODHO 37-38
Atari Dzepatebhenekeri Uye Basa Radzo Pakunamata Kwechokwadi
Atari dzepatebhenekeri dzakagadzirwa zvaienderana nemirayiridzo yakanga yapiwa naJehovha uye pane zvinokosha zvadzaimiririra.
Jehovha anofadzwa neminyengetero yevashumiri vake vakatendeka, sekufadzwa kwaaiitwa nerusenzi yaipiswa
Jehovha aigamuchira zvibayiro zvaipiswa paatari yekupisira zvibayiro. Atari iyi yaiva muchivanze pamberi petebhenekeri uye izvi zvinotiyeuchidza kuti tinofanira kutenda muchibayiro chaJesu kuti tifarirwe naMwari.—Joh 3:16-18; VaH 10:5-10
Tingaita sei kuti minyengetero yedu ive serusenzi pamberi paMwari?—Pis 141:2