RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 October p. 5
  • Vechidiki—Jehovha Ishamwari Yenyu Yepamwoyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vechidiki—Jehovha Ishamwari Yenyu Yepamwoyo Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Ndinofanira Kumhan’arira Shamwari Yangu Here?
    Mukai!—2009
  • Neiko Shamwari Yangu Yandinodisisa Yakatama?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 October p. 5
Mukomana ari kudzidza Bhaibheri ari ega.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vechidiki—Jehovha Ishamwari Yenyu Yepamwoyo Here?

Unoda shamwari yakaita sei? Munhu wese anoda shamwari yakavimbika, isinganyimi, uye ine tsitsi. Izvozvo ndizvo zvakaita Jehovha. (Eks 34:6; Mab 14:17) Anoteerera paunonyengetera kwaari. Anokubatsira pese paunenge uchida kubatsirwa. (Pis 18:19, 35) Anokuregerera paunokanganisa. (1Jo 1:9) Jehovha ishamwari yakanaka chaizvo!

Ungaita sei kuti uve shamwari yaJehovha? Verenga Shoko rake kuti udzidze nezvake. Muudze zvinokunetsa. (Pis 62:8; 142:2) Ratidza kuti unokoshesawo zvinhu zvaanokoshesa, zvakadai seMwanakomana wake, Umambo hwake, uye zvaakavimbisa kutiitira mune ramangwana. Udza vamwe nezvake. (Dhe 32:3) Kana ukashanda nesimba kuti uve shamwari yaJehovha, achava shamwari yako nekusingaperi.—Pis 73:25, 26, 28.

ONA VHIDHIYO INONZI VECHIDIKI—“RAVIRAI HENYU MUONE KUTI JEHOVHA AKANAKA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chemuvhidhiyo inonzi ‘Vechidiki—Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka.’ Musikana ari kunyengetera asati atanga kudzidza Bhaibheri.

    Zvii zvaungaita kuti ukwanise kuzozvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

  • Chikamu chemuvhidhiyo inonzi ‘Vechidiki—Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka.’ Mukomana ari kuparidzira munhu anotaura chiKaren (S’gaw).

    Vamwe vari muungano vanogona kukubatsira sei kuti ushumire Jehovha?

  • Chikamu chemuvhidhiyo inonzi ‘Vechidiki—Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka.’ Mukomana ari kuparidza nehama yechikuru.

    Kuita basa rekuparidza kunosimbisa sei ushamwari hwako naJehovha?

  • Chikamu chemuvhidhiyo inonzi ‘Vechidiki—Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka.’ Musikana afamba maawa maviri kuti auye kuzodzidzisa mumwe musikana asingagoni kutaura.

    Unogona kuva shamwari yaJehovha nekusingaperi!

    Mabasa api aunogona kuita pakushumira Jehovha?

  • Ndeupi unhu hwaJehovha hwaunonyanya kufarira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe